Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 22

22
Abhurahamu anobayira Isaka
1Shure kwaizvozvo Mwari wakaedza Abhurahamu, akati kwaari, “Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
2Akati, “Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”
3Abhurahamu akamuka mangwanani, akasunga mbongoro yake, akatora majaya ake maviri naIsaka, mwanakomana wake, akatsemura huni dzechibayiro chinopiswa, ndokusimuka, akaenda kunzvimbo yaakaudzwa naMwari. 4Zvino nomusi wetatu Abhurahamu akasimudza meso ake, akaona nzvimbo iyo ari kure. 5Abhurahamu akati kumajaya ake, “Imi chigarai henyu pano nembongoro, ini nomwana tichaenda ikoko; tichambondonamata, tigodzokera kwamuri.”
6Abhurahamu akatora huni dzechibayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto nebanga muruoko rwake, vakaenda vari vaviri.
7Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, “Baba vangu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu, mwana wangu.” Akati, “Hoyu moto nehuni; asi gwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?”
8Abhurahamu akati, “Mwari uchatipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu;” saizvozvo vakafamba vari vaviri.
9Vakandosvika panzvimbo yaakaudzwa naMwari; Abhurahamu akavakapo atari, akagadzira huni, ndokusunga mwanakomana wake, akamuisa paatari pamusoro pehuni. 10Zvino Abhurahamu akatambanudza ruoko rwake, akatora banga, kuti abaye mwanakomana wake. 11Ipapo mutumwa waJehovha wakadanidzira kwaari, ari kudenga akati, “Abhurahamu! Abhurahamu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
12Akati, “Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu, nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.”
13Abhurahamu akasimudza meso ake, akatarira, ndokuona shure kwake hondohwe yakanga yakabatwa nyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akatora hondohwe iya, akaipisa chikava chibayiro panzvimbo yomwanakomana wake. 14Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Jehovha-jire; saka nanhasi vanositi, “Pagomo raJehovha ndipo paachaonekwa.”
15Ipapo mutumwa waJehovha wakadana Abhurahamu rwechipiri, ari kudenga, 16akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndakapika neni ndimene,’ ndichiti, ‘Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwe chete; 17ndichakuropafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; vana vako vachava varidzi vamasuo avavengi vavo; 18ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako, zvawakateerera izwi rangu.’ ” 19Ipapo Abhurahamu wakadzokera kumajaya ake, vakasimuka vakaenda vose Bheerishebha; Abhurahamu akagara paBheerishebha.
20Zvino shure kwaizvozvo Abhurahamu wakaudzwa, zvichinzi, “Tarira, Mirika wakaberekerawo mun'una wako Nahori vanakomana ava: 21Uzi, dangwe rake, naBuzi, mun'una wake, naKemueri, baba vaAramu, 22naKesedhi, naHazo, naPiradhashi, naJidhirafi, naBhetueri. 23Bhetueri akabereka Rabheka; ava vasere ndivo vakaberekerwa Nahori, mun'una waAbhurahamu, naMirika.” 24Nomurongo wake wainzi Ruma, wakaberekawo Tebha, naGahami, naTahashi, naMaaka.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 22: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda