Ezekieri 14:1-3
Ezekieri 14:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vamwe vavakuru veIsraeri vakauya kwandiri vakagara pasi pamberi pangu. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here?
Ezekieri 14:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kwandiri, vakagara pasi pamberi pangu. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, vanhu ava vakapinza zvifananidzo zvavo mumwoyo yavo, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvavo pamberi pavo; zvino ndingatongotenda kubvunzwa navo here?
Ezekieri 14:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakazouya vamwe vavakuru vakuru veIsiraeri kwandiri vakasvikogara mberi kwangu. Shoko raTenzi rikabva rauya kwandiri rikati, “Iwe mwanakomana womunhu varume ava vakatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata vakazviisira chibingamupinyi chouipi hwavo mberi kwavo. Ndipo pandingazorega here vachidai kuuya kuneni kuzonzwa kuti ndinoti kudii?
Ezekieri 14:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋamŋe ʋakuru ʋaIsraeri ʋakaʋuya kwandiri, ʋakagara pasi pamberi paŋgu. Shoko raJehova rikaȿika kwandiri, riciti: Mŋanakomana womunhu, ʋanhu aʋa ʋakapinza ɀifananidzo ɀaʋo mumŋoyo yaʋo, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀaʋo pamberi paʋo; ɀino ndiŋgatoŋgotenda kubvunzwa naʋo here?
Ezekieri 14:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)