Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 35:10-21

Eksodo 35:10-21 SUB1949

Ʋarume ʋose pakati penyu ʋanemŋoyo yakacenjera ŋgaʋaʋuye, ʋaite ɀose ɀakarairwa naJehova; ɀinoti: Tabernakeri netente rayo, necifukidzo cayo, neɀikorekedzo ɀayo, namapuraŋga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, neɀigadziko ɀayo; neareka, namatanda ayo, necifunhiro cokuyananisa, necidzitiro cinodzitira, netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, neciŋgwa cokuratidza, necigadziko cemŋenje yokuveneka nayo, nenhumbi dzaco, nemŋenje yaco, namafuta okuvenekesa nawo, neartari yeɀinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noʋupfu ʋunonhuwira, necidzitiro comukoʋa pamukoʋa wetabernakeri, neartari yeɀipiriso ɀinopiswa, necakarukwa cayo cendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, necigadziko cawo, neɀidzitiro ɀoruʋazhe, nembiru dzaɀo, neɀigadziko ɀadzo, necidzitiro cesuʋo roruʋazhe, nembambo dzetabernakeri, nembambo dzoruʋazhe, netambo dzadzo, neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka dzokushumira nadzo panɀimbo tȿene, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake dzokushumira nadzo paɓasa roʋuprista. Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakabva kunaMosesi, ʋakaʋuya, mumŋe nomumŋe wakamutswa nomŋoyo wake, nomumŋe nomumŋe wakatendiswa nomŋeya wake, ʋakaʋuya necipo caJehova, cokuɓate‐ɓasa retente rokusoŋgana namaɓasa aro ose, neŋguʋo tȿene.

Verenga chikamu Eksodo 35