Ekisodho 38:22-23
Ekisodho 38:22-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, wakaita zvose zvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha, anaOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, muvezi nomubati wakachenjera, nomusoni wezvakarukwa zvitema, nezvishava, zvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.
Ekisodho 38:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Bhezarieri, mwanakomana waUri, muzukuru waHuri wedzinza rokwaJudha, akagadzira zvose zvakanga zvarehwa naTenzi kuna Mosesi aina Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki wedzinza rokwaDhani. Ohoriabhu aiva nyanzvi yokunyora pasimbi napazvivezwa, aiziva kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzoitwa. Aigona kurukirira machira erineni newuru yoruvara rwedenga neyoruvara rwehute netsvuku.
Ekisodho 38:22-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, akagadzira zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha; aiva naDhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, mhizha nomusoni, uye musoni wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku nomucheka wakaisvonaka.
Ekisodho 38:22-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, wakaita zvose zvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha, anaOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, muvezi nomubati wakachenjera, nomusoni wezvakarukwa zvitema, nezvishava, zvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.
Ekisodho 38:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Bhezarieri, mwanakomana waUri, muzukuru waHuri wedzinza rokwaJudha, akagadzira zvose zvakanga zvarehwa naTenzi kuna Mosesi aina Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki wedzinza rokwaDhani. Ohoriabhu aiva nyanzvi yokunyora pasimbi napazvivezwa, aiziva kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzoitwa. Aigona kurukirira machira erineni newuru yoruvara rwedenga neyoruvara rwehute netsvuku.
Ekisodho 38:22-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Bezareri, mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, worudzi rwaJuda, wakaita ɀose ɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova, anaOhoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani, muʋezi nomuɓati wakacenjera, nomusoni weɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka.