Genesisi 22:16-17
Genesisi 22:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo
Genesisi 22:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndakapika neni ndimene,’ ndichiti, ‘Zvawaita izvozvo, ukasandinyima mwanakomana wako mumwe chete; ndichakuropafadza kwazvo, ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa; vana vako vachava varidzi vamasuo avavengi vavo
Genesisi 22:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
achiti, “Ndinopika neni pachangu. Ndini Tenzi ndinodaro kutaura. Zvawaita chinhu chakadai ichi ukarega kurambira nomwanakomana wako, mwana wako mumwechete oga, ndichanyatsokukomborera chaizvo. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga, sejecha romumahombekombe egungwa. Maguta avavengi vavo, vana vako vachaaita avo.
Genesisi 22:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akati: Ɀanzi naJehova: Ndakapika neni ndimene, ndiciti: Ɀawaita iɀoɀo, ukasandinyima mŋanakomana wako mumŋe cete; ndicakuropafadza kwaɀo, ndicawanza ʋana ʋako kwaɀo senyeredzi dzokuɗeŋga, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo dzeguŋgwa; ʋano ʋako ʋacaʋa ʋaridzi ʋamasuʋo aʋaʋeŋgi ʋaʋo
Genesisi 22:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)