Ekisodho 35:10-35
Ekisodho 35:10-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Vose vane umhizha pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha: “tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko; areka namapango ayo, chifunhiro chokuyananisa uye nechidzitiro chinochidzivirira; tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuratidza; chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje; aritari yezvinonhuhwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri; aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo; zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe; hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho; nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.” Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi, uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene. Vose vakanga vachida, zvose varume navakadzi, vakauya nezvishongo zvegoridhe zvemhando dzose zvaiti: zvikorekedzo, mhete dzenzeve, mhete uye nezvishongo zvoukomba. Vose vakapa goridhe ravo sechipiriso chokuninira kuna Jehovha. Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo. Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuunga echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo. Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka. Uye vakadzi vose vaida zvavo uye vaiva nounyanzvi hwokuruka, vakaruka mvere dzembudzi. Vatungamiriri vakauya namabwe eonikisi namamwewo mabwe kuti azoiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva. Vakauyawo nezvinonhuhwira namafuta omuorivhi emwenje uye namafuta okuzodza namafuta anonhuhwira kwazvo. VaIsraeri vose, varume navakadzi vakanga vachida havo, vakavigira Jehovha zvipiriso zvokupa nokuzvisarudzira zvebasa rose rakanga rarayirwa Mozisi naJehovha kuti vaite. Ipapo Mozisi akati kuvaIsraeri, “Tarirai, Jehovha asarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, uye amuzadza noMweya waMwari, nenjere, nokugona uye noruzivo rwemhando dzose dzoumhizha, kuti aite zvinhu zvinoyevedza zvebasa regoridhe, sirivha nendarira, kuveza nokuronga mabwe, kushanda mukuveza matanda uye nokuita mhando dzose dzoumhizha. Uye apa vose vari vaviri iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani kugona kudzidzisa vamwe. Avazadza nenjere dzokuita mhando dzose dzebasa semhizha, vasoni, navasuki vewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka, vose zvavo imhizha huru navasoni.”
Ekisodho 35:10-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“ ‘Varume vose pakati penyu vane mwoyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarairwa naJehovha; zvinoti: Tabhenakeri netende rayo, nechifukidzo chayo, nezvikorekedzo zvayo, namapuranga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo; neareka, namatanda ayo, nechifunhiro chokuyananisa, nechidzitiro chinodzitira, netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza, nechigadziko chemwenje yokuvheneka nayo, nenhumbi dzacho, nemwenje yacho, namafuta okuvhenekesa nawo, neatari yezvinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noupfu hunonhuwira, nechidzitiro chomukova pamukova wetabhenakeri, neatari yezvipiriso zvinopiswa, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo, nezvidzitiro zvoruvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuo roruvanze, nembambo dzetabhenakeri, nembambo dzoruvanze, netambo dzadzo, nenguo dzakarukwa zvakanaka dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguo tsvene dzaAroni mupristi, nenguo dzavanakomana vake dzokushumira nadzo pabasa roupristi.’ ” Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva kuna Mosesi, vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguo tsvene. Vakauya varume navakadzi, vose vaiva nemwoyo yakanga ichida, vakauya nezvikorekedzo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvokusimbisa, nezvishongo zvamaoko, nezvishongo zvose zvendarama; mumwe nomumwe wakavigira Jehovha chipo chendarama. Murume mumwe nomumwe waiva nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, wakauya nazvo. Mumwe nomumwe waigona kuripa chipo chesirivha nechendarira wakauya nechipo chaJehovha; mumwe nomumwe waiva namatanda omuakasia, avaigona kubata nawo, wakauya nawo. Vakadzi vose vaiva nemwoyo yakangwara vakaruka namaoko avo, vakauya nezvavakaruka, zvaiti: Zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka. Vakadzi vose vakanga vamutswa nemwoyo yavo kuva vakachenjera vakaruka mvere dzembudzi. Navakuru vakauya nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi, napahombodo yechipfuva, nemiti inonhuwira, namafuta okuvhenekesa nawo, nezvokuzodza nazvo, noupfu hunonhuwira. Vana vaIsiraeri vakauya nemwoyo yavo nezvipo zvokupa Jehovha; murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe waitendiswa nomwoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarairwa naJehovha, kuti riitwe naMosesi. Zvino Mosesi akati kuvana vaIsiraeri, “Tarirai, Jehovha wakadana nezita rake Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, akamuzadza noMweya waMwari ave nokuchenjera, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa, kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira, nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona kubata mabasa ose oumhizha. Akaisa mumwoyo make uchenjeri hwokudzidzisa vamwe, iye naOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani. Akavazadza nokuchenjera kwomwoyo, kuti vagone kubata mabasa ose omuvezi wamabwe, neemhizha, naavasoni vezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, naavaruki vanobata mabasa ose, naavose vanofunga mano amabasa oumhizha.”
