Kare pamakanga musingazivi Mwari maiva varanda vezvinhu zvisiri Mwari. Asi zvino, pamavakuzivana naMwari, kana kuti pamavakuzivikanwa naMwari, mungapindukire seizve kumweya yezvinhu zvisina simba uye isina chayo yamavakuda kuva varanda vayozve. Munochengeta mazuva makuru, nemwedzi nemwaka namakore. Inga ndinokaronge ndakashandira pasina. Hama, ndinokukumbirisai kuti ivai sezvandiri nokuti iniwo ndakava sezvamuri. Imi hapana chamakanditadzira sezvamunongozivawo kuti pamusana pezvaindirwadza munyama'mu zvakaita kuti ndiparidze Shoko Rakanaka kwamuri pakutanga paya. Kunyange zvazvo zvandaiva chaiva chiedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundishora asi makatondigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, saKristu Jesu. Ko kufara kwenyu kuyazve kuripi? Ndinokupupurirai kuti dai zvaikwanisika mungadai makatosvukunura maziso enyu muchiapa kwandiri. Ko zvino ndava muvengi wenyu pamusana pokukutaurirai chokwadi here? Vamwe vanhu vaya vanoratidza savanokudai kwazvo. Asi chinangwa chavo chaicho hachina kunaka. Chavari kungoda kukuparadzanisai neni kuti muvadewo ivo. Chinhu chakanaka nguva dzose kuva nechido chakakura kudaro kana chinangwa chacho chakanaka kwete kana ndiinemi chete. Vanangu, ndinorwadziwazve saamai vave panguva yokuda kusununguka kusvikira Jesu aumbwa mamuri. Ndinodisa chaizvo kuti dai ndanga ndiinemi iye zvino. Ndaibva ndasandura maitiro andiri kuita, nokuti ndiri kushaya kuti ndokutaurirai ndichiti kudii. Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomutemo, hamunzwi here zvinorehwa nomutemo nokuti zvakanyorwa kuti Abhurahamu akanga aina vanakomana vaviri. Mumwe akamubereka nomuranda, mumwe akamubereka nomudzimai asiri muranda. Mwana womuranda akaberekwa sezvinongoitwawo chero munhu. Mwana womusununguki akaberekwa nokuda kwechitsidzo. Zvino iri raiva dimikira. Vakadzi vaviri ava vanomirira zvitenderano zviviri. Chimwe chitenderano ndechokugomo reSinai chinobereka vana vouranda, ndiye Hagari. Zvino Hagari ndiro gomo reSinai kuArabhia. Rinomirira guta reJerusaremu riripo nhasi uno nokuti riri muuranda pamwechete navana varo. Asi guta reJerusaremu rokumusoro riri murusununguko uye ndiro amai vedu, nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Fara zvako iwe mukadzi asina mbereko asingabereki, pururudza uchidaidzira kwazvo iwe usina kumbonzwa kurwadza kwemimba nokuti mukadzi akarambwa ana vana kupinda anomurume.” Zvino, hama dzangu, isu, saIsaki tiri vana vechitsidzo. Sapanguva iyoyo, uya akaberekwa maererano nenyama akatambudza uyo akaberekwa maererano naMweya. Ndizvozvo nanhasi. Ko Magwaro Matsvene anoti kudiiko? Anoti dzinga mukadzi muranda nemwana wake nokuti mwana womuranda haafaniri kudya nhaka nomwana womukadzi wakasununguka. Saizvozvo, hama dzangu, hatisi vana vomukadzi muranda asi vomukadzi wakasununguka.
Verenga chikamu Vagaratia 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vagaratia 4:8-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo