Ezekieri 36:16-18
Ezekieri 36:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, vanhu vaIsraeri pavaigara munyika yavo chaiyo, vakaisvibisa namaitiro avo uye namabasa avo. Maitiro avo akanga akaita sokusachena kwomukadzi ari kumwedzi pamberi pangu. Saka ndakadurura hasha dzangu pamusoro pavo nokuti vakanga vateura ropa munyika uye nokuti vakanga vakaisvibisa nezvifananidzo zvavo.
Ezekieri 36:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, nguva yavakagara panyika yavo, imba yaIsiraeri yakaisvibisa nomufambiro wavo nezvavaiita; mufambiro wavo pamberi pangu wakanga wakaita setsvina yomukadzi ari kumwedzi kwake. Naizvozvo ndakateurira hasha dzangu pamusoro pavo nemhaka yeropa ravakateurira pamusoro penyika, zvavakaisvibisa nezvifananidzo zvavo
Ezekieri 36:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “mwanakomana womunhu imba yokwaIsiraeri payaigara munyika mayo yakain'oresa nenzira dzavo nezviito zvavo. Kwandiri, maitiro avo akanga akaita sokun'ora kwomukadzi anenge achitevera saizvozvo ndakavavirukira nehasha pamusana peropa ravakadeura munyika, uye pamusana pezvifananidzo zvokunamata zvavakain'oresa nazvo.
Ezekieri 36:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: Mŋanakomana womunhu, ŋguʋa yaʋakagara panyika yaʋo, imba yaIsraeri yakaiȿiɓisa nomufambire waʋo neɀaʋaiita; mufambire waʋo pamberi paŋgu wakaŋga wakaita setȿina yomukadzi uri kumŋedzi kwake. Naiɀoɀo ndakateʋurira hasha dzaŋgu pamsoro paʋo nemhaka yeropa raʋakateʋurira pamsoro penyika, ɀaʋakaiȿiɓisa neɀifananidzo ɀaʋo
Ezekieri 36:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)