Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 25

25
Kufa kwaAbrahama.
1Ɀino Abrahama wakawana ɀe mumŋe mukadzi, wainzi Ketura. 2Iye akamuɓerekera Zimrami, naJokshani, naMedani, naMidiani, naIshbaki, naShua. 3Jokshani akaɓereka ShebanaDedani. Ʋanakomana ʋaDedani ʋakaŋga ʋari ʋaAshuri, naʋaRetushi, naʋaReumi. 4Ʋanakomana ʋaMidiani ʋakaŋga ʋari Efa, naEferi, naHanoki, naAbida, naErda Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋari ʋana ʋaKetura. 5Abrahama akapa Isaka ɀose ɀaakaŋga anaɀo. 6Asi ʋanakomana ʋaʋaroŋgo ʋaAbrahama ʋaakaŋga anaʋo, Abrahama wakaʋapa ɀipo; akaʋatuma, iye aciri mupenyu, ʋabve kunaIsaka mŋanakomana wake, ʋaende kumabvazuʋa, kunyika yokumabvazuʋa. 7Ndiwo mazuʋa amakore oʋupenyu bgaAbrahama: Makore anezana namakumi manomŋe namashanu. 8Abrahama akaɓuɗisa mŋeya wake, akafa akwegura kwaɀo, aʋa mutana, makore ake aʋa mazhinji, akasoŋganiswa naʋanhu ʋake. 9Isaka naIshmaeri, ʋanakomana ʋake, ʋakamuʋiga muɓako reMakpera, mumunda waEfroni, mŋanakomana waZohari, waʋaHeti, wakatarisana neMamre; 10ndiwo munda wakaŋga wateŋgwa naAbrahama kuʋana ʋaHeti; ndi’po pakaʋigwa Abrahama naSara, mukadzi wake. 11Ɀino Abrahama wakati afa, Mŋari akaropafadza Isaka, mŋanakomana wake; Isaka akagara paBeeri‐rakai‐roi.
12Ndiwo marudzi aIshmaeri, mŋanakomana waAbrahama, wakaɓerekerwa Abrahama naHagari, muEgipita, murandakadzi waSara. 13Ndiwo mazita aʋanakomana ʋaIshmaeri, ndiwo mazita aʋo pakuɀarwa kwaʋo: Weɗaŋgwe waIshmaeri wakaŋga ari Nebayoti, naKedari, naAdberi, naMibsami, 14naMishma, naDuma, naMasa, 15naHadadi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedema; 16ndiʋo ʋanakomana ʋaIshmaeri, ndiwo mazita aʋo, pamisha yaʋo napamatente aʋo; macinda anegumi namaʋiri nendudzi dzaʋo. 17Ndiwo makore oʋupenyu bgaIshmaeri, makore anezana namakumi matatu namanomŋe; akaɓuɗisa mŋeya wake, akafa, akasoŋganiswa naʋanhu ʋake. 18Ʋakagara kubva paHavira kuȿikira paShuri, mberi kweEgipita, kana munhu acienda Asiria; akandogara akatarisana nehama dzake dzose.
Kuɀarwa kwaEsau naJakobo.
19Ndiwo marudzi aIsaka, mŋanakomana waAbrahama: Abrahama wakaɓereka Isaka; 20Isaka wakaŋga anamakore anamakumi manna pakuwana kwake Rebeka, mukunda waBetueri, muAramia, wePadani‐arami, hanɀadzi yaRabani, muAramia, kuti aʋe mukadzi wake. 21Ɀino Isaka wakanyeŋgeterera mukadzi wake kunaJehova, nokuti wakaŋga asiŋgaɓereki; Jehova akanzwa kunyeŋgetera kwake, Rebeka, mukadzi wake, akaʋa nemimba. 22Ɀino ʋana ʋakasundana mukati make, akati: Kana ɀakaɗaro, ndakaitirweiko iɀoɀi — Akandobvunza Jehova. 23Jehova akati kwaari:
Munendudzi mbiri muciɀaro cako,
Ndudzi mbiri dzicaparadzana, dzicibva muɗumbu rako;
Rumŋe rudzi rucakunda rumŋe rudzi nesimba;
Mukuru ucashumira muɗuku.
24Ɀino mazuʋa ake okuɓereka akati aȿika, ʋonei ʋana ʋaʋiri ʋari muciɀaro cake. 25Wokutaŋga akaɓuɗa ari mutȿuku, muʋiri wose wakaita seŋguʋo inemvere; ʋakatumidza zita rake Esau. 26Pashure munuŋuna wake akaɓuɗa, ruʋoko rwake rwakaɓata citsitsinho caEsau, ʋakatumidza zita rake Jakobo; Isaka wakaŋga anamakore makumi matanhatu pakuɓerekwa kwaʋo. 27Ʋakomana ʋakakura; Esau akaʋa mudzimba wakacenjera, murume wesaŋgo; Jakobo wakaŋga ari murume wakarurama, waigara mumatente. 28Isaka akaɗa Esau, nokuti waiɗa nyama yemhuka, asi Rebeka wakaŋga aciɗa Jakobo. 29Ɀino Jakobo wakaŋga aɓika ɀokudya, Esau akaȿika acibva kusaŋgo aɀiya; 30Esau akati kunaJakobo: Ƌondipa ʋo iɀo ɀakatȿuka ndidye, nokuti ndaziya; saka wakatumidzwa zita rinonzi Edomi. 31Jakobo akati: Cimbonditeŋgesera ʋuɗaŋgwe bgako. 32Esau akati: Tarira, ndofa haŋgu, ʋuɗaŋgwe ʋucandiɓatsireiko? 33Jakobo akati: Cimbondipikira; akamupikira, akateŋgesera Jakobo ʋuɗaŋgwe bgake. 34Jakobo akapa Esau ciŋgwa neɀokudya ɀenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akaɀidza ʋuɗaŋgwe bgake saiɀoɀo.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 25: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda