Ezekieri 11
11
Mhosva yeJerusaremu
1Mweya wakandisimudza mudenga, wakandiunza kuSuo Guru rokumabvazuva kwemba yaTenzi rakatarisa kumabvazuva. Ipapo ndakaona pamusuo peSuo Guru pacho paine varume makumi maviri navashanu. Ndakaonawo pakati pavo paina Jaazaniya mwanakomana waAzuru naPeratiya mwanakomana waBhenaya, machinda evanhu. 2Iye akabva anditi, “Iwe mwanakomana womunhu, varume ivava ndivo vakaruka mazano akaipa vachisoka guta rino mano akaipa 3vachifurira vanhu kuti, ‘Nguva yokuvaka dzimba haisati yasvika. Iro guta rino ndiro bhodho, isu ndisu nyama yacho.’ 4Saka porofita kwavari, Mwanakomana Womunhu porofita.”
5Mweya waTenzi wakauya pandiri akati kwandiri iti zvanzi naTenzi, “Imi vemba yaIsiraeri, heya ndozvamuri kufunga izvi. Chiripo ndechokuti zvinouya mumusoro menyu ini ndinozviziva. 6Vamakauraya vakawanda muguta rino mukazadza migwagwa yaro nezvitunha. 7Ndokusaka zvanzi naTenzi Mwari, ‘Vamakauraya zvamakaradzika mariri ndonyama, guta irori ndiro bhodho racho asi imi muchabviswa mukati maro.’ 8Munotya bakatwaka, ndichakuunzirai bakatwa ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. 9Ndichakuburitsai mukati maro ndichikuisai mumaoko mevechirudzi ndichiita zvandakatema kuita kwamuri. 10Muchafa rufu rwebakatwa; ndichakutongerai kumuganhu weIsiraeri. Ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi. 11Guta rino harisi kuzova bhodho renyu kana imiwo kuva nyama yacho mukati maro. Ndichakutongerai kumuganhu weIsiraeri. 12Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi nokuti hamuna kutevera mirao yangu kana kuita zvirevo zvangu asi makaita muchitevedza zvirevo zvamarudzi vakakutenderedzai.” 13Zvakaitika kuti pandaiporofita, Peratiya mwanakomana waBhenaya akafa. Ndakawira pasi nouso ndikaridza mhere ndochema ndichiti, “Aa! Nhai Tenzi mopedzisa here vaIsiraeri vakasara.”
Chivimbiso chaTenzi kunhapwa
14Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, 15“Iwe mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako chaidzo dzakatapwa pamwechete newe, ivo vanhu vose veIsiraeri ndivo vari kunzi navagari veJerusaremu, ‘Vaye vakaenda kure naTenzi saizvozvo nyika ino yakapiwa kwatiri kuti ive yedu.’ 16Naizvozvo iti zvanzi naTenzi Mwari, ‘Kunyange zvazvo ndakavabvisa ndikavaendesa kure mukati memarudzi, uye kunyange ndakavaparadzira mudzinyika, ndanga ndiri nzvimbo inoera kwavari kwechinguvana munyika dzavakaenda.’ 17Naizvozvo iti, zvanzi naTenzi Mwari ndichakukokorodzai mumarudzi avanhu ndigokuunganidzai kubva munyika dzamakaparadzirwa ndizokupai nyika yeIsiraeri. 18Pavanenge vauya vachabvisa mairi zvose zvakaipa nezvinosemesa. 19Ndichavapa mwoyo mumwechete ndigoisa Mweya mutsva mavari. Ndichabvisa munyama yavo mwoyo wedombo ndichivapa mwoyo wenyama, 20kuitira kuti vatevere mirao yangu vachichengeta zvirevo zvangu nokuzviteerera. Ivo vachava vanhu vangu ini ndichava Mwari wavo. 21Asi vane mwoyo wokuda zvakaipa nezvinhu zvavo zvinosemesa ndichaita kuti zviito zvavo zvivapfukire ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Kubva kwakaita kupenya kwokuvapo kwaTenzi paJerusaremu
22Zvino makerubhu akasimudza mapapiro awo namavhiri ari pamativi awo. Kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kwakanga kuri pamusoro pavo. 23Kupenya kwekuvapo kwaMwari kwakabva pakati peguta kukandomira pagomo riri kumabvazuva eguta. 24Mweya akandisimudza muchioneso akandiendesa kuvatapwa kuKaridhea naMweya waMwari. Ndipo pakabva papera chiratidzo chandakanga ndaoneswa. 25Ndakataurira vatapwa zvinhu zvose zvandakanga ndaratidzwa naTenzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 11: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.