Ekisodho 40:34-38
Ekisodho 40:34-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo gore rakafukidza Tende Rokusangana, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri. Mozisi haana kugona kupinda muTende Rokusangana nokuti gore rakanga ragara pariri, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri. Mukufamba kwose kwavaIsraeri, pose paisimuka gore kubva pamusoro petabhenakeri, ivo vaisimuka vachienda; asi kana gore risina kubva, vakanga vasingafambi, kusvikira pazuva rarinosimuka. Saka gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati; uye moto wakanga uri mugore usiku, pamberi peimba yose yaIsraeri panguva yokufamba kwavo kwose.
Ekisodho 40:34-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri. Mosesi akasagona kupinda mutende rokusangana, nokuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri. Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana vaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose. Asi kana gore risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvikira musi warinozokwidzwa. Nokuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose.
Ekisodho 40:34-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo gore rakakwidibira tendhe rokusanganira, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukazadza tendhe rinoera. Mosesi haana kukwanisa kupinda mutendhe rokusanganira pamusana pegore rakanga rakati kwidiba pariri uyewo nokupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwakazadza tendhe rinoera. Murwendo rwavo rwose, vaIsiraeri vaiti kana gore rasimuka, rabviswa patendhe rinoera, vaibva vasimudzirawo rwendo rwavo. Asi kana gore iroro rainge risina kubviswapo, havaizosimudzira rwendo rwavo kusvikira zuva rarainge rabviswapo, nokuti vaIsiraeri vose murwendo rwavo irworwo rwose vaiona gore raTenzi rainge riri pamusoro petendhe rinoera masikati, usikuwo painge paine moto.
Ekisodho 40:34-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo gore rakafukidza tente rokusoŋgana, kubginya kwaJehova kukazadza tabernakeri. Mosesi akasagona kupinda mutente rokusoŋgana, nokuti gore rakaramba rigere pamsoro paro ʋuye kubginya kwaJehova kwakaŋga kwazadza tabernakeri. Ɀino kana gore rokwidzwa ricibva pamsoro petabernakeri, ʋana ʋaIsraeri ʋakapfuʋura ʋacifamba nzendo dzaʋo dzose. Asi kana gore risina‐kukwidzwa, haʋana‐kufamba, kuȿikira musi warinozokwidzwa. Nokuti gore raJehova rakaŋga riri pamsoro petabernakeri masikati, nomŋoto waiʋa mariri ʋusiku, pamberi paʋose ʋeimba yaIsraeri panzendo dzaʋo dzose.
Ekisodho 40:34-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)