Ezekieri 33
33
III: PAKUKOMBWA KWEJERUSAREMU NOMUMASHURE MACHO
Ezekieri anoitwa nharirire naTenzi
1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 2“Iwe mwanakomana womunhu, taurira vanhu vokwako uti kwavari, ‘Ini ndikauisa hondo yebakatwa munyika, ivo vanhu vakatora munhu pakati pavo vakamuita nharirire. 3Kana iye akaona hondo yebakatwa ichiuya munyika, akaridza hwamanda achiyambira vanhu, 4munhu anenge anzwa kurira kwehwamanda akarega kuzvichenjererawo zvake, hondo yebakatwa ikamutora, munhu iyeyo rufu rwake nderwokuzviparira. 5Akanzwa kurira kwehwamanda asi haana kuzvichenjerera; rufu rwake nderwokuzviparira. Dai akazvichenjerera angadai akazviponesa upenyu. 6Asi kana nharirire ikaona bakatwa richiuya, munhu iyeyo akarega kuridza hwamanda, zvokuti vanhu vanosara vasina kuyambirwa, hondo yebakatwa iya youya yotora mumwe wavo. Munhu iyeyo akatorwa muhuipi hwake; ini mhosva yake ndichaiisa panharirire iyoyo.’
7“Saizvozvo iwe mwanakomana womunhu, ndakuita nharirire yemba yokwaIsiraeri. Ukangonzwa shoko pamuromo pangu unofanira kupa vanhu yambiro inobva kwandiri. 8Kana ndikati kumutadzi iwe muipi uchafa chete, iwe worega kutaurira akaipa kuti apinduke pauipi hwake, muipi iyeyo achafa muuipi hwake asi mhosva yorufu rwake ndichaiisa pauri. 9Asi ukayambira akaipa kuti apinduke pauipi hwake asi iye worega zvake kupinduka panzira yake, achafira muuipi hwake asi iwe unenge wazviponesa upenyu.
Munhu anofira chitadzo chake
10“Iwe mwanakomana womunhu taurira imba yokwaIsiraeri kuti, ‘Imi makati kukanganisa kwedu nezvitadzo zvedu zviri patiri, takagara nazvo. Torarama sei?’ 11Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, handifarire rufu rwomutadzi asi kuti mutadzi apinduke panzira yake ararame. Tendeukai, tendheukai panzira dzenyu dzakaipa, ko munodirei kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri. 12Iwe mwanakomana womunhu, taurira vanhu vokwako kuti, ururami hwomunhu mururami haugoni kumuponesa kana akapara chitadzo. Kutadza kwomutadzi hakusiriko kunomuputsira pasi kana akapinduka kuuipi hwake. Mururami haagoni kurarama noururami hwake kana atadza. 13Kunyange ndikati kumunhu wakarurama achararama, zvino iye wovimba noururami hwake wondotadza zvake, hapana zvakarurama zvaakaita zvinozomborangarirwa. Achafa muuipi hwaanenge aita. 14Uyewo kunyange ndikati kumunhu akaipa unofanira kutofa asi iye opinduka kuchivi chake oita zviri pamutemo zvakarurama, 15ngatitii muipi anodzorera rubatso, achidzorerawo zvaanenge apamba, achitevedzawo mutemo wehunhu asingaiti chitadzo anofanira kuti atorarama, haafaniri kufa. 16Hapana chitadzo chake chicharangarirwa kana kuchipirwa mhosva. Anenge aita zviri pamutemo uye zvakarurama. Anofanira kurarama.
17“Asi vanhu vokwako vanoti nzira dzaTenzi hadzina kururama, nzira dzavo dziri idzo dzisina kururama. 18Kana mururami akapinduka paururami hwake oita zvakaipa, achafa pamusana paizvozvo. 19Kana mutadzi akapindukawo pakuipa kwake, akaita zviri pamutemo nezvakarurama, anofanira kurarama pamusana paizvozvo. 20Asi imi munoti, ‘Nzira dzaTenzi hadzina kururama.’ Imi imba yaIsiraeri, ini ndichatonga mumwe nomumwe wenyu maererano nezviito zvake.”
Shoko rokukurirwa kweJerusaremu
21Mugore regumi nechipiiri rokunge vanhu taendeswa kuutapwa, mumwedzi wegumi pazuva rechishanu racho romwedzi, mumwe murume akanga apunyuka kuJerusaremu akauya kwandiri akati, “Guta rakurirwa.” 22Simba roruoko rwaTenzi rakanga riri pandiri mauro acho munhu uya akatiza hondo asati asvika. Panguva yaakazosvika Mwari akanga atozarura muromo wangu mangwanani. Saizvozvo muromo wangu wakazaruka, ndakanga ndisisiri chimumu.
Zvitadzo zvavanhu
23Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 24“Iwe Mwanakoamana womunhu, vagari venzvimbo idzi dzave matongo munyika yeIsiraeri vanoramba vachiti, ‘Abhurahamu aingova munhu mumwechete asi nyika iyi yaiva yake. Asi isu takatowanda, saka nyika yakapiwa kwatiri kuti ive yedu.’ 25Naizvozvo iti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari munodyaka imi nyama ineropa muchanamata zvifananidzo zvokunamata, muchiuraya vanhu, ndimi mungaite kuti nyika ive yenyu here? 26Munovimbaka namapakatwa imi, muchiita zvinosemesa mumwe nomumwe wenyu achin'oresa mukadzi womumwe. Ndimi mungati nyika ive yenyu here? 27Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, ivo vari mumatongo ivavo vachauraiwa nehondo yebakatwa. Vanenge vari musango ndichavapa kuzvikara vadyiwe nezvikara. Vanenge vari munhare kana mumapako vachafa nedenda. 28Ndichaita kuti nyika ive renje risina chinhu, kuzvikudza kwavo nesimba zvipere. Makomo eIsiraeri achava renje zvokuti hapana anozopfuura nomo. 29Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi, pandinenge ndaita kuti nyika iyoyi ive renje risina chinhu pamusana pezvose zvandisingadi zvavakaita.
Shoko romuporofita rinoonekwa soupenzi
30“Asi kana zviri zvako, iwe mwanakomana womunhu, zvavanhu vanokunyeya pamadziro edzimba napamisuo yedzimba vachitaurirana mumwe nomumwe vachiti douya unzwe shoko riri kubva kuna Tenzi, 31izvozvi vachauya kwauri sokuuya kunongoita vanhu, vogara mberi kwako savanhu vangu, vachiteerera zvauri kutaura asi havambozviita. Zviripo ndezvokuti vanoratidza rudo rukuru zvepamuromo chete asi mwoyo wavo uri pane zvavangawane chete. 32Tarisa uone, iwe wakaita somunhu anoimba dzimbo dzorudo nezwi rakanakisa uchiridza chaunoridza. Nokuti vanonzwa zvaunotaura asi havazviiti. 33Kana izvozvi zvaitika—kuitika zvichatoitika—ipapo ndipo pavachaziva kuti muporofita akanga ari pakati pavo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 33: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.