Ekisodho 37:1-2
Ekisodho 37:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Bhezareri akaita areka yamatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri nehafu, kubhiti rimwe nehafu paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira. Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza.
Ekisodho 37:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Bhezareri akaita areka yamatanda omuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu; akaifukidza nendarama yakaisvonaka nechomukati nechokunze, akaita pamusoro payo hata yendarama yakaipoteredza.
Ekisodho 37:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Bhezarieri akatora mapango omuunga akagadzira bhokisi rechitenderano. Rakanga riri zana ramasendimita rina masendimita gumi kureba, hwasha hwaro huchiita makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu, udzami hwaro huchiitawo makumi matanhatu amasendimita ana masendimita matanhatu. Rakanamirirwa nendarama chaiyo yakanakisisa mukati nokunze ndokuriitira mukombero wendarama kumusoro kwaro.
Ekisodho 37:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Bezareri akaita areka yamatanda omuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri nehafu, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe nehafu, nokukwirira kwayo kubiti rimŋe nehafu; akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka necomukati necokunze, akaita pamsoro payo hata yendarama yakaipotedza.
Ekisodho 37:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)