Ezekieri 14
14
Ʋanonamata ɀifananidzo ʋanotukwa.
1Ɀino ʋamŋe ʋakuru ʋaIsraeri ʋakaʋuya kwandiri, ʋakagara pasi pamberi paŋgu. 2Shoko raJehova rikaȿika kwandiri, riciti: 3Mŋanakomana womunhu, ʋanhu aʋa ʋakapinza ɀifananidzo ɀaʋo mumŋoyo yaʋo, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀaʋo pamberi paʋo; ɀino ndiŋgatoŋgotenda kubvunzwa naʋo here? 4Naiɀoɀo taura naʋo, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Munhu mumŋe nomumŋe weimba yaIsraeri unopinza ɀifananidzo ɀake mumŋoyo make, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀake pamberi pake, akaʋuya kumuprofita, ini Jehova ndicamupindura ɀakafanira iɀoɀo, ɀakafanira kuwanda kweɀifananidzo ɀake; 5kuti ndiɓate imba yaIsraeri mumŋoyo yaʋo, nokuti ʋaʋa ʋatorwa kwandiri nemhaka yeɀifananidzo ɀaʋo. 6Naiɀoɀo iti kuimba yaIsraeri: Ɀanzi naShe Jehova: Dzokai, mufuratire ɀifananidzo ɀenyu, mufuratidze ɀinonyaŋgadza ɀenyu ɀose ɀiso ɀenyu. 7Nokuti mumŋe nomumŋe weimba yaIsraeri, kana waʋatorwa ʋagere panyika yaIsraeri, unoparadzana neni, acipinza ɀifananidzo ɀake mumŋoyo make, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀake pamberi pake, akaʋuya kumuprofita kuti iye andibvunze nokuɗa kwake, ini Jehova ndicamupindura ndimene; 8ndicarinzira munhu uyo ciso caŋgu ndimuitire ɀakaipa, ndicamuita cishamiso neciratidzo neshumo, ndicamubvisa pakati paʋanhu ʋaŋgu; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. 9Ɀino kana muprofita akanyeŋgerwa, akataura shoko, ini Jehova, ndini ndanyeŋgera muprofita uyo, ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro pake, ndimuparadze pakati paʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. 10Ʋacaʋa nemhoȿa yaʋo; ɀakaipa ɀomuprofita ɀicaenzana neɀakaipa ɀounobvunza kwaari; 11kuti imba yaIsraeri irege kuzotsauka kwandiri, kana kuzoɀiȿiɓisa nokuɗarika kwaʋo kwose, asi ʋaʋe ʋanhu ʋaŋgu, neni ndiʋe Mŋari waʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Kuraŋga kwaJehova kwakarurama.
12Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 13Mŋanakomana womunhu, kana kunenyika iciŋge yanditadzira nokuɗarika, ini ndikatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro payo, ndikavuna muɗonɀo weɀokudya ɀayo, ndikatuma nzara pamsoro payo, nokuparadza’po ʋanhu neɀipfuwo; 14kunyaŋge ʋanhu aʋa ʋatatu, Noa naDanieri naJobo, ʋakaʋa’mo, ʋaŋgarwira mŋeya yaʋo yoga nokururama kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 15Kana ndikafambisa ɀikara munyika, ɀikaipedzera ʋana, ikaitwa ɗoŋgo, kukasaʋa nomunhu uŋgagona kufamba’mo nemhaka yeɀikara; 16kunyaŋge ʋarume aʋa ʋatatu ʋaiʋa’mo, noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — haʋaŋgarwiri ʋanakomana kana ʋanasikana; iʋo ʋoga ʋaŋgarwirwa, asi nyika icaitwa ɗoŋgo. 17Ɀimŋe kana ndikaʋuyisa munondo pamsoro penyika iyo, ndikati: Munondo, pfuʋura napakati penyika! ndikaparadza’mo ʋanhu neɀipfuwo; 18kunyaŋge ʋarume aʋa ʋatatu ʋaiʋa’mo, — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — haʋaŋgarwiri ʋanakomana kana ʋanasikana; asi iʋo ʋamene ʋoga ʋaŋgarwirwa. 19Ɀimŋe kana ndikatuma hosha yakaipa munyika iyo, ndikaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro payo neropa, kuti ndiparadze’mo ʋanhu neɀipfuwo; 20kunyaŋge Noa naDanieri naJobo ʋaiʋa’mo, noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova, — haʋaŋgarwiri mŋanakomana kana mŋanasikana; ʋaŋgarwira mŋeya yaʋo yoga nokururama kwaʋo. 21Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Ndoɗa, kana ndikatuma pamsoro peJerusarema ɀakaipa ɀinna ɀandakaʋatoŋgera, ɀinoti, munondo nenzara neɀikara ɀakaipa nehosha yakaipa, kuti ndiparadze’mo ʋanhu neɀipfuwo! 22Asi tarirai, ʋamŋe ʋakasara ʋacaregwa’mo ʋacapukunyuka, ʋacatapxa, ʋari ʋanakomana naʋanasikana; tarirai, ʋacaȿika kwamuri, mucaʋona nzira yaʋo neɀaʋanoita; ipapo mucanyaradzwa pamsoro peɀakaipa ɀandakaʋuyisa pamsoro peJerusarema, pamsoro peɀose ɀandakaʋuyisa pamsoro paro. 23Iʋo ʋacakunyaradzai, kana muciʋona nzira yaʋo neɀaʋanoita; ipapo mucaziʋa kuti handina‐kuita pasina ɀose ɀandakaita’mo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 14: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018