Ezekieri 33:7-9
Ezekieri 33:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka inzwa shoko randinotaura ugovaudza yambiro inobva kwandiri. Kana ndikati kuno akaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo,’ uye iwe ukasamutaurira kuti umunyevere panzira dzake, munhu uyo akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza kwauri. Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako.
Ezekieri 33:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Saizvozvowo iwe Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobuda mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu. Kana ini ndikati kune wakaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo, iwe ukasataura kuti unyevere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.’ Asi kana ukanyevera wakaipa pamusoro penzira yake, uchiti atendeuke pairi, akasatendeuka panzira yake, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi iwe warwira hako mweya wako.”
Ezekieri 33:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Saizvozvo iwe mwanakomana womunhu, ndakuita nharirire yemba yokwaIsiraeri. Ukangonzwa shoko pamuromo pangu unofanira kupa vanhu yambiro inobva kwandiri. Kana ndikati kumutadzi iwe muipi uchafa chete, iwe worega kutaurira akaipa kuti apinduke pauipi hwake, muipi iyeyo achafa muuipi hwake asi mhosva yorufu rwake ndichaiisa pauri. Asi ukayambira akaipa kuti apinduke pauipi hwake asi iye worega zvake kupinduka panzira yake, achafira muuipi hwake asi iwe unenge wazviponesa upenyu.
Ezekieri 33:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saiɀoɀo ʋo iwe mŋanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsraeri; naiɀoɀo cinzwa shoko rinoɓuɗa mumuromo maŋgu, uʋanyeʋere panɀimbo yaŋgu. Kana ini ndikati kunowakaipa: Iwe munhu wakaipa, ucafa ɀirokwaɀo, iwe ukasataura kuti unyeʋere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwako. Asi kana ukanyeʋera wakaipa pamsoro penzira yake, uciti atendeʋuke pairi, akasatendeʋuka panzira yake, iye ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi iwe warwira hako mŋeya wako.
Ezekieri 33:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)