Ekisodho 35:10-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nyanzvi dzose dzine ruzivo rwokuita mabasa ngadziuye kuzogadzira zvose zvakanzi naTenzi zviitwe zvinoti; tendhe rinoera pacharo, namachira anovakiswa tendhe racho needenga raro, nezvikochekero zvaro, namapango aro akavezwa nembariro dzaro, namapango aro nezvigadzikiro zvawo, kwouya bhokisi rechitenderano namapango okuritakurisa, nehwidibiro yaro nejira rechidzikatiro, kwoti teburu namapango ayo okuitakurisa, nemidziyo yayo yose nechingwa chokuisa pana Mwari, kwozoti chigadzikirowo chomwenje wokuvhenekesa nemidziyo yacho, namarambi acho, namafuta awo, uye atari yokupisira rusenzi, namapango ayo okuitakurisa, namafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira, nejira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera, uyezve atari yokupisira zvibayiro, namapango ayo okuitakurisa nemidziyo yayo, nesefa yayo yendarira, namapango ayo okuitakurisa nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo, uyewo machira okukomberedza nhandare yayo, namapango awo, nezvigadzikiro zvamapango acho, nejira rokudzikatirisa pasuo guru renhandare, poti hoko dzetendhe rinoera, nehoko dzamachira okukomberedza nhandare, netambo dzacho, pozoti hanzu dzakanyatsorukwa dzokushanda nadzo munzvimbo inoera, hanzu dzinoera dzomupristi Aroni, nehanzu dzavanakomana vake dzokushanda nadzo savapristi.” Gungano rose ravaIsiraeri rakazokotonoka richibva paiva naMosesi. Mumwe nomumwe akanga abatwa mwoyo neakanga achinzwa mumwoyo make shungu dzokupa, akaunza chipo kuna Tenzi kuti chishandiswe pabasa romutendhe rokusanganira napabasa rose remo nokushandisa pahanzu dzinoera. Naizvozvo vanhurume navanhukadzi vaiva nomwoyo wokupa vakaunza mabhurukwa embirichisi namakoza, nemhete namaringi omumaoko, nezvimwe zvakasiyana-siyana zvendarama, mumwe nomumwe achipira chipo chake kuna Tenzi. Ainge aine wuru yoruvara rwedenga kana kuti yeruvara rwehute kana kuti tsvuku, neainge aine jira rerineni rakanakisisa kwazvo nejira remvere dzembudzi, kana matehwe ehondohwe akatsvukiswa, namatehwe etahashi, akauya nazvo. Munhu wose aikwanisa kuunza chipo chesirivha kana chendarira akachiunza sechipo kuna Tenzi. Munhu wose ainge ane mapango omuunga aigona kuitiswa basa raimomo akauya nawo. Vanhukadzi vose vainge vari nyanzvi dzokuruka vakagadzira machira erineni akanyatsogadzirwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku vakauya nazvo. Vanhukadzi vose vaingewo vaine chido mumwoyo mavo, uyewo vari nyanzvi dzokuruka vakagadzira machira emvere dzembudzi. Vakuru vakuru vakaunzawo tumabwe tweonikisi notumwe tumambwe twokuisa pahanzu yeefodhi napanyembe yapadundundu, vakaunzawo twokubikisa tunonhuhwira namafuta amarambi namafuta okuzodza norusenzi runonhuhwira. VaIsiraeri vose, varume navakadzi, vakanga vachinzwa mumwoyo mavo shungu dzokupa zvinhu zvokushandisa mubasa rose rakanga raudzwa Mosesi naTenzi kuti riitwe, vakauya nezvipo zvavo kuna Tenzi. Mosesi akaudza vaIsiraeri kuti, “Chinzwaika, Tenzi akadoma nezita Bhezarieri, mwanakomana waUri, muzukuru waHuru wedzinza rokwaJudha, akamusarudza. Akamuzadza noMweya waMwari, akamupawo kunzwisisa uye nenjere noruzivo kuti agove noumhizha hwose hwokugona kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzopfurwa zvendarama nezvesirivha nezvendarira uye kuveza tumabwe tunokosha twokuisa pazvinhu, nokuvezawo miti nokuitawo mamwe mabasa oumhizha. Akamupa, iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki wedzinza rokwaDhani, mwoyo wokuda kudzidzisa vamwe. Akavapa unyanzvi hwezvokupfura noumhizha mumabasa, nokugona kushongedza vachirukira wuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku uye machira erineni akanakisisa. Akavapawo unyanzvi hwokuruka nohwokuita mabasa ose zvawo, neokufanotara mamiriro ezvingade kuitwa.
