Ezekieri 33:11
Ezekieri 33:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, handifarire rufu rwomutadzi asi kuti mutadzi apinduke panzira yake ararame. Tendeukai, tendheukai panzira dzenyu dzakaipa, ko munodirei kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri.
Ezekieri 33:11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’
Ezekieri 33:11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Uti kwavari, ‘Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsiraeri?’
Ezekieri 33:11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Uti kwaʋari: Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeʋuke panzira yake; tendeʋukai, tendeʋukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti mucafireiko, imi imba yaIsraeri?
Ezekieri 33:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)