VaGaratia 4:8-31
VaGaratia 4:8-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo. Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here? Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore! Ndinokutyirai kuti zvichida ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira. Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri. Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye. Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai zvaibvira, mungadai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri. Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here? Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira. Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi. Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri, ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure matauriro angu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu. Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro? Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka. Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa. Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari. Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo. Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Fara iwe mukadzi asingabereki, asingabereki vana; pembera udanidzire, iwe usingarwadziwi nokubereka; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouyo ano murume.” Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka. Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi. Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.” Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.
VaGaratia 4:8-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vezvokwadi; asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve seiko kunezvokuvamba zvisina simba, zvourombo, muchidazve kutanga kuva varanda vazvo? Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore. Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabata basa kwamuri pasina. Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama; zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Vhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama; nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muedzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu. Zvino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo. Zvino ndava muvengi wenyu, zvandakakuudzai chokwadi here? Vanokushingairirai nomutoo usakanaka; asi vanoda kukupfigirai kunze, kuti imi muvashingairire. Zvino zvakanaka kuti pachinhu chakanaka kushingairirwe nguva dzose, zvirege kuitwa kana ndiri kwamuri bedzi. Vana vangu vaduku, vandinotamburirazve kubereka, kusvikira Kristu aumbwa mukati menyu. Ndaida kuti ndive nemi zvino, ndishandure izwi rangu; nokuti ndinokanganiswa nokuda kwenyu. Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuteereri murayiro here? Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu akanga ana vanakomana vaviri, mumwe womurandakadzi, mumwe womukadzi akasununguka. Zvino womurandakadzi akaberekwa nenzira yenyama; asi womukadzi akasununguka akaberekwa sezvaakapikirwa. Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSina, inobereka vana vouranda ndiye Agari; zvino Agari ndiro gomo reSina muArabhia, rakaenzana neJerusaremu razvino; nokuti uri muuranda iye navana vake. Zvino Jerusaremu riri kumusoro rakasununguka, ndivo mai vedu; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Fara, iwe usingabereki, usingazvari, Pururudza, udanidzire, iwe usingatamburi nokubereka, Nokuti vana vomusiyiwa vazhinji kunowaiye ano murume.” Zvino imi, hama dzangu, muri vana vokupikirwa saIsaka. Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza akaberekwa nenzira yoMweya, zvakadarowo nazvino. Asi Rugwaro runotiiko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake; nokuti mwanakomana womurandakadzi haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wowakasununguka.” Saka, hama dzangu, hatizi vana vomurandakadzi, asi vowakasununguka.
VaGaratia 4:8-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kare pamakanga musingazivi Mwari maiva varanda vezvinhu zvisiri Mwari. Asi zvino, pamavakuzivana naMwari, kana kuti pamavakuzivikanwa naMwari, mungapindukire seizve kumweya yezvinhu zvisina simba uye isina chayo yamavakuda kuva varanda vayozve. Munochengeta mazuva makuru, nemwedzi nemwaka namakore. Inga ndinokaronge ndakashandira pasina. Hama, ndinokukumbirisai kuti ivai sezvandiri nokuti iniwo ndakava sezvamuri. Imi hapana chamakanditadzira sezvamunongozivawo kuti pamusana pezvaindirwadza munyama'mu zvakaita kuti ndiparidze Shoko Rakanaka kwamuri pakutanga paya. Kunyange zvazvo zvandaiva chaiva chiedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundishora asi makatondigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, saKristu Jesu. Ko kufara kwenyu kuyazve kuripi? Ndinokupupurirai kuti dai zvaikwanisika mungadai makatosvukunura maziso enyu muchiapa kwandiri. Ko zvino ndava muvengi wenyu pamusana pokukutaurirai chokwadi here? Vamwe vanhu vaya vanoratidza savanokudai kwazvo. Asi chinangwa chavo chaicho hachina kunaka. Chavari kungoda kukuparadzanisai neni kuti muvadewo ivo. Chinhu chakanaka nguva dzose kuva nechido chakakura kudaro kana chinangwa chacho chakanaka kwete kana ndiinemi chete. Vanangu, ndinorwadziwazve saamai vave panguva yokuda kusununguka kusvikira Jesu aumbwa mamuri. Ndinodisa chaizvo kuti dai ndanga ndiinemi iye zvino. Ndaibva ndasandura maitiro andiri kuita, nokuti ndiri kushaya kuti ndokutaurirai ndichiti kudii. Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomutemo, hamunzwi here zvinorehwa nomutemo nokuti zvakanyorwa kuti Abhurahamu akanga aina vanakomana vaviri. Mumwe akamubereka nomuranda, mumwe akamubereka nomudzimai asiri muranda. Mwana womuranda akaberekwa sezvinongoitwawo chero munhu. Mwana womusununguki akaberekwa nokuda kwechitsidzo. Zvino iri raiva dimikira. Vakadzi vaviri ava vanomirira zvitenderano zviviri. Chimwe chitenderano ndechokugomo reSinai chinobereka vana vouranda, ndiye Hagari. Zvino Hagari ndiro gomo reSinai kuArabhia. Rinomirira guta reJerusaremu riripo nhasi uno nokuti riri muuranda pamwechete navana varo. Asi guta reJerusaremu rokumusoro riri murusununguko uye ndiro amai vedu, nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Fara zvako iwe mukadzi asina mbereko asingabereki, pururudza uchidaidzira kwazvo iwe usina kumbonzwa kurwadza kwemimba nokuti mukadzi akarambwa ana vana kupinda anomurume.” Zvino, hama dzangu, isu, saIsaki tiri vana vechitsidzo. Sapanguva iyoyo, uya akaberekwa maererano nenyama akatambudza uyo akaberekwa maererano naMweya. Ndizvozvo nanhasi. Ko Magwaro Matsvene anoti kudiiko? Anoti dzinga mukadzi muranda nemwana wake nokuti mwana womuranda haafaniri kudya nhaka nomwana womukadzi wakasununguka. Saizvozvo, hama dzangu, hatisi vana vomukadzi muranda asi vomukadzi wakasununguka.
