VaGaratia 1:11-24
VaGaratia 1:11-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu. Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu. Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza. Ndakanga ndichishingaira kwazvo muchiJudha ndichipfuura vaJudha vazhinji vezera rangu uye ndakanga ndichishingairira tsika dzamadzibaba angu. Asi Mwari akanditsaura kubva pakuzvarwa kwangu uye akandidana nenyasha dzake, paakafadzwa nazvo kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri kuti ndimuparidze pakati pavaHedheni, handina kutongobvunza munhu, uye handina kuenda kuJerusarema kuti ndinoona vaya vakanga vari vapostori vakanditangira, asi nokukurumidza ndakaenda kuArabhia ndikazodzokazve kuDhamasiko pashure. Ipapo shure kwamakore matatu, ndakakwira kuJerusarema kuti ndinozivana naPetro uye ndikandogara naye kwamazuva gumi namashanu. Handina kuona vamwe vavapostori, kunze kwaJakobho mununʼuna waShe. Ndinotaura chokwadi pamberi paMwari kuti zvandinokunyorerai izvi hadzisi nhema. Pashure ndakaenda kuSiria nokuSirisia. Ndakanga ndisingazivikanwi pachiso kukereke dzeJudhea dziri muna Kristu. Vakangonzwa zvakaziviswa bedzi zvokuti, “Munhu uya aititambudza kare ava kuparidza zvino kutenda kuya kwaakanga achiedza kuparadza.” Uye vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.
VaGaratia 1:11-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Vhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu. Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu. Nokuti makanzwa zvomufambiro wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza sangano yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza; pakunamata kwavaJudha ndaipfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu. Zvino Mwari, iye akanditsanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake, akati afadzwa nazvo, kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati pavahedheni, pakarepo; handina kurangana nenyama neropa; handina kukwira Jerusaremu kunaavo vakanditangira kuva vapostori, asi ndakaenda Arabhiya, ndikadzokera Dhamasiko zve. Ipapo, makore matatu akati apfuura, ndikakwira Jerusaremu kundoona Kefasi, ndikagara naye mazuva ane gumi namashanu. Asi handina kuona mumwe wavapostori, asi Jakobho bedzi, munun'una waIshe. Izvi zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari, handirevi nhema. Ipapo ndakasvika kunyika dzeSiria neKirikia. Asi ndakanga ndisingazikanwi pachiso nesangano reJudhea riri muna Kristu; asi vakanga vanzwa bedzi, kuti “Uya, waititambudza kare, zvino ava kuparidza kutenda kwaaiparadza kare;” vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.
VaGaratia 1:11-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti ndingade kuti muzive hama dzangu kuti Shoko Rakanaka rakaparidzwa neni harisi Shoko ravanhu nokuti handina kurigamuchira richibva kumunhu uye handina kuri dzidziswa. Rakauya kwandiri nokuzviratidza kwaJesu Kristu kwandiri. Inga makanzwa wani nezvoupenyu hwangu hwakare muchiJudha, kutambudza zvakaipisisa kwandaiita sangano raMwari ndichiedza kuriparadza. Ini ndakabudirira mune zvechiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu mukati mavanhu vokwangu. Ndaisimbirira chaizvo mune zvamagamuchidzanwa amadzitateguru angu. Zvino iye zvaakanga andisarudza ndisati ndaberekwa akandidaidza nenyasha dzake. Akafara kuratidza Mwanakomana wake kwandiri kuti ndimuparidze kune vechirudzi, handina kumbobvunza munhu. Uye handina kuenda kuJerusaremu kuna vakanga vakanditangira kuva vapositori asi ndakaenda kuArabhia. Ndakazodzokerazve kuDhamasikusi. Mushure memakore matatu ndakakwira kuJerusaremu kundoshanyira Kefasi ndikagara naye kwamazuva gumi namashanu. Handina kuona vamwe vapositori kusiya Jemusi mukomanomunun'una naTenzi. NaMwari chaiye, zvandiri kukunyorerai handisi kunyepa. Ndakazoendawo kumatunhu eSiria neekuKirikia. Izvozvo, kuJudhea hapana aiziva uso hwangu mumasangano aKristu okuJudhea. Vaingonzwa zvichinzi uya aimbotitambudza avakuparidza chitendero chaaimboda kuparadza. Vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.
VaGaratia 1:11-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndinokuziʋisai, hama dzaŋgu, kuti Evaŋgeri yakaparidzwa neni, haina‐kuita seyaʋanhu. Nokuti handina‐kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu. Nokuti makanzwa ɀomufambire waŋgu kare pakunamata kwaʋaJuda, kuti ndaitambudza kereke yaMŋari ɀikuru kwaɀo, ndikaiparadza; pakunamata kwaʋaJuda ndaipfuʋura ʋazhinji ʋezero raŋgu parudzi rwaŋgu, ndicinyanya kushiŋgairira tsika dzamadziɓaɓa aŋgu. Ɀino Mŋari, iye wakandisanaŋgura kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu, akandiɗana nenyasha dzake, wakati afadzwa naɀo, kuti aratidze Mŋanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati paʋahedeni, pakarepo handina‐kuraŋgana nenyama neropa; handina‐kukwira Jerusarema kunaaʋo ʋakanditaŋgira kuʋa ʋaapostora, asi ndakaenda Arabia, ndikadzokera Damasko ɀe. Ipapo, makore matatu akati apfuʋura, ndikakwira Jerusarema kundoʋona Kefasi, ndikagara naye mazuʋa anegumi namashanu. Asi handina‐kuʋona mumŋe waʋaapostora, asi Jakobo ɓedzi, munuŋuna waShe. Iɀi ɀandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMŋari handireʋi nhema. Ipapo ndakaȿika kunyika dzeSiria neKirikia. Asi ndakaŋga ndisiŋgazikanwi paciso nekereke dzeJudea dziri munaKristu; asi ʋakaŋga ʋanzwa ɓedzi, kuti uya, waititambudza kare, ɀino woparidza kutenda kwaaiparadza kare; ʋakarumbidza Mŋari mandiri.
VaGaratia 1:11-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)