Ekisodho 32:7-9
Ekisodho 32:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa muIjipiti, vaora. Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndaona vanhu ava, uye vanhu vane mitsipa mikukutu.
Ekisodho 32:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, “Enda, buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa munyika yeIjipiti, vazvitadzira. Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, ‘Ndivo vamwari venyu, imi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.’ ” Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndatarira vanhu ava, ndaona kuti vanhu vane mitsipa mikukutu
Ekisodho 32:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Chiburuka mugomo muno nokuti vanhu vako vawakaburitsa kunyika yeIjipiti vaipa, vaenda mutome; nokuti vachimbidzosiya gwara randakati vatevere. Vakatora ndarama vakagadzira chimhuru chavari kunamata. Vatopira handira yacho mipiro vachiti, ‘VaIsiraeri havanoi vamwari vedu vakatiburitsa munyika yeIjipiti.’ ” Tenzi akati kuna Mosesi, “Ndaona zvino kuti vaIsiraeri ava itsvuuramuromo dzavanhu.
Ekisodho 32:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Enda, ɓuruka, nokuti ʋanhu ʋako, ʋawaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋaɀitadzira. Ʋakurumidza kutsauka panzira yandakaʋaraira, ʋakaɀiitira mhuru yakaʋumbga, ʋakainamata, ʋakaiɓayira ɀiɓayiro, ʋaciti: Ndiʋo ʋamŋari ʋenyu, imi ʋaIsraeri, ʋakakuɓuɗisai munyika yeEgipita. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ndatarira ʋanhu aʋa, ndaʋona kuti ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu
Ekisodho 32:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)