Eksodo 37
37
Areka, netafura, nemŋenje, neartari yeɀinonhuwira.
1Ɀino Bezareri akaita areka yamatanda omuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri nehafu, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe nehafu, nokukwirira kwayo kubiti rimŋe nehafu; 2akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka necomukati necokunze, akaita pamsoro payo hata yendarama yakaipotedza. 3Akaiʋumbira ɀindori ɀinna ɀendarama, akaɀiisa pamakumbo ayo manna; ɀindori ɀiʋiri ɀaiʋa parutiʋi rumŋe, neɀindori ɀiʋiri panorumŋe rutiʋi ɀe. 4Akaʋeza matanda omuakasia, akaafukidza nendarama, 5akapinza matanda iwayo muɀindori ɀaiʋa panhiʋi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo. 6Akaita ʋo cifunhiro cokuyananisa nendarama yakaiȿo‐naka; kureɓa kwaco kwaiʋa makubiti maʋiri nehafu, noʋupamhi bgaco kubiti rimŋe nehafu; 7akaita makerubi maʋiri endarama, akaaita nendarama yakapambadzirwa pamiromo miʋiri yecifunhiro cokuyananisa, 8kerubi rimŋe pamuromo mumŋe, nerimŋe kerubi panomumŋe muromo; akaita makerubi pamiromo yaco miʋiri, ɀikaʋa cinhu cimŋe cete necifunhiro cokuyananisa. 9Makerubi akaŋga akatambanudzira mapapiro awo kumsoro, akafukidza cifunhiro cokuyananisa namapapiro awo, ɀiso ɀawo ɀakatarisana; ɀiso ɀamakerubi ɀakaŋga ɀakatarira kucifunhiro cokuyananisa.
10Akaita ʋo tafura yamatanda omuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe, nokukwirira kwayo kubiti rimŋe nehafu. 11Akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka, akaiitira ʋo hata yendarama yakaŋga iciipotedza; 12akaiitira ʋo ʋukomba bgakaŋga ʋuciipotedza, ʋupamhi bgabgo secanza; akaiitira ʋo hata yendarama yaipotedza ʋukomba bgayo. 13Akaiitira ɀindori ɀinna ɀendarama, akaisa ɀindori pamakona manna aiʋa pamakumbo ayo manna. 14Ɀindori ɀaiʋa pedyo noʋukomba, paiʋa pokutakura tafura napo namatanda. 15Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarama, kuti tafura itakurwe nawo. 16Akaita ʋo midziyo yaigara pamsoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, neɀiroŋgo ɀayo ɀokuɗira naɀo, ɀose ɀendarama yakaiȿo‐naka.
17Akaita ʋo cigadziko cemŋenje cendarama yakaiȿo‐naka; akaita cigadziko nendarama yakapambadzirwa, cigadziko caco, nehunde yaco, notumbiya twaco, namafundo aco, namaruʋa aco; ɀose ɀikaʋa cinhu cimŋe cete naco; 18kumatiʋi aco kukaɓuɗa mataʋi matanhatu, mataʋi matatu ecigadziko kunorumŋe rutiʋi rwaco, namataʋi matatu ecigadziko kunorumŋe rutiʋi rwaco. 19Tumbiya tutatu twakaʋumbga samaruʋa omuamanda paɗaʋi rimŋe, nefundo neruʋa, notumbiya tutatu ɀe twakaʋumbga samaruʋa omuamanda panerimŋe ɗaʋi, nefundo neruʋa; saiɀoɀo mataʋi matanhatu akaɓuɗa pacigadziko. 20Ʋuye pacigadziko pakaŋga panotumbiya tunna twakaŋga twakaʋumbga samaruʋa omuamanda, namafundo atwo, namaruʋa atwo; 21nefundo panyasi pamataʋi maʋiri akaŋga akaʋumbga pamŋe cete naco; nefundo ɀe panyasi pamataʋi maʋiri akaʋumbga pamŋe cete naco, akafanana namataʋi matanhatu akaɓuɗa pacigadziko. 22Mafundo aɀo namataʋi aɀo akaŋga akaʋumbga pamŋe cete naɀo, ɀose ɀikaʋa cinhu cimŋe cakaŋga cakaʋumbga nendarama yakaiȿo‐naka, yakapambadzirwa. 23Akaita mŋenje yaco minomŋe, nembato dzaco, nendiro dzaco, ɀose nendarama yakaiȿo‐naka. 24Akaciʋumba netarenta rendarama#37:24 Mari ineŋge £5460. yakaiȿo‐naka, pamŋe cete nemidziyo yayo yose.
25Akaita ʋo artari yeɀinonhuwira nomuakasia; kureɓa kwayo kwakaŋga kuri kubiti rimŋe, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe ɀe; nhiʋi dzose inna dzakaŋga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri, nenyaŋga dzayo dzakaŋga dziri cinhu cimŋe cete nayo. 26Akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka, kumsoro kwayo, nenhiʋi dzayo dzose, nenyaŋga dzayo; akaiitira ʋo hata yendarama yakaŋga yakaipotedza. 27Akaiitira ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri, panhiʋi dzayo mbiri, pakaʋa pokuitakura napo namatanda. 28Akaita ʋo matanda omuakasia, akaafukidza nendarama. 29Akaita ʋo mafuta matȿene okuzodza nawo, neɀinonhuwira ɀakaiȿo‐naka ɀemiti inonaka, ɀikaʋa ɀakaveŋganiswa noʋucenjeri bgomuveŋganisi weɀinonhuwira.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 37: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018