Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezira 1:1-11

Ezira 1:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, kuti shoko raJehovha rakataurwa nomuromo waJeremia rizadziswe, Jehovha akamutsa mwoyo waSirasi mambo wePezhia, kuti aite chiziviso munyika yake yose uye akaita kuti chinyorwe chichiti: Zvanzi naSirasi mambo wePezhia: Jehovha, Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha. Ani naani wavanhu vake ari pakati penyu, Mwari wake ngaave naye, uye regai aende zvake kuJerusarema kuJudha andovaka temberi yaJehovha, Mwari waIsraeri, iye Mwari anogara muJerusarema. Zvino vanhu vagere panzvimbo ipi neipi zvayo pagere vakasara, vanofanira kumupa sirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye vagomupa zvipo zvokupa nokuzvisarudzira zvetemberi yaMwari muJerusarema. Ipapo vakuru vedzimba veJudha neveBhenjamini, navaprista uye navaRevhi, vose avo vakanga vamutswa mwoyo naMwari, vakagadzirira kuenda kundovaka imba yaJehovha muJerusarema. Vavakidzani vavo vose vakavabatsira nemidziyo yesirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye nezvipo zvinokosha, kuwedzera pamusoro pezvipo zvokuzvisarudzira. Pamusoro pezvo, Mambo Sirasi akaburitsa midziyo yomutemberi yaJehovha, iyo yakanga yatorwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari uye akanga aiisa mutemberi yamwari wake. Sirasi mambo wePezhia akarayira kuti ibudiswe naMitiredhati muchengeti wepfuma, uyo akaiverenga achiipa kuna Sheshibhazari muchinda weJudha. Uku ndiko kuwanda kwayakanga yakaita: ndiro dzegoridhe dzaiva makumi matatu; ndiro dzesirivha dzaiva chiuru; pani dzesirivha dzaiva makumi maviri namapfumbamwe; mbiya dzegoridhe dzaiva makumi matatu; mbiya dzesirivha dzakafanana-fanana dzaiva mazana mana negumi; uye mimwewo midziyo yaiva chiuru. Yose pamwe chete, midziyo yegoridhe neyesirivha yaiva zviuru zvishanu namazana mana.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezira 1

Ezira 1:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo waPerisia, kuti shoko raJehovha rakarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, akati, “Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha. “Zvino ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusaremu riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsiraeri, (ndiye Mwari), anogara Jerusaremu. Ani naani akasara, papi napapi paanogara, varume vokwake ngavamubatsire nesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, uye nezvipo zvavanopa nokuzvidira, kuzovaka imba yaMwari iri paJerusaremu.” Ipapo vakuru vedzimba dzamadzibaba aJudha naBhenjamini vakazvigadzira, navapristi, navaRevhi, ivo vose vakanga vamutswa mweya yavo naMwari, kundovaka imba yaJehovha yakanga iri paJerusaremu. Uye vose vakanga vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, nezvinhu zvinokosha, pamwechete nezvose zvavakapa nomwoyo wavo. Naiye mambo Koreshiwo akabudisa midziyo yeimba yaJehovha, yakanga yatorwa paJerusaremu naNebhukadhinezari ikaiswa naye paimba yavamwari vake; Koreshi, mambo wePerisia akaraira Mitiredhati muchengeti wepfuma kubudisa iyeyo, akaiverenga achiipa Sheshibhazari, muchinda waJudha. Kuwanda kwayo ndikoku: Ndiro dzendarama dzina makumi matatu, nendiro dzesirivha dzine chiuru chimwe, namapanga ana makumi maviri namapfumbamwe; nembiya dzendarama dzina makumi matatu, nembiya dzesirivha dzorumwe rudzi dzina mazana mana negumi, nemimwe midziyo ine chiuru chimwe. Midziyo yose yendarama neyesirivha yakanga ine zviuru zvishanu namazana mana. Izvo zvose Sheshibhazari akaenda nazvo panguva yokubva kwavatapwa Bhabhironi vachienda Jerusaremu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezira 1

