Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 40:1-38

Ekisodho 40:1-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Dzika tabhenakeri, Tende Rokusangana, pazuva rokutanga romwedzi wokutanga. Uise areka yeChipupuriro mairi uye ugofukidza areka nechidzitiro. Upinze tafura ugoisa zvinhu zvayo pairi. Ipapo ugopinza chigadziko chomwenje ugomisa mwenje yacho. Uise aritari yezvinonhuhwira yegoridhe pamberi peareka yechipupuriro uye ugoisa chidzitiro pamukova wokupinda mutabhenakeri. “Uise aritari yezvipiriso zvinopiswa pamberi pomukova wokupinda kutabhenakeri, Tende Rokusangana; uise dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari ugoisa mvura mariri. Ugadzire ruvazhe rwakaipoteredza uye ugoisa chidzitiro pamukova woruvazhe. “Utore mafuta okuzodza ugozodza tabhenakeri nezvinhu zvose zvirimo; uinatse nemidziyo yayo yose, uye ichava tsvene. Ipapo ugozodza aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo yose; unatse aritari, uye ichava tsvene-tsvene. Uzodze dhishi nechigadziko charo ugozvinatsa. “Uuye naAroni navanakomana vake kumukova weTende Rokusangana ugovashambidza nemvura. Ipapo ugopfekedza Aroni nguo tsvene, umuzodze uye ugomunatsa kuti agondishumira somuprista. Uuyise vanakomana vake ugovapfekedza majasi. Uvazodze sokuzodza kwawaita baba vavo, kuti vagondishumira savaprista. Kuzodzwa kwavo kuchava kwouprista hucharamba huripo kuzvizvarwa zvinotevera.” Mozisi akaita zvose sezvaakarayirwa naJehovha. Saka tabhenakeri yakamiswa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga mugore rechipiri. Mozisi akati amisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko panzvimbo yazvo, akadzika mapuranga, akapinza mbariro uye akamisa matanda. Ipapo akatambanudza tende akariisa pamusoro petabhenakeri ndokuisa chifukidzo pamusoro petende, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Akatora Chipupuriro akachiisa muareka, akabatanidza mapango paareka uye akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro payo. Ipapo akauyisa areka mutabhenakeri ndokuturika chidzitiro chokufukidzira akafukidza areka yeChipupuriro, sokurayira kwakaita Jehovha. Mozisi akaisa tafura muTende Rokusangana nechokurutivi rwokumusoro kwetabhenakeri kunze kwechidzitiro uye akaisa chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Akaisa chigadziko chomwenje muTende Rokusangana chakatarisana netafura nechokurutivi rwezasi rwetabhenakeri uye akamisa mwenje pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Mozisi akaisa aritari yegoridhe muTende Rokusangana pamberi pechidzitiro, uye akapisa zvinonhuhwira pairi, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Ipapo akaisa chidzitiro pamukova wetabhenakeri. Akamisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pedyo nomukova wetabhenakeri, Tende Rokusangana, akapa pairi zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Akaisa dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari uye akaisa mvura yokushamba mariri, uye Mozisi naAroni navanakomana vake vakaishandisa kushamba maoko avo netsoka dzavo. Vaishamba pose pavaipinda muTende Rokusangana kana kuswedera paaritari, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha. Ipapo Mozisi akaita ruvazhe rwakapoteredza tabhenakeri nearitari uye akaturika chidzitiro pamukova wokupinda muruvazhe. Nokudaro Mozisi akapedza basa. Ipapo gore rakafukidza Tende Rokusangana, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri. Mozisi haana kugona kupinda muTende Rokusangana nokuti gore rakanga ragara pariri, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri. Mukufamba kwose kwavaIsraeri, pose paisimuka gore kubva pamusoro petabhenakeri, ivo vaisimuka vachienda; asi kana gore risina kubva, vakanga vasingafambi, kusvikira pazuva rarinosimuka. Saka gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati; uye moto wakanga uri mugore usiku, pamberi peimba yose yaIsraeri panguva yokufamba kwavo kwose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 40

Ekisodho 40:1-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Nomusi wokutanga womwedzi unofanira kumisa tabhenakeri netende rokusangana. Unofanira kuisa mukati mayo areka yechipupuriro, nokudzitira areka nechidzitiro. Upinzewo tafura, nokugadzira zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo; upinzewo chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho. Uisewo atari yendarama yezvinonhuwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chidzitiro chomukova wetabhenakeri. Zvino uisewo atari yezvibayiro zvinopiswa pamberi pomukova wetabhenakeri yetende rokusangana. Uisewo mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana neatari, ugodira mvura mukati mawo. Zvino ugadzirewo ruvanze nokurembedza chidzitiro chesuo roruvanze. “Utorewo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabhenakeri nawo, nezvose zviri mukati mayo; ugoitsaura, iyo nezvose zvirimo, kuti chive chinhu chitsvene. Uzodzewo atari nezvibayiro zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure atari, atari chive chinhu chitsvene-tsvene. Uzodzewo mudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, uutsaure. “Zvino uswededze Aroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura. Ipapo ufukidze Aroni nguo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa roupristi. Usededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguo. Uvazodze, sezvawazodza baba vavo, kuti vandishumire pabasa roupristi; kuzodzwa kwavo kunofanira kuva kwavari upristi nokusingaperi, kusvikira kumarudzi avo ose.” Mosesi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo. Tabhenakeri ikamiswa nomwedzi wokutanga wegore rechipiri nomusi wokutanga womwedzi. Mosesi akamisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo. Akawarira tende pamusoro petabhenakeri, akaisa chifukidzo chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Akatora chipupuriro, akachiisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka; akapinza areka mutabhenakeri, akarembedza chidzitiro chokudzitira nacho, akadzitira areka yechipupuriro; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Akaisa tafura mutende rokusangana, kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro, kunze kwechidzitiro. Akagadzirawo chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Akaisa chigadziko chemwenje mutende rokusangana, chakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri nechenyasi. Akatungidza mwenje pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Akaisa atari yendarama mutende rokusangana pamberi pechidzitiro; akapisirapo zvinonhuwira zvemiti yakanaka, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Akagadzira zvirembedzwa zvomukova wetabhenakeri. Akaisa atari yezvipiriso zvinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rokusangana, akapisira pamusoro payo chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana neatari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo. Ipapo Mosesi naAroni navanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavopo; pakupinda kwavo mutende rokusangana, napakuswedera kwavo kuatari, vaishamba, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Akagadzirawo ruvanze rwaipoteredza tabhenakeri neatari, akarembedza chidzitiro chesuo roruvanze. Naizvozvo Mosesi akapedza basa rose. Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri. Mosesi akasagona kupinda mutende rokusangana, nokuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri. Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana vaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose. Asi kana gore risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvikira musi warinozokwidzwa. Nokuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 40

