Ekisodho 7:19-21
Ekisodho 7:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tora tsvimbo yako uye utambanudze ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro pehova pamusoro pemigero, pamusoro pamadziva uye napamusoro pamagawa,’ uye zvichashanduka zvikava ropa. Ropa richava pose pose muIjipiti, kunyange mukati memidziyo yemiti neyamabwe.” Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, mvura yose ikashanduka ikava ropa. Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti.
Ekisodho 7:19-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akatiwo kuna Mosesi, “Uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose,’ zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeIjipiti, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe.” Mosesi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa. Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaIjipiti vakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikavapo panyika yose yeIjipiti.
Ekisodho 7:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akatiwo kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uitambanudzire pamusoro pemvura yose yeIjipiti, pamusoro penzizi dzavo nemigero yavo namadhamu avo namadziva avo ose isanduke ive ropa. Richava ropa chete munyika yose yeIjipiti, mumidziyo yakavezwa nomumidziyo yamabwe.’ ” Mosesi naAroni vakaita zvakanga zvataurwa naTenzi. Aroni akasimudza tsvimbo iya akarova mvura yomuna Nairi Farao namachinda ake vachiona, mvura yose yomurwizi ikasanduka ikava ropa. Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, Nairi rukava gutukutu kunhuhwa vaIjipiti vakatadza kunwa mvura yacho. Munyika yose yeIjipiti rakanga rangove ropa chete.
Ekisodho 7:19-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akati ʋo kunaMosesi: Uti kunaAroni: Tora tȿimbo yako, utambanudzire ruʋoko rwako pamsoro pemvura yaʋaEgipita, pamsoro penzizi dzaʋo, napamsoro pehoʋa dzaʋo, napamsoro pamadziʋa aʋo, napamsoro pamakaŋgwa aʋo ose, ɀishanduke ropa; riʋe’po panyika yose yeEgipita, mumidziyo yose yamatanda nemidziyo yamabge. Mosesi naAroni ʋakaita seɀaʋakarairwa naJehova, ʋakasimudza tȿimbo, ʋakaroʋa mvura yakaŋga iri murwizi pamberi paFarao napamberi paʋaranda ʋake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa. Hoʋe dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, ʋaEgipita ʋakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikaʋa’po panyika yose yeEgipita.
Ekisodho 7:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)