Ezira 1:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Mugore rechiposhi rokutonga kwaSairosi mambo wePezhiya, zvichizadzikisa shoko raTenzi raakataura nomuromo waJeremiya, Tenzi akapinza imwe pfungwa mumwoyo wamambo wePezhiya zvokuti akatemera vanhu chirevo nyika dzose dzoumambo hwake akaitawo zvokuchinyora chokuti: “Zvanzi naSairosi mambo wePezhiya, Tenzi, Mwari Wedenga akandipa umambo hwenyika dzose dzapasi pano uye akandipawo basa rokuti ndimuvakire imba kuJerusaremu kwaJudha. Ani naani pakati penyu anenge ari wevanhu vake, Mwari wake ngaave naye akwire kuJerusaremu guta riri kwaJudha andovakazve imba yaTenzi, Mwari weIsiraeri. Iyeyo ndiye Mwari ari muJerusaremu. Mumwe nomumwe akasara ari mupenyu ari kugara munzvimbo ipi neipi zvayo, ngaabatsirwe navanhu venzvimbo yake iyoyo nesirivha nendarama nezvimwe zvinhu nezvipfuwo pamwechete nezvinhu zvemipiro yokupa nechido zvemba yaMwari iri kuJerusaremu.” Ndopakasimuka vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba okwaJudha novokwaBhenjamini navapristi nevaRevhi, nomunhu wose zvake akanga amutswa mwoyo naMwari kuti akwire kundovakazve imba yaTenzi iri kuJerusaremu. Vose vaiva munharaunda dzavo vakavabatsira nemidziyo yesirivha nendarama nezvimwe zvinhu nezvipfuwo nezvimwewo zvakakosha tisingaverengeri zvose zvaiti munhu aipawo zvake nechido. Mambo Sairosi akaunzawo midziyo iya yomumba yaTenzi yakanga yambokukuchwa muJerusaremu naNebhukadhineza akasvikoiisa mumba yavamwari vake. Sairosi mambo wePezhiya akaburitsa izvi zvichitungamirirwa nasahomwe Mitiredhati akaiverengera Sheshibhaza jinda rokwaJudha. Kuwanda kwayo ndikoku uku, kwaiti madhishi endarama makumi matatu mbenge dzendarama chiuru kwouya mabisiro: makumi maviri namapfumbamwe kwouyawo ndiro dzendarama: dzaiita makumi matatu ndiro dzesirivha: zviuru zviviri zvine mazana mana nechiuru chemimwewo midziyo. Midziyo yose yendarama neyesirivha yakanga iri zviuru zvishanu namazana mana ane makumi matanhatu nepfumbamwe. Sheshibhaza akatakura zvose izvozvo pakabva nhapwa kuBhabhironi dzichidzoserwa kuJerusaremu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezira 1

Ezira 1:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ezira 1:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino negore rokutaŋga raKoreshi mambo wePersia, kuti shoko raJehova rakarebga nomuromo waJeremia riitike, Jehova wakamutsa mŋeya waKoreshi mambo wePersia, akaparidza paʋushe bgake bgose, akaɀinyora ʋo, akati: Ɀanzi naKoreshi mambo wePersia: Jehova Mŋari wokuɗeŋga wakandipa ʋushe bgose bgenyika, akandiraira kuti ndimuʋakire imba paJerusarema riri paJuda. Ɀino aninani uri’po pakati penyu waʋanhu ʋake, Jehova Mŋari wake ŋgaaʋe naye, ŋgaakwire hake Jerusarema riri paJuda, kundoʋaka imba yaJehova Mŋari waIsraeri, (ndiye Mŋari), unogara Jerusarema. Aninani wakasara, papi napapi paanogara, ʋarume ʋokwake ŋgaʋamuɓatsire nesirveri, nendarama, nenhumbi, neŋombe, ʋuye neɀipo ɀaʋanopa nokuɀiɗira, kuzoʋaka imba yaMŋari iri paJerusarema. Ipapo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aJuda naBenjamini ʋakaɀigadzira, naʋaprista, naʋaRevi, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋamutswa mŋeya yaʋo naMŋari, kundoʋaka imba yaJehova yakaŋga iri paJerusarema. Ʋuye ʋose ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza ʋakasimbisa maʋoko aʋo nemidziyo yesirveri, nendarama, nenhumbi, neŋombe, neɀinhu ɀinokosha, pamŋe cete neɀose ɀaʋakaʋapa nomŋoyo waʋo. Naiye mambo Koreshi ʋo wakaɓuɗisa midziyo yeimba yaJehova, yakaŋga yatorwa paJerusarema naNebukadnezari ikaiswa naye paimba yaʋamŋari ʋake; Koreshi mambo wePersia akaraira Mitredati muceŋgeti wefuma kuɓuɗisa iyeyo, akaiʋereŋga aciipa Sheshibazari, mucinda waJuda. Kuwanda kwayo ndikoku: Ndiro dzendarama dzinamakumi matatu, nendiro dzesirveri dzinecuru cimŋe, namapaŋga anamakumi maʋiri namapfumbamŋe; nembiya dzendarama dzinamakumi matatu, nembiya dzesirveri dzorumŋe rudzi dzinamazana manna negumi, nemimŋe midziyo inecuru cimŋe. Midziyo yose yendarama neyesirveri yakaŋga ineɀuru ɀishanu namazana manna. Iɀo ɀose Sheshibazari wakaenda naɀo paŋguʋa yokubva kwaʋatapxa Babironi ʋacienda Jerusarema.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezira 1