Ezekieri 18:2-4
Ezekieri 18:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Munoreveiko vanhu imi zvamunodzokorora tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti, “ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, meno avana akaita ugugu’? “Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazodzokororizve tsumo iyi muIsraeri. Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.
Ezekieri 18:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndokudiniko kana muchibata netsumo iyi panyika yaIsiraeri, muchiti, ‘Madzibaba akadya madzambiringa anovava, meno avana ndokuhwadzira?’ Noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “Hamungagoni kuzobata netsumo iyi pakati paIsiraeri. Tarirai, mweya yose ndeyangu; mweya wababa ndowangu, saizvozvo nomweya womwanakomanawo; mweya unotadza, uchafa.
Ezekieri 18:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvinoreveiko kuramba muchingodzokorora tsumo iyi panyika yeIsiraeri yokuti, “Vabereki vakadya magirepisi anovava vana ndivo vakaita ugugu. “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, zvetsumo iyoyi haichazomboshandiswa nemi muIsiraeri. Chinzwai, munhu ari wose zvake ndowangu. Munhu angave baba kana mwana ndowangu. Munhu anenge apara chitadzo ndiye achafa.
Ezekieri 18:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndokuɗiniko kana muciɓata neshumo iyi panyika yaIsraeri, muciti: Madziɓaɓa akadya mazambiriŋga anoʋaʋa, meno aʋana ndokubgadzira? Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — hamuŋgagoni kuzoɓata neshumo iyi pakati paIsraeri. Tarirai, mŋeya yose ndeyaŋgu; mŋeya waɓaɓa ndowaŋgu, saiɀoɀo nomŋeya womŋanakomana ʋo; mŋeya unotadza, ucafa.
Ezekieri 18:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)