Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Vhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu. Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.
Nokuti makanzwa zvomufambiro wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza sangano yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza; pakunamata kwavaJudha ndaipfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu.
Zvino Mwari, iye akanditsanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake, akati afadzwa nazvo, kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati pavahedheni, pakarepo; handina kurangana nenyama neropa; handina kukwira Jerusaremu kunaavo vakanditangira kuva vapostori, asi ndakaenda Arabhiya, ndikadzokera Dhamasiko zve.
Ipapo, makore matatu akati apfuura, ndikakwira Jerusaremu kundoona Kefasi, ndikagara naye mazuva ane gumi namashanu. Asi handina kuona mumwe wavapostori, asi Jakobho bedzi, munun'una waIshe.
Izvi zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari, handirevi nhema. Ipapo ndakasvika kunyika dzeSiria neKirikia.
Asi ndakanga ndisingazikanwi pachiso nesangano reJudhea riri muna Kristu; asi vakanga vanzwa bedzi, kuti “Uya, waititambudza kare, zvino ava kuparidza kutenda kwaaiparadza kare;” vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.