Ekisodho 40:1-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kuna Mosesi, “Pazuva rokutanga romwedzi wokutanga, unofanira kumisa tendhe rinoera rokusanganira, uise bhokisi rechitenderano mutendhe imomo; uisewo jira rechidzikatiro rokudzikatidza bhokisi rechitenderano. Unofanira kuuya neteburu iya mutendhe imomo, urongedze pairi midziyo yayo. Uunzewo chigadzikiro chomwenje uise marambi acho pachiri. Unouyawo neatari yendarama yokupisira rusenzi uiise pakatarisana nebhokisi rechitenderano, uise jira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera. Unofanira kuisa atari yokupisira zvibayiro kumusuo, mutendhe rinoera rokusanganira; ugadzike dhishi rokushambira pakati petendhe rinoera neatari inopisirwa zvibayiro uriise mvura. Unozomisa machira okudzikatirisa ukomberedze nhandare yose yetendhe rinoera, uturike machira okudzikatirisa pasuo guru rokupinda munhandare. “Ndopaunozotora mafuta okuzodza wozodza tendhe rinoera nezvose zvirimo, uriteketerere kwandiri pamwechete nemidziyo yaro yose, richabva rava chinhu chinoera. Unofanirawo kuzodza atari yemipiro yokupisa nemidziyo yayo uriteketerere kwandiri. Atari iyoyo ichabva yave inoeresesa kwazvo, uzodzewo dhishi rokushambira nechigadzikiro charo, uriteketerere kwandiri. “Unofanira kuzouya naAroni navana vake vakomana kumusuo wetendhe rokusanganira uvati vashambe nemvura, wobva wapfekedza Aroni hanzu dzinoera, umuzodze mafuta aye, umuteketerere kwandiri kuti andishandire basa roupristi. Vanakomanawo vake uuye navo, uvapfekedze hanzu dzinenge dzoda kusvika mumabvi, uvazodzewo sokuzodza kwaunenge waita baba vavo, kuti vandiitire basa roupristi. Nokuzodzwa ikoku vachava vapristi nokusingaperi pazvizvarwa zvavo zvose.” Ndozvakazoitwa naMosesi, akaita zvose naimomo chaimo maakanga audzwa naTenzi. Naizvozvo pazuva rokutanga, romwedzi wokutanga, wegore rechipiri rokubuda kwevaIsiraeri muIjipiti, tendhe rinoera rakamiswa. Mosesi akamisa tendhe rinoera, akaronga zvigadzikiro zvaro, akamisa mapango aro akavezwa, akaisawo mbariro dzaro, akamisa mbiru dzaro. Akawarira tendhe padenga retendhe rinoera, akazoisawo tendhe rokufukidza pamusoro paro sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Mosesi akatora mafendefa amabwe echitenderano aye akaaisa mubhokisi rechitenderano. Akapfekera mapango okutakurisa bhokisi iroro ndokuripfiga nehwidibiro yaro. Akaunza bhokisi iri mutendhe rinoera ndokuturika jira rechidzikatiro rikadzikatidza bhokisi rechitenderano, sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Mosesi akaisa teburu mutendhe rokusanganira kuchamhembe kwetendhe rinoera, nechekunze kwejira rechidzikatiro. Akarongawo chingwa pana Tenzi sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Mosesi akaisa chigadzikiro chomwenje mutendhe rokusanganira, chakatarisana neteburu iye kumaodzanyemba, mutendhe rinoera. Akagadzikira marambi acho pana Tenzi sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Mosesi akaisa atari yendarama mutendhe rinoera nechepamberi pejira rechidzikatiro, ndokupisa rusenzi runonhuhwira pairi sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Akaturika jira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera. Akaisa atari yokupisira mipiro yokupisa kumusuo kwetendhe rinoera rokusanganira, akapira pairi mupiro wokupisa akapirawo upfu hwomupiro wembesanwa, sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Mosesi akagadzika dhishi rokushambira pakati petendhe rokusanganira neatari, akariisa mvura yokushamba yokuti iye Mosesi kwouya Aroni navanakomana vake vapote vachishamba maoko namakumbo avo, pakupinda mutendhe rokusanganira napakuenda paatari, vaishamba sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Mosesi akamisa machira aye okudzikatirisa akakomberedza nhandare yetendhe rinoera, neatari ndokumisawo machira okusuo guru rokupinda munhandare. Naizvozvo Mosesi akapedza kuita basa iroro rose. Ipapo gore rakakwidibira tendhe rokusanganira, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukazadza tendhe rinoera. Mosesi haana kukwanisa kupinda mutendhe rokusanganira pamusana pegore rakanga rakati kwidiba pariri uyewo nokupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwakazadza tendhe rinoera. Murwendo rwavo rwose, vaIsiraeri vaiti kana gore rasimuka, rabviswa patendhe rinoera, vaibva vasimudzirawo rwendo rwavo. Asi kana gore iroro rainge risina kubviswapo, havaizosimudzira rwendo rwavo kusvikira zuva rarainge rabviswapo, nokuti vaIsiraeri vose murwendo rwavo irworwo rwose vaiona gore raTenzi rainge riri pamusoro petendhe rinoera masikati, usikuwo painge paine moto.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 40

