Genesisi 25:1-34
Genesisi 25:1-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Abhurahama akawana mumwe mukadzi, zita rake ainzi Ketura. Akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi. Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura. Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka. Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva. Pamwe chete, Abhurahama akararama makore zana namakumi manomwe namashanu. Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake. Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti, munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara. Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi. Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, iye Ishumaeri, akaberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita, murandakadzi waSara. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIshumaeri, akanyorwa muurongwa hwamaberekerwo avo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami, Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi naKedhema. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri, uye aya ndiwo mazita avatongi gumi navaviri vamarudzi maererano namagariro avo nemisasa yavo. Pamwe chete, Ishumaeri akararama makore zana namakumi matatu namakore manomwe. Akabudisa mweya wake akafa, akasanganiswa navanhu vake. Zvizvarwa zvake zvakandogara munzvimbo yaibva kuHavhira kusvikira kuShuri, pedyo nomuganhu weIjipiti, kana munhu achienda akananga kuAshuri. Uye vakagara vachipesana nehama dzavo. Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, Isaka. Abhurahama akabereka Isaka, uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu. Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba. Vana vakanga vachisundana mukati make, iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha. Jehovha akati kwaari, “Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana; rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe, uye mukuru achashumira muduku.” Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake. Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau. Shure kwaizvozvo, mununʼuna wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka. Vakomana vakakura, uye Esau akava mudzimba akachenjera, murume wesango, asi Jakobho akanga ari murume akanyarara, achigara pakati pamatende. Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho. Rimwe zuva Jakobho paakanga achibika zvokudya, Esau akasvikopinda achibva kusango, aziya nenzara! Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu). Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.” Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?” Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho. Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda. Saka Esau akazvidza udangwe hwake.
Genesisi 25:1-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Abhurahamu akawanazve mumwe mukadzi, wainzi Ketura. Iye akamuberekera Zimurami, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua. Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Vanakomana vaDhedhani vakanga vari vaAshuri, navaRetushi, navaReumi. Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vakanga vari vana vaKetura. Abhurahamu akapa Isaka zvose zvaakanga anazvo. Asi vanakomana vavarongo vaAbhurahamu vaakanga anavo, Abhurahamu wakavapa zvipo; akavatuma, iye achiri mupenyu, vabve kuna Isaka mwanakomana wake, vaende kumabvazuva, kunyika yokumabvazuva. Ndiwo mazuva amakore oupenyu hwaAbhurahamu. Makore ane zana namakumi manomwe namashanu. Abhurahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa navanhu vake. Isaka naIshimaeri, vanakomana vake, vakamuviga mubako reMakapera, mumunda waEfuroni, mwanakomana waZohari, wavaHeti, wakatarisana neMamure; ndiwo munda wakanga watengwa naAbhurahamu kuvana vaHeti; ndipo pakavigwa Abhurahamu naSara, mukadzi wake. Zvino Abhurahamu wakati afa, Mwari akaropafadza Isaka, mwanakomana wake; Isaka akagara paBheeri-rakai-roi. Ndiwo marudzi aIshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, wakaberekerwa Abhurahamu naHagari, muIjipiti, murandakadzi waSara. Ndiwo mazita avanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo pakuzvarwa kwavo. Wedangwe waIshimaeri wakanga ari Nebhayoti, naKedhari, naAdhibheri, naMibhisami, naMishima, naDhuma, naMasa, naHadhadhi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedhema; ndivo vanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo, pamisha yavo napamatende avo; machinda ane gumi namaviri nendudzi dzavo. Ndiwo makore oupenyu hwaIshimaeri, makore ane zana namakumi matatu namanomwe; akabudisa mweya wake, akafa, akasanganiswa navanhu vake. Vakagara kubva paHavhira kusvikira paShuri, mberi kweIjipiti, kana munhu achienda Asiria; akandogara akatarisana nehama dzake dzose. Ndiwo marudzi aIsaka, mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaka; Isaka akanga ana makore ana makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muAramu, wePadhanaramu, hanzvadzi yaRabhani, muAramu, kuti ave mukadzi wake. Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunyengetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba. Zvino vana vakasundana mukati make, akati, “Kana zvakadaro, ndakaitirweiko izvozvi?” Akandobvunza Jehovha. Jehovha akati kwaari, “Mune ndudzi mbiri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana, dzichibva mudumbu rako; rumwe rudzi ruchakunda rumwe rudzi nesimba; mukuru achashumira muduku.” Zvino mazuva ake okubereka akati asvika, onei vana vaviri vari muchizvaro chake. Wokutanga akabuda ari mutsvuku, muviri wose wakaita senguo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau. Pashure mun'una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobho. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo. Vakomana vakakura; Esau akava mudzimba wakachenjera, murume wesango; Jakobho wakanga ari murume wakarurama, waigara mumatende. Isaka akada Esau, nokuti waida nyama yemhuka, asi Rabheka wakanga achida Jakobho. Zvino Jakobho wakanga abika zvokudya, Esau akasvika achibva kusango aziya; Esau akati kuna Jakobho, “Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye, nokuti ndaziya;” saka wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu. Jakobho akati, “Chimbonditengesera udangwe hwako.” Esau akati, “Tarira, ndofa hangu, udangwe uchandibatsireiko?” Jakobho akati, “Chimbondipikira;” akamupikira, akatengesera Jakobho udangwe hwake. Jakobho akapa Esau chingwa nezvokudya zvenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo.
Genesisi 25:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhurahamu akaroorazve mumwe mukadzi ainzi Ketura. Ketura akamuberekera Zimurani naJokishani naMedhani, naMidhiani naIshabhagi naShua. Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Zvizvarwa zvokwaDhedhani ndivo vaAshurimu navaRetushimu navaReumimu. Vanakomana vaMidhiani vaiva vanaEfa naEferi naHanoki naAbhidha naEridha. Ava vose vaiva vana vaKetura. Abhurahamu akapa Isaki zvose zvaakanga anazvo. Asi iye achiri mupenyu akapa zvipo vamwe vanakomana vake vaakabereka navamwe vakadzi, akavati vabve pana Isaki mwanakomana wake, vaende kunyika dziri kumabvazuva. Iri ndiro zera rakasvitswa naAbhurahamu, akagara panyika zana namakumi manomwe amakore ana makore mashanu. Abhurahamu akanyatsochembera zvake zvokugutsikanawo ndokubva azoenda zvake kwakaenda vamwe vokwake. Isaki naIshimaeri vanakomana vake vakamuviga mubako reMakipera panzvimbo yaiva yaEfuroni mwanakomana waZohari, muHiti nechokumabvazuva kweMamure. Ndiyo nzvimbo yakatengwa naAbhurahamu kuna Efuroni muHiti. Abhurahamu nomudzimai wake Sara ndipo pavakavigwa ipapo. Mushure mokufa kwaAbhurahamu, Mwari wakakomborera Isaki mwanakomana wake. Isaki akambogara pedyo neBheerirahairoi. Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaIshimaeri mwanakomana waAbhurahamu naHagari muIjipiti uya aiva muranda waSara. Haanoi mazita avanakomana vavaIshimaeri sokutevedzana kwavo: kwaiti dangwe ravo Nebhayoti tevere Kedhari naAdhibhieri naMibhusamu, kwouya Mishima naDhuma naMasa, kwoti Hadhadhi naTema naJeturi, kwozoti Nafishi naKedhima. Ivava ndivo vanakomana vaIshimaeri uyewo iwaya ndiwo mazita ematunhu avo nemisha yavo, vari vakuru vakuru gumi navaviri namamiriro akaita madzinza avo. Makore oupenyu hwaIshimaeri ndeaya, akagara zana namakumi matatu amakore ana makore manomwe zvoupenyu zvakazomuperera akafa ndokuzoenda zvake kwakaenda vamwe vokwake. Vezvizvarwa zvokwaIshimaeri vaigara munyika inobvira paHavhira ichindosvika kuShuru pakatarisana neIjipiti takananga kuAsiria. Asi vaigara kure nehama dzavo vasingawirirane nehama dzavo. Heinoi nhoroondo yemhuri yaIsaki mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaki. Isaki akanga ava namakore makumi mana panguva yaakaroora Ribheka mwanasikana waBhetueri worudzi rwavaAramu wokuPadhaniaramu, hanzvadzi yaRabhani muAramu. Isaki akanamata kuna Tenzi achikumbirira mudzimai wake Ribheka nokuti akanga asina mbereko. Tenzi akanzwa chichemo chake, ndokubva mudzimai wake Ribheka ava napamuviri. Zvino vana vaikikiridzana munhumbu make, ndokubva ati, “Kana zvichidai zvichandisvitsa kupiko?” Saka akaenda kundonzwa kuna Tenzi. Tenzi akamuti, “Munhumbu mako mune ndudzi mbiri dzavanhu. Uchasununguka ndudzi dzavanhu mbiri dzichagara dzakamukirana. Rumwe rwacho ruchange rune simba kupfuura rumwe. Mukoma achashandira munun'una.” Kuzoti nguva yokusununguka kwake yasvika akapona vana vaviri, mapatya. Wokutanga akabuda akatsvukuruka, muviri wake wose wakati mvere tsvete, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Esau. Ndokuzobudawo munun'una wake akabata chitsitsinho chaEsau, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaki akanga ava namakore makumi matanhatu paakabereka vana ivava. Vakomana ava vakakura, Esau akava hombarume yokuvhima, munhu wokugara musango; Jakobho ari munhu akanyarara aida zvake zvokugara pamba. Isaki aida Esau nokuti aimuvhimira nyama, asi Ribheka aida Jakobho. Rimwe zuva Jakobho akati achibika rupiza Esau ndokudzoka achibva musango aziya nenzara. Esau akati kuna Jakobho, “Dondipawo zvawabika zvakatsvukirira izvo ndidye nokuti ndaziya nenzara!” (Ndosaka akatumidzwa zita rokuti Edhomu). Jakobho akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako!” Esau ndokuti, “Ini ndava kufa nenzara kudai, ko udangwe hungandibatsirei?” Jakobho akati, “Tanga wapika izvozvo kwandiri nhasi uno. Naizvozvo Esau akapika akabva atengesera Jakobho udangwe hwake. Jakobho akapa Esau chingwa norupiza rwenyemba. Akadya akanwa akasumuka oenda zvake, nokudaro Esau akazvikanganisira udangwe hwake.”
