Ekisodho 35:10-21
Ekisodho 35:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Vose vane umhizha pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha: “tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko; areka namapango ayo, chifunhiro chokuyananisa uye nechidzitiro chinochidzivirira; tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuratidza; chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje; aritari yezvinonhuhwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri; aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo; zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe; hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho; nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.” Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi, uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene.
Ekisodho 35:10-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“ ‘Varume vose pakati penyu vane mwoyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarairwa naJehovha; zvinoti: Tabhenakeri netende rayo, nechifukidzo chayo, nezvikorekedzo zvayo, namapuranga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo; neareka, namatanda ayo, nechifunhiro chokuyananisa, nechidzitiro chinodzitira, netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza, nechigadziko chemwenje yokuvheneka nayo, nenhumbi dzacho, nemwenje yacho, namafuta okuvhenekesa nawo, neatari yezvinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noupfu hunonhuwira, nechidzitiro chomukova pamukova wetabhenakeri, neatari yezvipiriso zvinopiswa, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo, nezvidzitiro zvoruvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuo roruvanze, nembambo dzetabhenakeri, nembambo dzoruvanze, netambo dzadzo, nenguo dzakarukwa zvakanaka dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguo tsvene dzaAroni mupristi, nenguo dzavanakomana vake dzokushumira nadzo pabasa roupristi.’ ” Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva kuna Mosesi, vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguo tsvene.
Ekisodho 35:10-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nyanzvi dzose dzine ruzivo rwokuita mabasa ngadziuye kuzogadzira zvose zvakanzi naTenzi zviitwe zvinoti; tendhe rinoera pacharo, namachira anovakiswa tendhe racho needenga raro, nezvikochekero zvaro, namapango aro akavezwa nembariro dzaro, namapango aro nezvigadzikiro zvawo, kwouya bhokisi rechitenderano namapango okuritakurisa, nehwidibiro yaro nejira rechidzikatiro, kwoti teburu namapango ayo okuitakurisa, nemidziyo yayo yose nechingwa chokuisa pana Mwari, kwozoti chigadzikirowo chomwenje wokuvhenekesa nemidziyo yacho, namarambi acho, namafuta awo, uye atari yokupisira rusenzi, namapango ayo okuitakurisa, namafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira, nejira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera, uyezve atari yokupisira zvibayiro, namapango ayo okuitakurisa nemidziyo yayo, nesefa yayo yendarira, namapango ayo okuitakurisa nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo, uyewo machira okukomberedza nhandare yayo, namapango awo, nezvigadzikiro zvamapango acho, nejira rokudzikatirisa pasuo guru renhandare, poti hoko dzetendhe rinoera, nehoko dzamachira okukomberedza nhandare, netambo dzacho, pozoti hanzu dzakanyatsorukwa dzokushanda nadzo munzvimbo inoera, hanzu dzinoera dzomupristi Aroni, nehanzu dzavanakomana vake dzokushanda nadzo savapristi.” Gungano rose ravaIsiraeri rakazokotonoka richibva paiva naMosesi. Mumwe nomumwe akanga abatwa mwoyo neakanga achinzwa mumwoyo make shungu dzokupa, akaunza chipo kuna Tenzi kuti chishandiswe pabasa romutendhe rokusanganira napabasa rose remo nokushandisa pahanzu dzinoera.
Ekisodho 35:10-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋarume ʋose pakati penyu ʋanemŋoyo yakacenjera ŋgaʋaʋuye, ʋaite ɀose ɀakarairwa naJehova; ɀinoti: Tabernakeri netente rayo, necifukidzo cayo, neɀikorekedzo ɀayo, namapuraŋga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, neɀigadziko ɀayo; neareka, namatanda ayo, necifunhiro cokuyananisa, necidzitiro cinodzitira, netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, neciŋgwa cokuratidza, necigadziko cemŋenje yokuveneka nayo, nenhumbi dzaco, nemŋenje yaco, namafuta okuvenekesa nawo, neartari yeɀinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noʋupfu ʋunonhuwira, necidzitiro comukoʋa pamukoʋa wetabernakeri, neartari yeɀipiriso ɀinopiswa, necakarukwa cayo cendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, necigadziko cawo, neɀidzitiro ɀoruʋazhe, nembiru dzaɀo, neɀigadziko ɀadzo, necidzitiro cesuʋo roruʋazhe, nembambo dzetabernakeri, nembambo dzoruʋazhe, netambo dzadzo, neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka dzokushumira nadzo panɀimbo tȿene, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake dzokushumira nadzo paɓasa roʋuprista. Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakabva kunaMosesi, ʋakaʋuya, mumŋe nomumŋe wakamutswa nomŋoyo wake, nomumŋe nomumŋe wakatendiswa nomŋeya wake, ʋakaʋuya necipo caJehova, cokuɓate‐ɓasa retente rokusoŋgana namaɓasa aro ose, neŋguʋo tȿene.
Ekisodho 35:10-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)