Kubuda 32
32
V: CHIMHURU CHENDARAMA NOKUVANDUDZWA KWECHITENDERANO
Chimhuru chendarama
(Kut 9:6–29)
1VaIsiraeri pavakaona kuti Mosesi agarisa muGomo reSinai anonoka kudzoka, vakaunganira Aroni vachiti, “Dai mukachitigadzirirawo vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesi uyu, nyakutiburitsa muIjipiti, hatichamboziva kuti chii chakamuwira.”
2Aroni ndokuvati, “Endai mubvise mhete dzendarama dziri panzeve dzamadzimai enyu nedzavana venyu vakomana navasikana, muuye nadzo kwandiri.” 3Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo dzendarama dzaiva panzeve dzavo vakauya nadzo kuna Aroni. 4Aroni akadzitambira akadzinyungurutsa, ndokugadzira nadzo chimhuru chendarama. Ivo ndokuti, “Onai vaIsiraeri! Havanoi vamwari venyu vakakuburitsai muIjipiti.”
5Aroni achiona izvi akavaka atari pamberi pechimhuru chiye, akadaidzira shoko rokuti, “Mangwana tichaitira Tenzi mabiko.” 6Mangwana acho vakafumouya nezvipfuwo, vakapira mipiro yokupisa, nemipiro yokuwadzana. Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, ndokusimuka votamba.
7Tenzi akati kuna Mosesi, “Chiburuka mugomo muno nokuti vanhu vako vawakaburitsa kunyika yeIjipiti vaipa, vaenda mutome; 8nokuti vachimbidzosiya gwara randakati vatevere. Vakatora ndarama vakagadzira chimhuru chavari kunamata. Vatopira handira yacho mipiro vachiti, ‘VaIsiraeri havanoi vamwari vedu vakatiburitsa munyika yeIjipiti.’ ” 9Tenzi akati kuna Mosesi, “Ndaona zvino kuti vaIsiraeri ava itsvuuramuromo dzavanhu. 10Chirega zvako uone ndichivavirukira nehasha ndivaparadze, asi ndozoita kuti iwe uve rudzi rukuru.”
11Asi Mosesi akateterera kuna Tenzi, Mwari wake achiti, “Nhai Tenzi mungagodarireiko kuvirukira vanhu venyu nehasha? Vanhu vamakaburitsa muIjipiti nesimba renyu guru! 12Munodirei kuti vaIjipiti vazoti, ‘Tenzi akabvisa vaIsiraeri muIjipiti kuti andovaurayira mumakomo achivatsakatisa panyika zvachose?’ Ndapota zvangu, regai zvenyu kushatirwa. Dai mukarega kuita zvamareva. Musaitire vanhu venyu zvakaipa zvikadaro. 13Rangarirai varanda venyu Abhurahamu naIsaki naJakobho, vamakapikira mhiko nezita renyu pachenyu muchivati, ‘Ndichakupai vana vakawanda senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika yose yandakareva kuti ive nhaka yavo narini narini.’ ” 14Naizvozvo Tenzi akabva azorega kuita zviya zvaakanga ambofunga kuita kuvanhu vake.
15Mosesi akazoburuka mugomo akabata mumaoko mafendefa maviri okupupurira, akanyorwa mativi ose ari maviri. 16Mwari ndiye akanga agadzira mafendefa iwayo, ndiye pachake akanyora mitemo paari. Mazwi acho akanga akaita zvokutemerwa pabwe. 17Joshuwa akanzwa vanhu vachiita mheremhere akataura naMosesi achiti, “Ndiri kunzwa mheremhere kumatendhe, inenge yavanhu vari kurwa hondo.”
18Mosesi ndokuti,
“Haasi mazwi avanhu vakunda.
Haasi mazwi avanhu vakundwa,
mazwi okuimba ndoandiri kunzwa.”
19Paakazosvika pedyo namatendhe Mosesi akaona chimhuru chiya navanhu vakanga vachitamba, ndokubva aviruka nehasha. Pakarepo akakanda pasi mafendefa aakanga akatakura ndokubva apwanyika mujinga megomo imomo. 20Mosesi akatora chimhuru chavakanga vagadzira, akachipisa nomoto akachikuya-kuya akaisa zviupfu zvacho mumvura, ndokuita kuti vaIsiraeri vanwe mvura yacho. 21Mosesi akabvunza Aroni achiti, “Vanhu ava vakaitei chaizvo kwauri chakakuita kuti uvapinze muchitadzo chakaipa chikadai?”
22Aroni ndokuti, “Musandivirukire zvenyu nehasha changamire. Imi munoziva kuti vanhu ava vanhu vane mwoyo wakaipa. 23Ndivo vakatonditi, ‘Tigadzirire vamwari vangatitungamirire nokuti zvaMosesiwo uyu nyakutiburitsa muIjipiti hatichamboziva chakamuwira.’ 24Ini ndokuvati, ‘Ani naani ane zvishongo zvendarama ngaandipe.’ Naizvozvo vakandipa, ini ndikazvikanda mumoto, ndopazobva chimhuru ichochi.”
25Mosesi paakaona kuti vanhu varasika, vaenda mutome nokuti Aroni akanga avarega vachipanduka zvinovashoresa navavengi vavo, 26Mosesi akabva amira pasuo guru rapamatendhe akadaidzira achiti, “Vose vanosimbira kudivi raTenzi uyai kuno kwandiri.” VaRevhi vose vakaungana kwaiva naMosesi. 27Mosesi ndokuti kwavari, “Tenzi, Mwari weIsiraeri anoti, ‘Mose torai mapakatwa enyu, mubvongodze mumatendhe ose, muchiuraya hama dzenyu neshamwari dzenyu navamanga makagarisana navo, mubvire pasuo guru rino iri kusvikira kusuo guru rouko.’ ” 28VaRevhi vakaita zvakanga zvarehwa naMosesi, musi iwoyo kwakafa vanenge zviuru zvitatu. 29Mosesi akati, “Nhasi imi vaRevhi manyatsozvipira kuita basa raTenzi nokuti mateerera shoko rake pamauraya vanakomana venyu nehama dzenyu kuti akukomborerei nhasi uno.”
30Mangwana acho Mosesi akataurira vaIsiraeri kuti, “Imi makatadzira Mwari, nechitadzo chikuru kwazvo, zvino ini ndichadzokera kuna Tenzi, pamwe, ndingagone kumuteta pachitadzo chenyu.” 31Saizvozvo Mosesi akadzokera kuna Tenzi akasvikoti, “VaIsiraeri vakapara chitadzo chikuru kwazvo. Vakazvigadzirira vamwari vendarama vakavanamata. 32Ndapota varegerereiwo chitadzo chavakaita. Asi kana musingade kuvaregerera, chidzimai zvenyu zita rangu mubhuku renyu mamakarinyora.”
33Asi Tenzi akati kuna Mosesi, “Anenge anditadzira ndiye wandinodzima mubhuku rangu. 34Zvino chienda undotungamirira vanhu vaende kunyika iya kwandakakuudza. Mutumwa wangu achakutungamirira. Asi zuva randichavabvakachira ndichavarangira chitadzo chavo ichochi.”
35Tenzi akazorova vaIsiraeri neshamhu yedenda nokuti vakanga vaumba chimhuru chavakagadzirirwa naAroni.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 32: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.