VaGaratia 4:8-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi neŋguʋa iyo, ɀamakaŋga musiŋgaziʋi Mŋari, maiʋa ʋaranda ʋaʋamŋari ʋasati ʋari ʋeɀokwaɗi; asi ɀino, ɀamunoziʋa Mŋari, ɀikuru ɀamunozikanwa naMŋari, modzokera ɀe seiko kuneɀokuʋamba ɀisinesimba, ɀoʋurombo, muciɗa ɀe kutaŋga kuʋa ʋaranda ʋaɀo? Munoceŋgeta misi nemŋedzi, neŋguʋa namakore. Ndinotya pamsoro penyu, kuti ɀimŋe ndakaɓate‐ɓasa kwamuri pasina. Ndinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muʋe seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna‐kundiitira cinhu cimŋe cisakarurama; ɀino munoziʋa kuti ndakakuparidzirai Evaŋgeri pakutaŋga nokuɗa kwokurwara panyama; necinhu ico panyama yaŋgu, cakaŋga ciri muidzo kwamuri, hamuna‐kuciɀidza, kana kucisema; asi makandigamucira somutumŋa waMŋari, saiye Kristu Jesu. Ɀino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo. Ɀino ndaʋa muʋeŋgi wenyu, ɀandakakuʋudzai ɀokwaɗi here? Ʋanokushiŋgairirai nomutoʋo usakanaka; asi ʋanoɗa kukupfigirai kunze, kuti imi muʋashiŋgairire. Ɀino ɀakanaka kuti pacinhu cakanaka kushiŋgairirwe ŋguʋa dzose, ɀirege kuitwa kana ndiri kwamuri ɓedzi. Ʋana ʋaŋgu ʋaɗuku, ʋandinotamburira ɀe kuɓereka, kuȿikira Kristu aʋumbga mukati menyu. Ndaiɗa kuti ndiʋe nemi ɀino, ndishandure inzwi raŋgu; nokuti ndinokaŋganiswa nokuɗa kwenyu. Ndiʋudzei, imi munoɗa kuʋa pasi pomurairo, hamutereri murairo here? Nokuti kwakanyorwa kuti Abrahama wakaŋga anaʋanakomana ʋaʋiri, mumŋe womurandakadzi, mumŋe womukadzi wakasunuŋguka. Ɀino womurandakadzi wakaɓerekwa nenzira yenyama; asi womukadzi wakasunuŋguka wakaɓerekwa seɀaakapikirwa. Ɀinhu iɀi ɀinofananidzira; nokuti ʋakadzi aʋa ʋaʋiri isuŋgano mbiri; imŋe inobva pagomo reSina, inoɓereka ʋana ʋoʋuranda — ndiye Agari; ɀino Agari ndiro gomo reSina muArabia, rakaenzana neJerusarema raɀino; nokuti uri paʋuranda iye naʋana ʋake. Ɀino Jerusarema riri kumsoro rakasunuŋguka, ndiʋo mai ʋeɗu; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Fara, iwe usiŋgaɓereki, usiŋgaɀari, Pururudza, uɗanidzire, iwe usiŋgatamburi nokuɓereka, Nokuti ʋana ʋomusiyiwa ʋazhinji kunowaiye unomurume. Ɀino imi, hama dzaŋgu, muri ʋana ʋokupikirwa saIsaka. Asi sapaŋguʋa iyo, uyo wakaɓerekwa nenzira yenyama wakatambudza wakaɓerekwa nenzira yoMŋeya, ɀakaɗaro ʋo naɀino. Asi Rugwaro runotiyiko? Dziŋga murandakadzi nomŋanakomana wake; nokuti mŋanakomana womurandakadzi haaŋgadyi nhaka pamŋe cete nomŋanakomana wowakasunuŋguka. Saka, hama dzaŋgu, hatizi ʋana ʋomurandakadzi, asi ʋowakasunuŋguka.
VaGaratia 4:8-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)