Ekisodho 40:1-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Nomusi wokutaŋga womŋedzi unofanira kumisa tabernakeri netente rokusoŋgana. Unofanira kuisa mukati mayo areka yecipupuriro, nokudzitira areka necidzitiro Upinze ʋo tafura, nokugadzira ɀinhu ɀinofanira kuʋa pamsoro payo; upinze ʋo cigadziko cemŋenje, ugotuŋgidza mŋenje yaco. Uise ʋo artari yendarama yeɀinonhuwira pamberi peareka yecipupuriro, ugoisa cidzitiro comukoʋa wetabernakeri. Ɀino uise ʋo artari yeɀiɓayiro ɀinopiswa pamberi pomukoʋa wetabernakeri yetente rokusoŋgana. Uise ʋo mudziyo wokushambidzira pakati petente rokusoŋgana neartari, ugoɗira mvura mukati mawo. Ɀino ugadzire ʋo ruʋazhe nokurembedza cidzitiro cesuʋo roruʋazhe. Utore ʋo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabernakeri nawo, neɀose ɀiri mukati mayo; ugoitsaura, iyo neɀose ɀiri’mo, kuti ciʋe cinhu citȿene. Uzodze ʋo artari neɀiɓayiro ɀinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure artari, artari ciʋe cinhu citȿene‐tȿene. Uzodze ʋo mudziyo wokushambidzira necigadziko cawo, uutsaure. Ɀino usweɗedze Aroni naʋanakomana ʋake kumukoʋa wetente rokusoŋgana, ugoʋashambidza nemvura. Ipapo ufukidze Aroni ŋguʋo tȿene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire paɓasa roʋuprista. Usweɗedze ʋo ʋanakomana ʋake, ugoʋafukidza ŋguʋo. Uʋazodze, seɀawazodza ɓaɓa ʋaʋo, kuti ʋandishumire paɓasa roʋuprista; kuzodzwa kwaʋo kunofanira kuʋa kwaʋari ʋuprista nokusiŋgaperi, kuȿikira kumarudzi aʋo ose. Mosesi akaita saiɀoɀo; ɀose ɀaakaŋga arairwa naJehova, wakaɀiita saiɀoɀo. Tabernakeri ikamiswa nomŋedzi wokutaŋga wegore recipiri nomusi wokutaŋga womŋedzi. Mosesi akamisa tabernakeri, akaisa ɀigadziko ɀayo, akamisa mapuraŋga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo. Akawarira tente pamsoro petabernakeri, akaisa cifukidzo cetente pamsoro payo, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Akatora cipupuriro, akaciisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa cifunhiro cokuyananisa pamsoro peareka; akapinza areka mutabernakeri, akarembedza cidzitiro cokudzitira naco, akadzitira areka yecipupuriro; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Akaisa tafura mutente rokusoŋgana, kurutiʋi rwetabernakeri necokumsoro, kunze kwecidzitiro. Akagadzira ʋo ciŋgwa pamsoro payo pamberi paJehova, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Akaisa cigadziko cemŋenje mutente rokusoŋgana, cakatarisana netafura, kurutiʋi rwetabernakeri necenyasi. Akatuŋgidza mŋenje pamberi paJehova, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Akaisa artari yendarama mutente rokusoŋgana pamberi pecidzitiro; akapisira’po ɀinonhuwira ɀemiti yakanaka, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Akagadzira ɀirembedzwa ɀomukoʋa wetabernakeri. Akaisa artari yeɀipiriso ɀinopiswa pamukoʋa wetabernakeri yetente rokusoŋgana, akapisira pamsoro payo cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petente rokusoŋgana neartari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo. Ipapo Mosesi naAroni naʋanakomana ʋake ʋakashamba maʋoko aʋo netsoka dzaʋo’po; pakupinda kwaʋo mutente rokusoŋgana, napakusweɗera kwaʋo kuartari, ʋaishamba, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Akagadzira ʋo ruʋazhe rwaipotedza tabernakeri neartari, akarembedza cidzitiro cesuʋo roruʋazhe. Naiɀoɀo Mosesi akapedza ɓasa rose. Ipapo gore rakafukidza tente rokusoŋgana, kubginya kwaJehova kukazadza tabernakeri. Mosesi akasagona kupinda mutente rokusoŋgana, nokuti gore rakaramba rigere pamsoro paro ʋuye kubginya kwaJehova kwakaŋga kwazadza tabernakeri. Ɀino kana gore rokwidzwa ricibva pamsoro petabernakeri, ʋana ʋaIsraeri ʋakapfuʋura ʋacifamba nzendo dzaʋo dzose. Asi kana gore risina‐kukwidzwa, haʋana‐kufamba, kuȿikira musi warinozokwidzwa. Nokuti gore raJehova rakaŋga riri pamsoro petabernakeri masikati, nomŋoto waiʋa mariri ʋusiku, pamberi paʋose ʋeimba yaIsraeri panzendo dzaʋo dzose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 40

Ekisodho 40:1-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)