Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 35:10-35

Eksodo 35:10-35 SUB1949

Ʋarume ʋose pakati penyu ʋanemŋoyo yakacenjera ŋgaʋaʋuye, ʋaite ɀose ɀakarairwa naJehova; ɀinoti: Tabernakeri netente rayo, necifukidzo cayo, neɀikorekedzo ɀayo, namapuraŋga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, neɀigadziko ɀayo; neareka, namatanda ayo, necifunhiro cokuyananisa, necidzitiro cinodzitira, netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, neciŋgwa cokuratidza, necigadziko cemŋenje yokuveneka nayo, nenhumbi dzaco, nemŋenje yaco, namafuta okuvenekesa nawo, neartari yeɀinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noʋupfu ʋunonhuwira, necidzitiro comukoʋa pamukoʋa wetabernakeri, neartari yeɀipiriso ɀinopiswa, necakarukwa cayo cendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, necigadziko cawo, neɀidzitiro ɀoruʋazhe, nembiru dzaɀo, neɀigadziko ɀadzo, necidzitiro cesuʋo roruʋazhe, nembambo dzetabernakeri, nembambo dzoruʋazhe, netambo dzadzo, neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka dzokushumira nadzo panɀimbo tȿene, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake dzokushumira nadzo paɓasa roʋuprista. Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakabva kunaMosesi, ʋakaʋuya, mumŋe nomumŋe wakamutswa nomŋoyo wake, nomumŋe nomumŋe wakatendiswa nomŋeya wake, ʋakaʋuya necipo caJehova, cokuɓate‐ɓasa retente rokusoŋgana namaɓasa aro ose, neŋguʋo tȿene. Ʋakaʋuya ʋarume naʋakadzi, ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋga iciɗa, ʋakaʋuya neɀikorekedzo, neɀindori ɀenzeʋe, neɀindori ɀokusimbisa, neɀishoŋgo ɀamaʋoko, neɀishoŋgo ɀose ɀendarama; mumŋe nomumŋe wakaʋigira Jehova cipo cendarama. Murume mumŋe nomumŋe waiʋa neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka, nemʋere dzembudzi, namatebge amakondobge akazodzwa ɀitȿuku, namatebge amatenhe, wakaʋuya naɀo. Mumŋe nomumŋe waigona kuripa cipo cesirveri necendarira wakaʋuya necipo caJehova; mumŋe nomumŋe waiʋa namatanda omuakasia, aʋaigona kuɓata nawo, wakaʋuya nawo. Ʋakadzi ʋose ʋaiʋa nemŋoyo yakaŋgwara ʋakaruka namaʋoko aʋo, ʋakaʋuya neɀaʋakaruka, ɀaiti: Ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka. Ʋakadzi ʋose ʋakaŋga ʋamutswa nemŋoyo yaʋo kuʋa ʋakacenjera ʋakaruka mʋere dzembudzi. Naʋakuru ʋakaʋuya neɀibge ɀeoniksi, neɀibge ɀokuisa paefodi, napahomboɗo yecifuʋa, nemiti inonhuwira, namafuta okuvenekesa nawo, neɀokuzodza naɀo, noʋupfu ʋunonhuwira. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuya nemŋoyo yaʋo neɀipo ɀokupa Jehova; murume mumŋe nomumŋe nomukadzi mumŋe nomumŋe waitendiswa nomŋoyo wake kuti aʋigire ɀokuɓata naɀo ɓasa rose rakaŋga rarairwa naJehova, kuti riitwe naMosesi. Ɀino Mosesi akati kuʋana ʋaIsraeri: Tarirai, Jehova wakaɗana nezita rake Bezareri, mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, worudzi rwaJuda, akamuzadza noMŋeya waMŋari aʋe nokucenjera, nokunzwisisa, nokuziʋa kwose, nokugona marudzi ose amaɓasa, kuti afuŋge mano oʋumhizha, nokuɓata nendarama, nesirveri, nendarira, nokuʋeza mabge anoiswa mukati, nokuʋeza matanda, nokugona kuɓata maɓasa ose oʋumhizha. Akaisa mumŋoyo make ʋucenjeri bgokudzidzisa ʋamŋe, iye naOhoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani. Akaʋazadza nokucenjera kwomŋoyo, kuti ʋagone kuɓata maɓasa ose omuʋezi wamabge, neemhizha, naaʋasoni ʋeɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka, naaʋaruki ʋanoɓata maɓasa ose, naaʋose ʋanofuŋga mano amaɓasa oʋumhizha.

Verenga chikamu Eksodo 35