Genesisi 22:7-12
Genesisi 22:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Isaka akataura nababa vake Abhurahama akati, “Baba!” Abhurahama akati, “Chiiko mwanangu?” Isaka akati, “Moto nehuni zviri pano, asi gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?” Abhurahama akapindura akati, “Mwari pachake ndiye achapa gwayana rechipiriso chinopiswa, mwanakomana wangu.” Vakati vasvika panzvimbo yaakanga ataurirwa nezvayo naMwari, Abhurahama akavaka aritari ipapo uye akaisa huni pamusoro payo. Akasunga mwanakomana wake Isaka akamuradzika paaritari, pamusoro pehuni. Ipapo akatambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake. Asi mutumwa waJehovha akadanidzira kwaari kubva kudenga akati, “Abhurahama! Abhurahama!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.”
Genesisi 22:7-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, “Baba vangu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu, mwana wangu.” Akati, “Hoyu moto nehuni; asi gwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?” Abhurahamu akati, “Mwari uchatipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu;” saizvozvo vakafamba vari vaviri. Vakandosvika panzvimbo yaakaudzwa naMwari; Abhurahamu akavakapo atari, akagadzira huni, ndokusunga mwanakomana wake, akamuisa paatari pamusoro pehuni. Zvino Abhurahamu akatambanudza ruoko rwake, akatora banga, kuti abaye mwanakomana wake. Ipapo mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari, ari kudenga akati, “Abhurahamu! Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.”
Genesisi 22:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Isaki akabvunza Abhurahamu baba vake achiti, “Nhai baba!” Iye akati, “Chiiko mwanangu?” Isaki akati, “Moto nehuni tinazvo, ko hwayana yokundoita chibayiro chomupiro wokupisa iri kupi?” Abhurahamu akati, “Mwanangu, Mwari pachake ndiye achaona kuti tawana hwayana yechibayiro chemupiro wokupisa.” Saka vose vari vaviri vakaenda zvavo. Vakasvika panzvimbo yavakanga vataurirwa naMwari. Abhurahamu akavaka atari ipapo. Akanyatsoronga huni, akasunga Isaki mwanakomana wake akamuradzika paatari, pamusoro pehuni. Abhurahamu ndokutambanudza ruoko rwake otora banga kuti achibaya mwana wake. Pakarepo mutumwa waMwari akadaidzira ari mudenga achiti, “Abhurahamu, Abhurahamu!” Abhurahamu akati, “Ndiri pano.” Mutumwa akati, “Usakuvadze mwana wako kana kuwana chaungaite paari. Zvino ndazoziva kuti unotya Mwari, zvausina kurambira nomwanakomana wako, mumwe chete oga.”
Genesisi 22:7-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Isaka akataura naAbrahama, ɓaɓa ʋake, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu! Iye akati: Ndiri pano haŋgu, mŋana waŋgu. Akati: Hoyu mŋoto nehuni; asi gwaiana reciɓayiro cinopiswa riripiko? Abrahama akati: Mŋari ucapa amene gwaiana reciɓayiro cinopiswa, mŋana waŋgu; saiɀoɀo ʋakafamba ʋari ʋaʋiri. Ʋakandoȿika panɀimbo yaakaʋudzwa naMŋari; Abrahama akaʋaka’po artari, akagadzira huni, ndokusuŋga mŋanakomana wake, akamuisa paartari pamsoro pehuni. Ɀino Abrahama akatambanudza ruʋoko rwake, akatora ɓaŋga, kuti aɓaye mŋanakomana wake. Ipapo mutumŋa waJehova wakaɗanidzira kwaari, ari kuɗeŋga, akati: Abrahama! Abrahama! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Usaisa ruʋoko rwako kumŋana, usamuitira cinhu; nokuti ɀino ndinoziʋa kuti unotya Mŋari, ɀausina‐kundinyima mŋanakomana wako, iye mŋanakomana wako mumŋe cete.
Genesisi 22:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)