Genesisi 25:1-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Abrahama wakawana ɀe mumŋe mukadzi, wainzi Ketura. Iye akamuɓerekera Zimrami, naJokshani, naMedani, naMidiani, naIshbaki, naShua. Jokshani akaɓereka ShebanaDedani. Ʋanakomana ʋaDedani ʋakaŋga ʋari ʋaAshuri, naʋaRetushi, naʋaReumi. Ʋanakomana ʋaMidiani ʋakaŋga ʋari Efa, naEferi, naHanoki, naAbida, naErda Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋari ʋana ʋaKetura. Abrahama akapa Isaka ɀose ɀaakaŋga anaɀo. Asi ʋanakomana ʋaʋaroŋgo ʋaAbrahama ʋaakaŋga anaʋo, Abrahama wakaʋapa ɀipo; akaʋatuma, iye aciri mupenyu, ʋabve kunaIsaka mŋanakomana wake, ʋaende kumabvazuʋa, kunyika yokumabvazuʋa. Ndiwo mazuʋa amakore oʋupenyu bgaAbrahama: Makore anezana namakumi manomŋe namashanu. Abrahama akaɓuɗisa mŋeya wake, akafa akwegura kwaɀo, aʋa mutana, makore ake aʋa mazhinji, akasoŋganiswa naʋanhu ʋake. Isaka naIshmaeri, ʋanakomana ʋake, ʋakamuʋiga muɓako reMakpera, mumunda waEfroni, mŋanakomana waZohari, waʋaHeti, wakatarisana neMamre; ndiwo munda wakaŋga wateŋgwa naAbrahama kuʋana ʋaHeti; ndi’po pakaʋigwa Abrahama naSara, mukadzi wake. Ɀino Abrahama wakati afa, Mŋari akaropafadza Isaka, mŋanakomana wake; Isaka akagara paBeeri‐rakai‐roi. Ndiwo marudzi aIshmaeri, mŋanakomana waAbrahama, wakaɓerekerwa Abrahama naHagari, muEgipita, murandakadzi waSara. Ndiwo mazita aʋanakomana ʋaIshmaeri, ndiwo mazita aʋo pakuɀarwa kwaʋo: Weɗaŋgwe waIshmaeri wakaŋga ari Nebayoti, naKedari, naAdberi, naMibsami, naMishma, naDuma, naMasa, naHadadi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedema; ndiʋo ʋanakomana ʋaIshmaeri, ndiwo mazita aʋo, pamisha yaʋo napamatente aʋo; macinda anegumi namaʋiri nendudzi dzaʋo. Ndiwo makore oʋupenyu bgaIshmaeri, makore anezana namakumi matatu namanomŋe; akaɓuɗisa mŋeya wake, akafa, akasoŋganiswa naʋanhu ʋake. Ʋakagara kubva paHavira kuȿikira paShuri, mberi kweEgipita, kana munhu acienda Asiria; akandogara akatarisana nehama dzake dzose. Ndiwo marudzi aIsaka, mŋanakomana waAbrahama: Abrahama wakaɓereka Isaka; Isaka wakaŋga anamakore anamakumi manna pakuwana kwake Rebeka, mukunda waBetueri, muAramia, wePadani‐arami, hanɀadzi yaRabani, muAramia, kuti aʋe mukadzi wake. Ɀino Isaka wakanyeŋgeterera mukadzi wake kunaJehova, nokuti wakaŋga asiŋgaɓereki; Jehova akanzwa kunyeŋgetera kwake, Rebeka, mukadzi wake, akaʋa nemimba. Ɀino ʋana ʋakasundana mukati make, akati: Kana ɀakaɗaro, ndakaitirweiko iɀoɀi — Akandobvunza Jehova. Jehova akati kwaari: Munendudzi mbiri muciɀaro cako, Ndudzi mbiri dzicaparadzana, dzicibva muɗumbu rako; Rumŋe rudzi rucakunda rumŋe rudzi nesimba; Mukuru ucashumira muɗuku. Ɀino mazuʋa ake okuɓereka akati aȿika, ʋonei ʋana ʋaʋiri ʋari muciɀaro cake. Wokutaŋga akaɓuɗa ari mutȿuku, muʋiri wose wakaita seŋguʋo inemvere; ʋakatumidza zita rake Esau. Pashure munuŋuna wake akaɓuɗa, ruʋoko rwake rwakaɓata citsitsinho caEsau, ʋakatumidza zita rake Jakobo; Isaka wakaŋga anamakore makumi matanhatu pakuɓerekwa kwaʋo. Ʋakomana ʋakakura; Esau akaʋa mudzimba wakacenjera, murume wesaŋgo; Jakobo wakaŋga ari murume wakarurama, waigara mumatente. Isaka akaɗa Esau, nokuti waiɗa nyama yemhuka, asi Rebeka wakaŋga aciɗa Jakobo. Ɀino Jakobo wakaŋga aɓika ɀokudya, Esau akaȿika acibva kusaŋgo aɀiya; Esau akati kunaJakobo: Ƌondipa ʋo iɀo ɀakatȿuka ndidye, nokuti ndaziya; saka wakatumidzwa zita rinonzi Edomi. Jakobo akati: Cimbonditeŋgesera ʋuɗaŋgwe bgako. Esau akati: Tarira, ndofa haŋgu, ʋuɗaŋgwe ʋucandiɓatsireiko? Jakobo akati: Cimbondipikira; akamupikira, akateŋgesera Jakobo ʋuɗaŋgwe bgake. Jakobo akapa Esau ciŋgwa neɀokudya ɀenyemba; akadya, akanwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akaɀidza ʋuɗaŋgwe bgake saiɀoɀo.
Genesisi 25:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)