Ezekieri 45:1-17
Ezekieri 45:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Pamunogovera nyika senhaka, munofanira kutsaurira Jehovha mugove wenyika sedunhu dzvene, rakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu rine upamhi hwezviuru makumi maviri amakubhiti; nzvimbo yose iyoyo ichava tsvene. Panzvimbo iyoyi, chikamu chinosvika makubhiti mazana mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo yakaipoteredza inosvika makubhiti makumi mashanu paupamhi uye panofanira kuva neimwe nzvimbo inosvika makubhiti makumi mashanu. Mudunhu dzvene, unofanira kuyera chikamu chinosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paurefu uye makubhiti zviuru gumi paupamhi. Imomo ndimo muchava nenzvimbo tsvene, iyo Nzvimbo Tsvene-tsvene. Ichava chikamu chitsvene chenyika yavaprista, vanoshumira munzvimbo tsvene vanoswedera kuti vashumire pamberi paJehovha. Ichava nzvimbo yedzimba dzavo uyewo nenzvimbo tsvene yeimba tsvene. Nzvimbo inosvika makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paurefu uye makubhiti zviuru gumi paupamhi ichava yavaRevhi, vanoshumira mutemberi, senhaka yavo pavangavaka maguta avanogara. “ ‘Munofanira kupa guta somugove waro nzvimbo ino upamhi hunosvika makubhiti zviuru zvishanu nourefu hunosvika zviuru makumi maviri nezvishanu, parutivi pechikamu chitsvene; inofanira kuva yeimba yose yaIsraeri. “ ‘Muchinda achapiwa nyika inoganhurana nedunhu dzvene kuno rumwe rutivi uye inoganhurana nomugove weguta. Kurutivi rwokumavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwokumabvazuva zvichienda kumabvazuva, pakureba inofanira kuenzana nomugove mumwe chete kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvika kumuganhu wokumabvazuva, zvichienderana nomumwe wemigove yedzimba. Nyika iyi ichava yake pakati paIsraeri. Uye machinda angu haachazomanikidzizve vanhu vangu asi vachatendera imba yaIsraeri kuti vatore nyika zvinoenderana namarudzi avo. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Makabvira kure kwazvo, imi imba yaIsraeri! Siyai kuita nechisimba kwenyu nokumanikidza kwenyu mugoita zvakanaka nezvakarurama. Regai kutorera vanhu vangu zvinhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Munofanira kushandisa zviyero zvakarurama, efa yakarurama uye bhati rakarurama. Efa nebhati zvinofanira kuenzana, bhati rine chegumi chimwe chete chehomeri neefa ine chegumi chimwe chete chehomeri; homeri ndicho chinofanira kuva chiyero chazvo zvose. Shekeri rinofanira kuva namagera makumi maviri. Mashekeri makumi maviri kusanganisa namashekeri makumi maviri namashanu, kusanganisa namashekeri gumi namashanu zvinokwana mina rimwe chete. “ ‘Ichi ndicho chipo chakatsaurwa chaunofanira kupa: chikamu chimwe chete kubva muzvitanhatu cheefa chichibva pahomeri imwe neimwe yebhari. Nechiyero chakatarwa chamafuta, chakayerwa nebhati, ndicho chegumi chebhati kubva pakori rimwe nerimwe (rina mabhati gumi kana homeri imwe chete, pamabhati gumi anoenzana nehomeri imwe chete). Uyewo gwai rimwe chete rinofanira kutorwa kubva paboka rimwe nerimwe ramazana maviri achibva kumafuro akawana mvura yakakwana eIsraeri. Izvi zvichashandiswa pazvipiriso zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti zviyananisire vanhu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Vanhu vose venyika vachabatirana pachipo ichi chakatsaurirwa kushandiswa nomuchinda muIsraeri. Richava basa romuchinda kuti auye nezvibayiro zvinopiswa, nezvezviyo nezvokunwa pamitambo yakatarwa, pakugara kwomwedzi napamaSabata, napamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri. Achauya nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvezviyo, nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana kuti ayananisire imba yaIsraeri.
