Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 11:14-25 - Compare All Versions

Ezekieri 11:14-25 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako dzeropa neimba yose yaIsraeri, ndivo vainzi navanhu veJerusarema, ‘Vari kure kwazvo naJehovha; nyika ino takaipiwa kuti ive yedu.’ “Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kunyange ndakavaendesa kure pakati pendudzi uye ndikavaparadzira pakati penyika, asi kwechinguva chiduku ndakanga ndiri nzvimbo yavo tsvene munyika dzavakaenda.’ “Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuunganidzai kubva kundudzi ndigokudzosai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa uye ndichakupaizve nyika yaIsraeri.’ “Vachadzokera kwairi vagobvisa zvifananidzo zvayo zvose zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza. Ndichavapa mwoyo mumwe uye ndichaisa mweya mutsva mukati mavo; ndichabvisa mwoyo webwe mukati mavo ndigovapa mwoyo wenyama. Ipapo vachatevera mitemo yangu uye vachachenjerera kuchengeta mirayiro yangu. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo. Asi kana vari vaya vane mwoyo inotevera zvakaumbwa zvavo zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza, ndichaburutsa pamisoro yavo chaiyo zvavakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Ipapo makerubhi namavhiri parutivi pawo akatambanudza mapapiro awo, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo. Kubwinya kwaJehovha kwakakwira kuchibva mukati meguta kukandomira pamusoro pegomo nechokumabvazuva kwaro. Mweya wakandisimudza ukaenda neni kuna vakatapwa vari muBhabhironi muchiratidzo chakapiwa noMweya waMwari. Ipapo chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa kubva pandiri, uye ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 11 BDSC

Ezekieri 11:14-25 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, “Mwanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, vanhu vorudzi rwako, neimba yose yaIsiraeri, ivo vose, ndivo vakanzi navagere Jerusaremu, ‘Ibvai kure naJehovha, nyika ino yakapiwesu, ive yedu.’ “Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, zvandakavabvisa, ndikavaisa kure pakati pamarudzi, uye zvandakavaparadzira pakati penyika, ndichava kwavari nzvimbo tsvene nguva duku kunyika idzo kwavakaenda kwadziri;’ naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuunganidzai mubve pakati pamarudzi, ndichakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsiraeri.’ “Vachadzokerako nokubvisamo zvose zvayo zvinosemesa nezvose zvayo zvinonyangadza. Ndichavapa mwoyo mumwe, nokuisa mweya mutsva mukati menyu; ndichabvisa mwoyo webwe munyama yavo, ndokuvapa mwoyo wenyama; kuti vafambe nemitemo yangu, vachengete zvandakarayira nokuzviita; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo. Asi kana vari ivo, vane mwoyo inotevera mwoyo yezvinhu zvavo zvinosemesa nezvinonyangadza, ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ipapo makerubhi akasimudza mapapiro awo, namakumbo engoro akanga ari pamativi awo; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwavo. Kubwinya kwaJehovha ndokukwira kuchibva mukati meguta, ndokumira pamusoro pegomo riri kumabvazuva eguta. Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhea kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri. Ipapo ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 11 SNA2002

Ezekieri 11:14-25 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako chaidzo dzakatapwa pamwechete newe, ivo vanhu vose veIsiraeri ndivo vari kunzi navagari veJerusaremu, ‘Vaye vakaenda kure naTenzi saizvozvo nyika ino yakapiwa kwatiri kuti ive yedu.’ Naizvozvo iti zvanzi naTenzi Mwari, ‘Kunyange zvazvo ndakavabvisa ndikavaendesa kure mukati memarudzi, uye kunyange ndakavaparadzira mudzinyika, ndanga ndiri nzvimbo inoera kwavari kwechinguvana munyika dzavakaenda.’ Naizvozvo iti, zvanzi naTenzi Mwari ndichakukokorodzai mumarudzi avanhu ndigokuunganidzai kubva munyika dzamakaparadzirwa ndizokupai nyika yeIsiraeri. Pavanenge vauya vachabvisa mairi zvose zvakaipa nezvinosemesa. Ndichavapa mwoyo mumwechete ndigoisa Mweya mutsva mavari. Ndichabvisa munyama yavo mwoyo wedombo ndichivapa mwoyo wenyama, kuitira kuti vatevere mirao yangu vachichengeta zvirevo zvangu nokuzviteerera. Ivo vachava vanhu vangu ini ndichava Mwari wavo. Asi vane mwoyo wokuda zvakaipa nezvinhu zvavo zvinosemesa ndichaita kuti zviito zvavo zvivapfukire ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Zvino makerubhu akasimudza mapapiro awo namavhiri ari pamativi awo. Kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kwakanga kuri pamusoro pavo. Kupenya kwekuvapo kwaMwari kwakabva pakati peguta kukandomira pagomo riri kumabvazuva eguta. Mweya akandisimudza muchioneso akandiendesa kuvatapwa kuKaridhea naMweya waMwari. Ndipo pakabva papera chiratidzo chandakanga ndaoneswa. Ndakataurira vatapwa zvinhu zvose zvandakanga ndaratidzwa naTenzi.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 11 SCLBD

