Ezekieri 18:31-32
Ezekieri 18:31-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rasai kudarika kwenyu kwamakaita, mufuke mwoyo mutsva nomweya mutsva. Ko, muchafirei, imi imba yaIsraeri? Nokuti handifariri rufu rwomunhu upi zvake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai murarame!
Ezekieri 18:31-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rashai kure nemi kudarika kwenyu kwose, kwamakadarika nako, muzviitire mwoyo mitsva nemweya mitsva; nokuti muchafireiko, imi mhuri yavaIsiraeri? Nokuti handifariri rufu rwounofa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; naizvozvo tendeukai, murarame.
Ezekieri 18:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kandai pasi zvikanganiso zvenyu zvose zvamakapara kwandiri muwane mwoyo mutsva nomweya mutsva. Madireiko kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri? Chikonzero ndechokuti handifariri kuti ani naani zvake afe.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Saka pindukai murarame.”
Ezekieri 18:31-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Rashai kure nemi kuɗarika kwenyu kwose, kwamakaɗarika nako, muɀiitire mŋoyo mitȿa nemŋeya mitȿa; nokuti mucafireiko, imi imba yaIsraeri? Nokuti handifariri rufu rwounofa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; naiɀoɀo tendeʋukai, murarame.
Ezekieri 18:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)