Ezekieri 45:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana muchiganhura nyika nemijenya, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kuvigira Jehovha chipo, uve mugove mutsvene panyika; kureba kwawo kunofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nohupamhi tsanga dzine zviuru zvine gumi, anofanira kuva mutsvene kusvikira kumiganho yawo yose kumativi ose. Ipapo panofanira kuva nzvimbo tsvene yakaita tsanga dzina mazana mashanu pakureba uye tsanga dzina mazana mashanu pahupamhi mativi ose mana akaenzana; uye panofanira kuva noruwa rwakapoteredza kumativi ose runosvika makubhiti makumi mashanu. Zvino pamugove wakaganhurwa unofanira kuyera nzvimbo inosvika zviyero zvinezviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviyero zvine zviuru zvine gumi paupamhi; imomo ndimo munofanira kuva nenzvimbo tsvene, iyo nzvimbo tsvene-tsvene. Uyu unofanira kuva mugove mutsvene wenyika; unofanira kuva wavapristi, ivo vanoshumira panzvimbo tsvene, vanoswedera kuna Jehovha kumushumira; inofanira kuva nzvimbo yedzimba dzavo, nenzvimbo tsvene yenzvimbo tsvene. Nzvimbo inosvika zviyero zvinezviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi paupamhi, inofanira kuva yavaRevhi, ivo vanoshumira paimba, ive nhaka yavo, pavangavaka maguta okugaramo. Nhaka yavo paguta munofanira kuiganhura, iite zviyero zvine zviuru zvishanu pahupamhi, nezvuiru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, parutivi rwechipo chomugove mutsvene; iyo inofanira kuva yeimba yose yaIsiraeri. Mugove womuchinda unofanira kuva kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi rwechipo chitsvene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pechipo chitsvene, napamberi penhaka iri muguta, kurutivi rwamavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwamabvazuva zvichienda kumabvazuva; pakureba unofanira kuenzana nomugove mumwe, kubva kumuganho wokumavirazuva kusvikira kumaganho wokumabvazuva. Nyika iyo inofanira kuva nhaka yake pakati paIsiraeri; machinda angu haangazomanikidzi vanhu vangu, asi achapa imba yaIsiraeri nyika vachienzanisa namarudzi avo. Zvanzi naIshe Jehovha, “Chiringaniswai nazvo, imi machinda aIsiraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati pavanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Munofanira kuva nezviyero zvakarurama, neefa yakarurama, nebhati rakarurama. “Efa nebhati zvinofanira kuva nechiyero chimwe, kuti bhati riite chegumi chimwe chehomeri, uye efa iite chegumi chimwe chehomeri; chiyero chazvo chinofanira kuyerwa nehomeri. Shekeri rinofanira kuita magera makumi maviri; mana yenyu inofanira kuva mashekeri ana makumi maviri, namashekeri namakumi maviri namashanu, namashekeri ane gumi namashanu. Ichi ndicho chipo chamunofanira kuuya nacho: Mugove wechitanhatu weefa pahomeri imwe yezviyo; uye munofanira kupa mugove wechitanhatu cheefa pahomeri yebhari; uye mugove wakatarwa wamafuta, webhati ramafuta, unofanira kuva mugove wegumi webhati wakatorwa pakori, ndiwo mabhati ane gumi, ndiyo homeri imwe nokuti mabhati ane gumi anoita homeri imwe; uye gwayana rimwe paboka ramakwai ana mazana maviri, ari pamafuro akanatsodiridzwa avaIsiraeri; zvive chipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuvayananisira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Vanhu vose venyika vanofanira kuvigira muchinda waIsiraeri chipo ichi. Muchinda ndiye anofanira kuisa zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvinonwiwa pamitambo napakugara kwomwedzi, napamaSabata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsiraeri; iye anofanira kugadzira chipiriso chezvivi, nechipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuti ayananisire imba yaIsiraeri.
