Kubuda 38
38
Kugadzira atari yokupisira mipiro
(Kub 27:1–8)
1Akaveza mapango omuunga akagadzira atari. Kureba kwayo kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo hwaiva mamita mazana maviri ana masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kwakanga kuchiita mita imwechete, ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari akanga akaenzana. 2Akaveza zvainge nyanga zvina zvapamusoro pamakona mana eatari, zvakanga zvakavezwa zvakabatana neatari yacho. Akanamirira atari iyoyo noutare hwendarira. 3Akagadzirawo midziyo yose yokushandisa paatari inoti: migomo yokubvisira dota namafoshoro nembenge namaforogo okubayisa nyama namagwati okutapisa moto nemimwe midziyo yayo yose. Midziyo iyoyi yose yakagadzirwa nendarira. 4Akagadzirira atari sefa yendarira yakaita somumbure. Akaisa sefa yacho pazasi pomupendero wapamusoro peatari, ichirembera kusvika pakati. 5Akagadzirawo maringi mana endarira akaaisa pamakona mana esefa iyoyo yendarira mokupfekera mapango okutakurisa atari. 6Akaveza mapango omuunga akaanamirira nendarira. 7Akapfekera mapango iwayo mumaringi apamativi maviri eatari okuwana matakuriro. Akaigadzira namapuranga iine zimhango risina chinhu.
Kugadzira dhishi rendarira rokushambira
(Kub 30:18)
8Akagadzira dhishi rendarira rokushambira rine chigadzikiro charo chendarira yaibva kuzviringiriro zvavakadzi vaishanda kusuo guru retendhe rinoera.
Tendhe rinoera
(Kub 27:9–19)
9Akagadzira nhandare: machira okuikomberedza nawo okuchamhembe erineni akanakisisa aiva noupamhi hunoita mamita makumi mana ana mamita mana. Iwayo aiita mamita makumi mana ana mana. 10Akaita mapango awo makumi maviri nezvigadzikiro zvawo zvendarira makumiwo maviri. Asi zvipikiri nembariro dzokupfekera machira iwayo zvakanga zviri zvesirivha. 11Kuchamhembe, kwaiva nourefu hwaiita mamita makumi mana ana mamita mana, akaita mapango awo makumi maviri, nezvigadzikiro zvawo zvendarira makumiwo maviri. Asi zvipikiri nembariro dzokupfekera machira iwayo zvakanga zviri zvesirivha. 12Kumadokero, kwaiva namachira ane upamhi hunoita mamita makumi maviri ana mamita maviri, namapango awo gumi ane zvigadzikiro zvawo gumi; mbariro nezvipikiri zvawo zvaiva zvesirivha. 13Kumusuo wayo, kumabvazuva kwaiva neane mamita makumi maviri ana mamita maviri. 14Machira okudzikatirisa edivi rimwechete rokusuo guru aiva mamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu namapango awo matatu nezvigadzikiro zvawo zvitatu, 15rimwewo divi raikoko raivawo namachira akanga aina mamita matanhatu ana masendimita matanhatu nemapango awo matatu nezvigadzikiro zvawo zvitatu. 16Machira ose okudzikatirisa aikomberedza nhandare yacho akanga akagadzirwa namachira erineni akanakisisa. 17Zvigadzikiro zvemapango zvaiva zvendarira. Asi zvipikiri zvemapango nembariro dzawo zvaiva zvesirivha, pamusoro pawo pakaputirwawo nesirivha. Mapango ose omunhandare yaro akanga akabatanidzwa nembariro dzesirivha. 18Jira rokudzikatirisa pasuo rokupinda muruvanze macho rakanga rakarukwa namachira erineni akanakisisa. Rakanga rakarukirirwa richishongedzwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku urefu hwaro huchiita mamita mapfumbamwe, kureba kwaro mudenga kuchiita mamita maviri sezvakangoita machira okudzikatirisa enhandare iyoyo. 19Mapango awo akanga ari mana, aine zvigadzikirowo zvawo zvendarira zvina. Zvipikiri zvawo zvaivawo zvesirivha, zvapamusoro dzawo nembariro dzawo zviri zvesirivha. 20Hoko dzose dzetendhe rinoera nedzenhandare yakanga yakaripoteredza dzaiva dzendarira.
Simbi dzaishandiswa mutendhe rinoera
21Zviri pano apa ndizvo zvose zvakashandiswa mutendhe rinoera, tendhe rechitenderano, sokuverengwa kwazvakaitwa zvichitungamirirwa naItamaru, mwanakomana womupristi Aroni, sokuudzwa kwaakanga aitwa naMosesi.
22Bhezarieri, mwanakomana waUri, muzukuru waHuri wedzinza rokwaJudha, akagadzira zvose zvakanga zvarehwa naTenzi kuna Mosesi 23aina Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki wedzinza rokwaDhani. Ohoriabhu aiva nyanzvi yokunyora pasimbi napazvivezwa, aiziva kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzoitwa. Aigona kurukirira machira erineni newuru yoruvara rwedenga neyoruvara rwehute netsvuku.
24Ndarama yose yakashandiswa pabasa rokuvaka Nzvimbo Inoera yakanga yapirwa kuna Mwari, yairema chiuru chamakirogiramu maererano neshekeri romuNzvimbo Inoera. 25Sirivha yakaunzwa negungano ravanhu vakanga vaverengwa yairema zviuru zvitatu zvamakirogiramu zvina mazana mana ana makumi matatu amakirogiramu ari pamwero wemari yeshekeri yomuNzvimbo Inoera, 26bheka pamunhu, zvichireva hafu yeshekeri romuNzvimbo Inoera pamunhu mumwe nomumwe akanga averengwa pakuverenga vanhu ikoku, kubvira kuna vaiva namakumi maviri amakore zvichikwira. Yaiva yavarume mazana matanhatu ezviuru ane zviuru zvitatu namazana mashanu ane makumi mashanu avanhu. 27Pasirivha iyoyo, makirogiramu akagadziriswa zvigadzikiro zvamapango eNzvimbo Inoera, needzejira rechidzikatiro, zviuru zvitatu namazana mana. 28Pamakirogiramu makumi matatu esirivha akasara, Bhezarieri akaagadzirisa zvipikiri zvamapango nokunamirira misoro yamapango dzokushandisa pambariro. 29Ndarira yomupiro wokuvheyeswa yairema makirogiramu zviuru zviviri zvine mazana mana ana makumi maviri amakirogiramu namakirogiramu mashanu. 30Ndiwo aakatora akagadzira zvigadzikiro zvamapango dzapamusuo wetendhe rokusanganira, akagadzirawo nawo atari yendarira nesefa yayo yendarirawo nemidziyo yose yeatari iyoyo; 31kwouyawo zvigadzikiro zvaitenderedza nhandare yose, nezvigadzikiro zvapasuo guru raro nehoko dzose dzetendhe rinoera, nedzamachira okudzikatirisa aikomberedza nhandare yaro yose.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 38: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.