Ezekieri 11:14-25 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: Mŋanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, ʋanhu ʋorudzi rwako, neimba yose yaIsraeri, iʋo ʋose, ndiʋo ʋakanzi naʋagere Jerusarema: Ibvai kure naJehova, nyika ino yakapiwe’su, iʋe yeɗu. Naiɀoɀo uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ɀandakaʋabvisa, ndikaʋaisa kure pakati pamarudzi, ʋuye ɀandakaʋaparadzira pakati penyika, ndicaʋa kwaʋari nɀimbo tȿene ŋguʋa ɗuku kunyika idzo kwaʋakaenda kwadziri; naiɀoɀo uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ndicakuʋuŋganidzai mubve pakati pamarudzi, ndicakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsraeri. Ʋacadzokera’ko nokubvisa’mo ɀose ɀayo ɀinosemesa neɀose ɀayo ɀinonyaŋgadza. Ndicaʋapa mŋoyo mumŋe, nokuisa mŋeya mutȿa mukati menyu; ndicabvisa mŋoyo webge munyama yaʋo, ndokuʋapa mŋoyo wenyama; kuti ʋafambe nemitemo yaŋgu, ʋaceŋgete ɀandakaraira nokuɀiita; iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari waʋo. Asi kana ʋari iʋo, ʋanemŋoyo inoteʋera mŋoyo yeɀinhu ɀaʋo ɀinosemesa neɀinonyaŋgadza, ndicaʋuyisa ɀaʋakaita pamisoro yaʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Ipapo makerubi akasimudza mapapiro awo, namakumbo eŋgoro akaŋga ari pamatiʋi awo; kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kuri necokumsoro kwaʋo. Kubginya kwaJehova ndokukwira kucibva mukati meguta, ndokumira pamsoro pegomo riri kumabvazuʋa eguta. Ipapo Mŋeya wakandisimudza ndokundiisa Kardea kunaʋakatapxa, ndiciɀiʋoneswa noMŋeya waMŋari. Ɀino ciratidzo candakaŋga ndaʋona cakakwidzwa cicibva kwandiri. Ipapo ndakaʋudza ʋakatapxa ɀinhu ɀose ɀandakaratidzwa naJehova.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 11 SUB1949

Ezekieri 11:14-25 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Iwe mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako chaidzo dzakatapwa pamwechete newe, ivo vanhu vose veIsiraeri ndivo vari kunzi navagari veJerusaremu, ‘Vaye vakaenda kure naTenzi saizvozvo nyika ino yakapiwa kwatiri kuti ive yedu.’ Naizvozvo iti zvanzi naTenzi Mwari, ‘Kunyange zvazvo ndakavabvisa ndikavaendesa kure mukati memarudzi, uye kunyange ndakavaparadzira mudzinyika, ndanga ndiri nzvimbo inoera kwavari kwechinguvana munyika dzavakaenda.’ Naizvozvo iti, zvanzi naTenzi Mwari ndichakukokorodzai mumarudzi avanhu ndigokuunganidzai kubva munyika dzamakaparadzirwa ndizokupai nyika yeIsiraeri. Pavanenge vauya vachabvisa mairi zvose zvakaipa nezvinosemesa. Ndichavapa mwoyo mumwechete ndigoisa Mweya mutsva mavari. Ndichabvisa munyama yavo mwoyo wedombo ndichivapa mwoyo wenyama, kuitira kuti vatevere mirao yangu vachichengeta zvirevo zvangu nokuzviteerera. Ivo vachava vanhu vangu ini ndichava Mwari wavo. Asi vane mwoyo wokuda zvakaipa nezvinhu zvavo zvinosemesa ndichaita kuti zviito zvavo zvivapfukire ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Zvino makerubhu akasimudza mapapiro awo namavhiri ari pamativi awo. Kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kwakanga kuri pamusoro pavo. Kupenya kwekuvapo kwaMwari kwakabva pakati peguta kukandomira pagomo riri kumabvazuva eguta. Mweya akandisimudza muchioneso akandiendesa kuvatapwa kuKaridhea naMweya waMwari. Ndipo pakabva papera chiratidzo chandakanga ndaoneswa. Ndakataurira vatapwa zvinhu zvose zvandakanga ndaratidzwa naTenzi.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 11 SCLB