Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 22

22
Ɀiʋi ɀeJerusarema.
1Shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: 2Ɀino iwe mŋanakomana womunhu, toŋga, citoŋga guta reropa, uriziʋise ɀinonyaŋgadza ɀaro ɀose. 3Uti: Ɀanzi naShe Jehova: Iwe guta, rinoteʋura ropa mukati maro, kuti ŋguʋa yaro iȿike, rinoɀiitira ɀifananidzo, kuti riȿiɓiswe naɀo! 4Wapara mhaka nokuɗa kweropa rako rawakateʋura, waȿiɓiswa neɀifananidzo ɀawakaita; wasweɗedza mazuʋa ako, waȿika pamakore ako; naiɀoɀo ndakakuita cinhu cinoshoʋorwa pamberi pamamŋe marudzi, necinosekwa nenyika dzose. 5Ʋari pedyo newe, naʋari kure, ʋacakuseka, iwe unezita rakaȿiɓiswa, uzere neɓope. 6Tarira, macinda aIsraeri akapinda mukati mako, mumŋe nomumŋe nesimba rake, kuzoteʋura ropa. 7Ƃaɓa namai ʋakaɀidzwa mukati mako, ʋatorwa ʋakamanikidzwa mukati mako, nherera necirikadzi dzakaitirwa ɀakaipa mukati mako. 8Iwe wakashoʋora ɀinhu ɀaŋgu ɀitȿene, wakamhura masaɓata aŋgu. 9Ʋanhu ʋanamakuhwa ʋakapinda mukati mako kuzoteʋura ropa, ʋakadya pamsoro pamakomo mukati mako, ʋakaita ɀinonyadzisa mukati mako. 10Ʋakafukura kunyadza kwamadziɓaɓa aʋo mukati mako, ʋakaninipisa mukati mako mukadzi wakaŋga asino‐kunaka nokuʋa kumŋedzi kwake. 11Mumŋe wakaita ɀinonyaŋgadza nomukadzi womunuŋuna wake, mumŋe wakacinyira mukadzi womŋana wake, mumŋe ɀe mukati mako wakaninipisa hanɀadzi yake, mukunda waɓaɓa ʋake. 12Ʋakagamucira ɀipo mukati mako kuzoteʋura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemicero, wakaɀifumisa ucimanikidza wokwako, ukandikaŋganwa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 13Naiɀoɀo, tarira, ndakaroʋanya maʋoko aŋgu pamsoro pefuma yako yawakawana nokunyeŋgera, napamsoro peropa rako rakaŋga riri mukati mako. 14Ko mŋoyo wako uŋgatsuŋga, kana maʋoko ako aŋgasimba here pamazuʋa andicakutoŋga? Ini Jehova ndakaɀitaura, ndicaɀiita. 15Ndicakuparadzira pakati pamarudzi, nokukudziŋgira kunyika dzose; ndicapedza tȿina yako mukati mako. 16Ucaɀimhurisa pamberi pamamŋe marudzi; ɀino ucaziʋa kuti ndini Jehova.
17Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 18Mŋanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; ʋose ʋakaita sendarira netini neɗare nomutobvu mukati meʋira; ʋakaita samarara esirveri. 19Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Mose ɀamaʋa marara, naiɀoɀo, tarirai, ndicakuʋuŋganidzirai mukati meJerusarema. 20Seɀaʋanoʋuŋganidzira sirveri nendarira neɗare nomutobvu netini mukati meʋira, kuti ʋapfutidzire mŋoto pamsoro paɀo, ʋaɀinyause, saiɀoɀo ndicakuʋuŋganidzai nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ndikuisei’mo, ndikunyausei. 21Ɀirokwaɀo, ndicakuʋuŋganidzai, nokupfutidza mŋoto wehasha dzaŋgu pamsoro penyu; mucanyauswa mukati maro. 22Sirveri seɀainonyauswa mukati meʋira, saiɀoɀo imi mucanyauswa mukati maro; ɀino mucaziʋa kuti ini Jehova ndakaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro penyu.
23Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 24Mŋanakomana womunhu, uti kwairi: Iwe uri nyika isino‐kunatswa, isino‐kunisirwa mvura nezuʋa reshuŋgu dzaŋgu. 25Ʋaprofita ʋayo ʋakaita raŋgano mukati mayo; seshumba inoʋomba icibvanzura cayaɓata, saiɀoɀo ʋakapedza mŋeya yaʋanhu; ʋakatora fuma neɀinokosha, ʋakawanza cirikadzi mukati mayo. 26Ʋaprista ʋayo ʋakaparadza murairo waŋgu, ʋakamhura ɀinhu ɀaŋgu ɀitȿene; haʋana‐kutsaura pakati peɀitȿene neɀisati ɀiri ɀitȿene, kana kuziʋisa ʋanhu kusiyana kweɀisino‐kunaka neɀakanaka, ʋakatsinzina meso aʋo ʋarege kuʋona masaɓata aŋgu; ini ndamhurwa pakati paʋo. 27Macinda ayo mukati mayo ʋakafanana namapere anobvanzura ɀaaɓata, ʋaciteʋura ropa nokuparadza mŋeya, kuti ʋawane fuma ʋacinyeŋgera. 28Ʋaprofita ʋayo ʋakaʋaʋuwira nesuko, ʋaciʋona ɀinonyeŋgera nokuʋaʋukira ɀenhema, ʋaciti: Ɀanzi naShe Jehova, iɀo Jehova haana‐kutaura. 29Ʋanhu ʋenyika ʋakamanikidza nokupamba; ɀirokwaɀo ʋakatambudza ʋarombo naʋanoshaiwa, ʋakamanikidza mutorwa asinemhaka hake. 30Ɀino ndakatȿaka pakati paʋo munhu uŋgagadzira ruȿiŋgo, uŋgamira pakakoromoka pamberi paŋgu acirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina‐kuwana nomumŋe. 31Naiɀoɀo ndakaɗurura shuŋgu dzaŋgu pamsoro paʋo; ndakaʋapedza nomŋoto wehasha dzaŋgu; ndakaʋuyisa ɀaʋakaita pamisoro yaʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 22: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda