Ezira 2:68-69
Ezira 2:68-69 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakasarudza kupa nokuzvisarudzira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo. Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwe egoridhe, nemamina zviuru zvishanu esirivha uye nenguo dzavaprista zana.
Ezira 2:68-69 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, pakusvika kwavo paimba yaJehovha paJerusaremu, vakavigira nomwoyo wavo zvipo zvavo, kuti vamutse imba yaMwari paugaro hwayo. Vakapa sezvavakagona mari yokubata basa nayo madhariki endarama ane zviuru zvina makumi matanhatu nechimwe, nepondo dzesirivha dzine zviuru zvishanu, nenguo dzavapristi dzine zana.
Ezira 2:68-69 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vamwe vatungamiriri vedzimhuri pavakasvika kumba yaTenzi yakanga iri kuJerusaremu vakabvisira imba yaMwari mipiro yokupa nechido yokuivakisa panzvimbo payo. Vakabvisa sokugonawo kwavo vachipa kune vokuchengeta maigara upfumi hwakanangana nebasa iroro ndarama yaiita mazana mashanu amakirogiramu nesirivha yainge yoda kuita matani maviri ana makirogiramu mazana masere nezana rehanzu dzavapristi.
Ezira 2:68-69 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋamŋe ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, pakuȿika kwaʋo paimba yaJehova paJerusarema, ʋakaʋigira nomŋoyo waʋo ɀipo ɀaʋo, kuti ʋamutse imba yaMŋari paʋugaro bgayo. Ʋakapa seɀaʋakagona mari yokuɓate‐ɓasa nayo madariki endarama aneɀuru ɀinamakumi matanhatu necimŋe, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀishanu, neŋguʋo dzaʋaprista dzinezana.
Ezira 2:68-69 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)