VaGaratia 6:1-9
VaGaratia 6:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwawo. Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu. Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera. Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo, nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake. Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nounomudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara. Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo. Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.
VaGaratia 6:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa panokumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomwoyo wounyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuedzwawo. Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murayiro waKristu saizvozvo. Nokuti kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera iye. Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaedze basa rake amene, ipapo angazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe. Nokuti munhu mumwe nomumwe achafanira kutakura mutoro wake. Zvino anodzidziswa Shoko, ngaagovane noanodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti anodyarira nyama yake, achacheka kuora, kunobva panyama; asi anodyarira Mweya, achacheka upenyu husingaperi, hunobva kuMweya. Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.
VaGaratia 6:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama dzangu, kana mumwe wenyu apindwa nokukanganisa kwakadii zvako, imi vanamati, vanaMweya, mudzorei zvakapfava zvinyoro asi muchizvichenjererawo nokuti imi mungadaro mukaedzwawo. Batsiranai mukutakura mitoro yenyu. Saizvozvo munobva mazadzisa mutemo waKristu. Kana munhu achizviti ndini pano iye pasina zvaari anozvinyengedza. Munhu wose ngaazviongorore mabasa ake. Pakadaro chaanozozvirovera dundundu zvinhu zvinenge zviri maari pachake kwete zvokuzvienzanisa navamwe nokuti mumwe nomumwe ane zvinomuremera zvaanofanira iye pachake kutakurana nazvo. Munhu anenge achidzidziswa nomumwe shoko ngaagoverane zvinhu zvose zvakanaka nomudzidzisi wake. Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa. Munhu anodyara zvinonangana nomuviri wake, mumuviri iwoyo anozokohwamo kuora kwawo. Anodyarawo zvinonangana nemweya wake anokohwawo mumweya wake upenyu usingaperi. Ngatiregei kuneta kuita zvakanaka nokuti nenguva yacho tichazokohwa kana tikarega kurasa mwoyo.
VaGaratia 6:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hama dzaŋgu, kunyaŋge munhu akaɓatwa panokumŋe kuɗarika, imi ʋoMŋeya mudzose wakaɗai nomŋoyo woʋunyoro; uciɀicenjerera iwe, kuti urege kuidzwa ʋo. Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saiɀoɀo. Nokuti kana munhu aciti, ndiri cinhu, asati ari cinhu, unoɀinyeŋgera iye. Ɀino munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaidze ɓasa rake amene, ipapo uŋgaɀirumbidza pamsoro pake iye amene oga, asiŋgaɀiiti pamsoro pomumŋe. Nokuti munhu mumŋe nomumŋe ucafanira kutakura mutoro wake. Ɀino unodzidziswa Shoko, ŋgaagoʋane nounodzidzisa paɀinhu ɀose ɀakanaka. Musanyeŋgerwa; Mŋari haasekwi; nokuti iɀo ɀinodɀara munhu, ndiɀo ɀaanoceka ɀe. Nokuti unodɀarira nyama yake, ucaceka kuʋora, kunobva panyama; asi unodɀarira Mŋeya, ucaceka ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgunobva kuMŋeya. Ɀino ŋgatirege kuneta pakuita ɀakanaka; nokuti tinozoceka neŋguʋa yakafanira, kana tisiŋgaʋori mŋoyo.
VaGaratia 6:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)