Ekisodho 36:1-5
Ekisodho 36:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Saka Bhezareri, Ohoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi apiwa unyanzvi naJehovha uye kugona kuziva maitirwo ebasa rokuvaka imba tsvene ngavaite basa sezvakarayirwa naJehovha.” Ipapo Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi uyo akapiwa kugona naJehovha uye akanga achida hake kuuya kuzoshanda basa. Vakagamuchira kubva kuna Mozisi zvipo zvose zvakanga zvauya navaIsraeri kuti zvishandiswe pabasa rokuvaka imba tsvene. Uye vanhu vakaramba vachiuyisa zvipo zvokupa nokuzvisarudzira mangwanani oga oga. Saka varume vose voumhizha vakanga vachiita basa rose rapaimba tsvene vakasiya basa ravo vakati kuna Mozisi, “Vanhu vari kuuya nezvakawandisa zvokuitisa basa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.”
Ekisodho 36:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino Bhezareri naOhoriabhu vanofanira kubata basa pamwechete navarume vose vane mwoyo yakangwara, vakapiwa naJehovha kuchenjera nokunzwisisa kuti vazive kubata mabasa ose okushuma panzvimbo tsvene, zvose zvakarairwa naJehovha.” Zvino Mosesi akadana Bhezareri naOhoriabhu, navarume vose vaiva nemwoyo yakangwara, vakapiwa kuchenjera mumwoyo yavo naJehovha, vose vakanga vamutswa nemwoyo yavo, kuti vauye kuzobata basa; vakapiwa naMosesi zvipo zvose zvakanga zvauyiswa navana vaIsiraeri, zvokubatisa nazvo basa rokushuma panzvimbo tsvene. Asi ivo vakaramba vachiuya nemwoyo yavo kwaari mangwanani ose nezvipo zvavo. Zvino varume vose vakachenjera, vakanga vachibata mabasa ose enzvimbo tsvene, vakabva mumwe nomumwe pabasa rake raakanga achiita, vakataura naMosesi, vachiti, “Vanhu vanouya nezvakawandisa kupfuura zvinokwana kuita basa rakarairwa naJehovha kuti riitwe.”
Ekisodho 36:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Bhezarieri naOhoriabhu vanofanira kushanda navose vakapiwa naTenzi ruzivo noungwaru hwokuita mabasa ose okuvaka Nzvimbo Inoera, sezvakanzi naTenzi zviitwe.” Mosesi akadaidza Bhezarieri naOhoriabhu nenyanzvi dzose dzakanga dzapiwa njere naTenzi dzaivawo nechido chokubatsira pabasa, kuti vazoita basa. Vakagamuchira zvipo zvose izvozvo kuna Mosesi zvakanga zvaunzwa navaIsiraeri kuzoitisa basa romuNzvimbo Inoera. Izvozvo vaIsiraeri vainge vachingofumouya nazvo. Nokudaro nyanzvi dzamabasa akasiyana-siyana dzakauya kubasa romuNzvimbo Inoera dzichibva kumabasa adzo akare. Nyanzvi idzodzi dzakazotaurira Mosesi kuti, “Vanhu vari kungoramba vachiunza zvipo zvebasa rakanzi naTenzi riitwe, asi zvipo zvacho zvawandisa.”
Ekisodho 36:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Bezareri naOhoriabi ʋanofanira kuɓate‐ɓasa pamŋe cete naʋarume ʋose ʋanemŋoyo yakaŋgwara, ʋakapiwa naJehova kucenjera nokunzwisisa kuti ʋaziʋe kuɓata maɓasa ose okushuma panɀimbo tȿene, ɀose ɀakarairwa naJehova. Ɀino Mosesi akaɗana Bezareri naOhoriabi, naʋarume ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋgwara, ʋakapiwa kucenjera mumŋoyo yaʋo naJehova, ʋose ʋakaŋga ʋamutswa nemŋoyo yaʋo, kuti ʋaʋuye kuzoɓate‐ɓasa; ʋakapiwa naMosesi ɀipo ɀose ɀakaŋga ɀaʋuyiswa naʋana ʋaIsraeri, ɀokuɓatisa naɀo ɓasa rokushuma panɀimbo tȿene. Asi iʋo ʋakaramba ʋaciʋuya nemŋoyo yaʋo kwaari maŋgwanani ose neɀipo ɀaʋo. Ɀino ʋarume ʋose ʋakacenjera, ʋakaŋga ʋaciɓata maɓasa ose enɀimbo tȿene, ʋakabva mumŋe nomumŋe paɓasa rake raakaŋga aciita, ʋakataura naMosesi, ʋaciti: Ʋanhu ʋanoʋuya neɀakawandisa kupfuʋura ɀinokwana kuite‐ɓasa rakarairwa naJehova kuti riitwe.
Ekisodho 36:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)