Ezekieri 22:24-31
Ezekieri 22:24-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mwanakomana womunhu, uti kunyika, ‘Iwe uri nyika isina kuwana mvura kana guti pazuva rehasha dzangu.’ Pane rangano yamachinda vari pakati payo vanoomba seshumba iri kubvamburanya chayabata; vanodya vanhu, vanotora pfuma nezvinhu zvinokosha uye vanoita kuti chirikadzi dziwande mukati mayo. Vaprista vayo vanoputsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo. Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa uye vanouraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama. Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura. Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira. “Ndakatsvaka munhu pakati pavo angavaka rusvingo uye agomira pamberi pangu, pakakoromoka, achimirira nyika kuti ndirege kuparadza, asi ndakashayiwa kana mumwe. Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pavo ndigovaparadza nokutsamwa kwangu, ndichiburutsira pamisoro yavo zvavakaita zvose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Ezekieri 22:24-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mwanakomana womunhu uti kwairi, ‘Iwe uri nyika isina kunatswa, isina kunisirwa mvura nezuva reshungu dzangu.’ Vaporofita vayo vakaita rangano mukati mayo; seshumba inoomba ichibvanzura chayabata, saizvozvo vakapedza mweya yavanhu; vakatora pfuma nezvinokosha, vakawanza chirikadzi mukati mayo. Vapristi vayo vakaparadza murayiro wangu, vakamhura zvinhu zvangu zvitsvene; havana kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, kana kuzivisa vanhu kusiyana kwezvisina kunaka nezvakanaka, vakatsinzina meso avo varege kuona maSabata angu; ini ndamhurwa pakati pavo. Machinda ayo mukati mayo vakafanana namapere anobvanzura zvaabata, vachiteura ropa nokuparadza mweya, kuti vawane pfuma vachinyengera. “Vaporofita vayo vakavayuwira nesuko, vachiona zvinonyengera nokuvaukira zvenhema vachiti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, izvo Jehovha haana kutaura.’ “Vanhu venyika vakamanikidza nokupamba; zvirokwazvo vakatambudza varombo navanoshayiwa, vakamanikidza mutorwa asina mhaka hake. Zvino ndakatsvaka pakati pavo munhu angagadzira rusvingo, angamira pakakoromoka pamberi pangu achirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina kuwana nomumwe. Naizvozvo ndakadurura shungu dzangu pamusoro pavo; ndakavapedza nomoto wehasha dzangu; ndakauyisa zvavakaita pamisoro yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ezekieri 22:24-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Iwe mwanakomana womunhu iti kunyika iyi uri nyika isina kuchenurwa, isina kuniwa nemvura pazuva rehasha. Machinda, mukati mayo vakaita seshumba dziri kuwomba dzichibvambura-bvambura nyama. Vakapfuudza upenyu hwavanhu. Vakapamba upfumi nezvinhu zvakakosha. Vakaita kuti vazhinji vave chirikadzi mukati mayo. Vapristi vayo vakatyoranisa mutemo wangu, vakan'oresa zvinhu zvangu zvinoera; havana kusiyanisa chinhu chinoera nechinhuwo zvacho. Havanawo kudzidzisa kusiyana kwezvan'ora nezvisina. Masabata angu havana kuaitira hanya zvokuti ndava chinhu chakan'ora pakati pavo. Machinda, mukati mavo, vava mhumi zvadzo dzinobvambura-bvambura nyama nokudeura ropa vachiparadza upenyu vachizviwanira zvinhu nenzira dzisina kutendeka. Uye vaporofita vayo vanodzurura nesuko vachiona zviratidzo zvenhema vachishopera chiporofita chamanyepo vachiti zvanzi naTenzi Mwari; iye Tenzi asina chaataura. Vanhu venyika iyoyi vanotorera vanhu zvinhu nechisimba uye vanopamba. Vanoonesa nhamo varombo navasina chavanacho; vanoitira zvakaipa mueni zvisina ruenzaniso. Zvino ndakatsvaga pakati pavo munhu angavake rusvingo, anomira pakakoromoka pamberi pangu, akamiririra nyika kuitira kuti ndirege kuiparadza. Asi hapana wandakawana. Ipapo ndakavavirukira nehasha ndikavaroromesa nomoto wehasha dzangu. Maitiro avo ndakati avapfukire.” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.
Ezekieri 22:24-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana womunhu, uti kwairi: Iwe uri nyika isino‐kunatswa, isino‐kunisirwa mvura nezuʋa reshuŋgu dzaŋgu. Ʋaprofita ʋayo ʋakaita raŋgano mukati mayo; seshumba inoʋomba icibvanzura cayaɓata, saiɀoɀo ʋakapedza mŋeya yaʋanhu; ʋakatora fuma neɀinokosha, ʋakawanza cirikadzi mukati mayo. Ʋaprista ʋayo ʋakaparadza murairo waŋgu, ʋakamhura ɀinhu ɀaŋgu ɀitȿene; haʋana‐kutsaura pakati peɀitȿene neɀisati ɀiri ɀitȿene, kana kuziʋisa ʋanhu kusiyana kweɀisino‐kunaka neɀakanaka, ʋakatsinzina meso aʋo ʋarege kuʋona masaɓata aŋgu; ini ndamhurwa pakati paʋo. Macinda ayo mukati mayo ʋakafanana namapere anobvanzura ɀaaɓata, ʋaciteʋura ropa nokuparadza mŋeya, kuti ʋawane fuma ʋacinyeŋgera. Ʋaprofita ʋayo ʋakaʋaʋuwira nesuko, ʋaciʋona ɀinonyeŋgera nokuʋaʋukira ɀenhema, ʋaciti: Ɀanzi naShe Jehova, iɀo Jehova haana‐kutaura. Ʋanhu ʋenyika ʋakamanikidza nokupamba; ɀirokwaɀo ʋakatambudza ʋarombo naʋanoshaiwa, ʋakamanikidza mutorwa asinemhaka hake. Ɀino ndakatȿaka pakati paʋo munhu uŋgagadzira ruȿiŋgo, uŋgamira pakakoromoka pamberi paŋgu acirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina‐kuwana nomumŋe. Naiɀoɀo ndakaɗurura shuŋgu dzaŋgu pamsoro paʋo; ndakaʋapedza nomŋoto wehasha dzaŋgu; ndakaʋuyisa ɀaʋakaita pamisoro yaʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Ezekieri 22:24-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)