Ekisodho 35:10-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋarume ʋose pakati penyu ʋanemŋoyo yakacenjera ŋgaʋaʋuye, ʋaite ɀose ɀakarairwa naJehova; ɀinoti: Tabernakeri netente rayo, necifukidzo cayo, neɀikorekedzo ɀayo, namapuraŋga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, neɀigadziko ɀayo; neareka, namatanda ayo, necifunhiro cokuyananisa, necidzitiro cinodzitira, netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, neciŋgwa cokuratidza, necigadziko cemŋenje yokuveneka nayo, nenhumbi dzaco, nemŋenje yaco, namafuta okuvenekesa nawo, neartari yeɀinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noʋupfu ʋunonhuwira, necidzitiro comukoʋa pamukoʋa wetabernakeri, neartari yeɀipiriso ɀinopiswa, necakarukwa cayo cendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, necigadziko cawo, neɀidzitiro ɀoruʋazhe, nembiru dzaɀo, neɀigadziko ɀadzo, necidzitiro cesuʋo roruʋazhe, nembambo dzetabernakeri, nembambo dzoruʋazhe, netambo dzadzo, neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka dzokushumira nadzo panɀimbo tȿene, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake dzokushumira nadzo paɓasa roʋuprista. Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakabva kunaMosesi, ʋakaʋuya, mumŋe nomumŋe wakamutswa nomŋoyo wake, nomumŋe nomumŋe wakatendiswa nomŋeya wake, ʋakaʋuya necipo caJehova, cokuɓate‐ɓasa retente rokusoŋgana namaɓasa aro ose, neŋguʋo tȿene. Ʋakaʋuya ʋarume naʋakadzi, ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋga iciɗa, ʋakaʋuya neɀikorekedzo, neɀindori ɀenzeʋe, neɀindori ɀokusimbisa, neɀishoŋgo ɀamaʋoko, neɀishoŋgo ɀose ɀendarama; mumŋe nomumŋe wakaʋigira Jehova cipo cendarama. Murume mumŋe nomumŋe waiʋa neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka, nemʋere dzembudzi, namatebge amakondobge akazodzwa ɀitȿuku, namatebge amatenhe, wakaʋuya naɀo. Mumŋe nomumŋe waigona kuripa cipo cesirveri necendarira wakaʋuya necipo caJehova; mumŋe nomumŋe waiʋa namatanda omuakasia, aʋaigona kuɓata nawo, wakaʋuya nawo. Ʋakadzi ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋgwara ʋakaruka namaʋoko aʋo, ʋakaʋuya neɀaʋakaruka, ɀaiti: Ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka. Ʋakadzi ʋose ʋakaŋga ʋamutswa nemŋoyo yaʋo kuʋa ʋakacenjera ʋakaruka mʋere dzembudzi. Naʋakuru ʋakaʋuya neɀibge ɀeoniksi, neɀibge ɀokuisa paefodi, napahomboɗo yecifuʋa, nemiti inonhuwira, namafuta okuvenekesa nawo, neɀokuzodza naɀo, noʋupfu ʋunonhuwira. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuya nemŋoyo yaʋo neɀipo ɀokupa Jehova; murume mumŋe nomumŋe nomukadzi mumŋe nomumŋe waitendiswa nomŋoyo wake kuti aʋigire ɀokuɓata naɀo ɓasa rose rakaŋga rarairwa naJehova, kuti riitwe naMosesi. Ɀino Mosesi akati kuʋana ʋaIsraeri: Tarirai, Jehova wakaɗana nezita rake Bezareri, mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, worudzi rwaJuda, akamuzadza noMŋeya waMŋari aʋe nokucenjera, nokunzwisisa, nokuziʋa kwose, nokugona marudzi ose amaɓasa, kuti afuŋge mano oʋumhizha, nokuɓata nendarama, nesirveri, nendarira, nokuʋeza mabge anoiswa mukati, nokuʋeza matanda, nokugona kuɓata maɓasa ose oʋumhizha. Akaisa mumŋoyo make ʋucenjeri bgokudzidzisa ʋamŋe, iye naOhoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani. Akaʋazadza nokucenjera kwomŋoyo, kuti ʋagone kuɓata maɓasa ose omuʋezi wamabge, neemhizha, naaʋasoni ʋeɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka, naaʋaruki ʋanoɓata maɓasa ose, naaʋose ʋanofuŋga mano amaɓasa oʋumhizha.
Ekisodho 35:10-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)