Genesisi 12:11-13
Genesisi 12:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Paakanga oda kupinda muIjipiti, akati kumukadzi wake, Sarai, “Ndinoziva kuti uri mukadzi akanakisa. Pauchaonekwa navaIjipita, vachati, ‘Uyu ndiye mukadzi wake.’ Ipapo vachandiuraya asi iwe vachakurega uri mupenyu. Saka uti uri hanzvadzi yangu, kuti ndigobatwa zvakanaka nokuda kwako uye upenyu hwangu hucharwirwa nokuda kwako.”
Genesisi 12:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino wakati oda kupinda Ijipiti, akati kuna Sarai, mukadzi wake, “Tarira, ndinoziva kuti uri mukadzi wakanaka pachiso chako; kana vaIjipiti vachikuona, vachati, ‘Ndiye mukadzi wake’, vachandiuraya, asi iwe vachakurega uri mupenyu. Uti hako uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka nokuda kwako, kuti mweya wangu urarame nokuda kwako.”
Genesisi 12:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti ava kusvika Ijipiti, Abhuramu akafanotaurira mudzimai wake Sarai achiti, “Iwe uri mukadzi akanaka kwazvo. Naizvozvo kana vaIjipiti vakakuona vachati, ‘Uyu mukadzi wake uyu,’ vakandiuraya, iwe vachikurega uri mupenyu. Chitoti zvako iwe uri hanzvadzi yangu ndiko kuti vatondiitira zvakanaka pamusana pako ndirege kuurayiwa.”
Genesisi 12:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati oɗa kupinda Egipita, akati kunaSarai, mukadzi wake: Tarira, ndinoziʋa kuti uri mukadzi wakanaka paciso cako; kana ʋaEgipita ʋacikuʋona, ʋacati: Ndiye mukadzi wake; ʋacandiʋuraya, asi iwe ʋacakurega uri mupenyu. Uti hako uri hanɀadzi yaŋgu, kuti ndiitirwe ɀakanaka nokuɗa kwako, kuti mŋeya waŋgu urarame nokuɗa kwako.
Genesisi 12:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)