Ezekieri 45:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamunogova nechin'ange nyika senhaka munofanira kutsaurira Tenzi chimwe chikamu chenyika iyoyo sedunhu rinoera rinoita gumi ramakiromita rina makiromita maviri nehafu kureba chichiita makiromita gumi upamhi. Nharaunda yayo yose inenge iri dunhu rinoera. Padunhu racho ngapave nenzvimbo yakaenzana mativi ose, divi roga roga richiita mazana maviri amamita ana mamita makumi mashanu, iyoyo ichave Nzvimbo Inoera. Mudunhu rinoera iroro unofanira kuera utsaure nzvimbo inoita makiromita gumi namaviri nehafu kureba ine upamhi hwamakiromita mashanu, muchava Nzvimbo Inoera, Nzvimbo Inoeresesa. Chikamu chenyika ichocho chichava chikamu chinoera. Chichava chavapristi vanoshanda muNzvimbo Inoera vanoenda panaTenzi kundomushandira. Nzvimbo iyo ichava nzvimbo yedzimba dzavo uye ichava nzvimbo tsvene yeNzvimbo Inoera. Rimwewo dunhu rinoita gumi ramakiromita rina makiromita maviri ane hafu kureba iine makiromita mashanu kufara, rinofanira kuva ravaRevhi vanoshanda kuTemberi; ndiyo nzvimbo yamaguta avo okuti vagare. Pakavambirana nedunhu rinenge ratsaurwa racho sedunhu rinoera, unofanira kuganhurira guta nzvimbo inoita makiromita maviri ane hafu upamhi iine urefu hunosvika gumi ramakiromita rine hafu. Nyika iri kumativi maviri ose edunhu rinoera ichange iri yashe pamwechete nezvinhu zveguta iroro zvichitevedza dunhu rinoera nezvinhuwo zveguta iroro kumadokero nokumabvazuva zvakangoreba zvakaenzana nedunhu rerimwe ramadzinza zvichienda zvakadaro kubvira kumuganhu wokumadokera kudzamarara kumuganhu wokumabvazuva wenyika. Ndiwo uchava mugove wake iwoyo muIsiraeri. Madzishe angu iwayo haazodzvinyiriri vanhu vangu, asi kutoti vachaita kuti vemba yaIsiraeri vawane nyika maererano namadzinza avo. Zvanzi naTenzi Mwari, “Zvakwana, imi madzishe eIsiraeri. Kandai pasi utsinye noudzvinyiriri mutonge vanhu noruenzaniso nourarami. Zvokudzinga vanhu vangu izvi ngazvipere, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Munofanira kuva nezvikero zvakarurama nebhagidhi nomugoro zvakarurama. Bhagidhi racho nomugoro zvinofanira kuva zvakaenzana. Mugoro wacho unofanira kuva namarita makumi maviri ana maviri, uye bhagidhi richifanirawo kuva namarita makumi maviri ane maviri. Marita mazana maviri ane marita makumi maviri ndiwo anofanira kuva mwero wacho chaiwo wokueresa. Mari yeshekeri inofanira kuita zana ramagiramu rina magiramu makumi maviri uye mashekeri mashanu achiita makumi mashanu amagiramu ane magiramu manomwe ane hafu uyewo gumi ramashekeri richiitawo magiramu zana rine gumi namashanu, minawo renyu rimwechete richiita mamirigiramu makumi matanhatu. “Mupiro wenyu unofanira kuva wakadai sezvizvi: Pamabhagidhi gumi ekoroni munobvisa marita matatu ana makumi matanhatu amamiririta ane mamiririta matanhatu. Pagumi ramabhagidhi ebhari, munobvisawo marita matatu ane makumi matanhatu emamiririta ane mamiririta matanhatu. Mafuta acho anozoramba achingovapo chete anofanira kuti aite marita maviri ane mamiririta makumi maviri pamazana maviri amarita ane marita makumi maviri. (Mwero wokupimisa wainzi koru nounonzi homa yakafanana mumwe nomumwe wakanga uchiita sewainziwo bhati waive negumi ramabhagidhi.) Kubva mumhuri dzavaIsiraeri, padanga roga roga remazana maviri ehwai ngapabviswe hwai imwechete. “Iyoyi ndiyo mipiro yekoroni, nemipiro yokupisa, nemipiro yokuwadzana iri mipiro yokupfupira zvitadzo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Vanhu vose muIsiraeri vanofanira kupa mupiro iwoyo kunashe. Ishe ndiye achave nebasa rokuona kuti pane mipiro yokupisa, mipiro yekoroni nemipiro yokuteura pamazuva makuru, naPakugara kweMwedzi, nepamaSabata napamazuva ose makuru akatemwa emba yaIsiraeri. Ibasa rake rokuona kuti pane mipiro yokupfupira zvitadzo nemipiro yekoroni nemipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana iri mipiro yokuripira zvitadzo zvemba yaIsiraeri.”
Ezekieri 45:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana muciganhura nyika nemijenya, kuti iʋe nhaka yenyu, munofanira kuʋigira Jehova cipo, uʋe mugoʋe mutȿene panyika; kureɓa kwawo kunofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu, noʋupamhi tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi, unofanira kuʋa mutȿene kuȿikira kumiganho yawo yose kumatiʋi ose. Ipapo panofanira kuʋa nɀimbo tȿene yakaita tsaŋga dzinamazana mashanu pakureɓa ʋuye tsaŋga dzinamazana mashanu paʋupamhi matiʋi ose manna akaenzana; ʋuye panofanira kuʋa noruwa rwakapoteredza kumatiʋi ose runoȿika makubiti makumi mashanu. Ɀino pamugoʋe wakaganhurwa unofanira kuyera nɀimbo inoȿika ɀiyero ɀineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, neɀiyero ɀineɀuru ɀinegumi paʋupamhi; imomo ndi’mo munofanira kuʋa nenɀimbo tȿene, iyo nɀimbo tȿene‐tȿene. Uyu unofanira kuʋa mugoʋe mutȿene wenyika; unofanira kuʋa waʋaprista, iʋo ʋanoshumira panɀimbo tȿene, ʋanosweɗera kunaJehova kumushumira; inofanira kuʋa nɀimbo yedzimba dzaʋo, nenɀimbo tȿene yenɀimbo tȿene. Nɀimbo inoȿika ɀiyero ɀineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, neɀuru ɀinegumi paʋupamhi, inofanira kuʋa yaʋaRevi, iʋo ʋanoshumira paimba, iʋe nhaka yaʋo, paʋaŋgaʋaka maguta okugara’mo. Nhaka yaʋo paguta munofanira kuiganhura, iite ɀiyero ɀineɀuru ɀishanu paʋupamhi, neɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, parutiʋi rwecipo comugoʋe mutȿene; iyo inofanira kuʋa yeimba yose yaIsraeri. Mugoʋe womucinda unofanira kuʋa kurutiʋi rumŋe nokunorumŋe rutiʋi rwecipo citȿene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pecipo citȿene, napamberi penhaka iri muguta, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa ɀicienda kumaʋirazuʋa, nokurutiʋi rwamabvazuʋa ɀicienda kumabvazuʋa; pakureɓa unofanira kuenzana nomugoʋe mumŋe, kubva kumuganho wokumaʋirazuʋa kuȿikira kumuganho wokumabvazuʋa. Nyika iyo inofanira kuʋa nhaka yake pakati paIsraeri; macinda aŋgu haaŋgazomanikidzi ʋanhu ʋaŋgu, asi acapa imba yaIsraeri nyika ʋacienzanisa namarudzi aʋo. Ɀanzi naShe Jehova: Ciriŋganiswai naɀo, imi macinda aIsraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, toŋgai ɀakarurama neɀakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati paʋanhu ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Munofanira kuʋa neɀiyero ɀakarurama, neefa yakarurama, nebati rakarurama. Efa nebati ɀinofanira kuʋa neciyero cimŋe, kuti bati riite cegumi cimŋe cehomeri, ʋuye efa iite cegumi cimŋe cehomeri; ciyero caɀo cinofanira kuyerwa nehomeri. Shekeri rinofanira kuita magera makumi maʋiri; mane yenyu inofanira kuʋa mashekeri anamakumi maʋiri, namashekeri anamakumi maʋiri namashanu, namashekeri anegumi namashanu. Ici ndico cipo camunofanira kuʋuya naco: Mugoʋe wecitanhatu weefa pahomeri imŋe yeɀiyo; ʋuye munofanira kupa mugoʋe wecitanhatu ceefa pahomeri yebari; ʋuye mugoʋe wakatarwa wamafuta, webati ramafuta, unofanira kuʋa mugoʋe wegumi webati wakatorwa pakori, ndiwo mabati anegumi, ndiyo homeri imŋe (nokuti mabati anegumi anoita homeri imŋe); ʋuye gwaiana rimŋe paɓoka ramakwai anamazana maʋiri, ari pamafuro akanatso‐ɗiridzwa aʋaIsraeri; ɀiʋe cipiriso coʋupfu, necipiriso cinopiswa, necipiriso cokuyananisa, kuʋayananisira — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Ʋanhu ʋose ʋenyika ʋanofanira kuʋigira mucinda waIsraeri cipo ici. Mucinda ndiye unofanira kuisa ɀipiriso ɀinopiswa, neɀipiriso ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀinonwiwa pamitambo napakugara kwomŋedzi, napamasaɓata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri; iye unofanira kugadzira cipiriso ceɀiʋi, necipiriso coʋupfu, necipiriso cinopiswa, necipiriso cokuyananisa, kuti ayananisire imba yaIsraeri.
Ezekieri 45:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)