Ekisodho 32:11-14
Ekisodho 32:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Mozisi akatsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wake, akati, “Haiwa Jehovha, kutsamwa kwenyu kungapfuta seiko pamusoro pavanhu venyu, vamakabudisa kubva muIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba? VaIjipita vachataurireiko vachiti, ‘Akavabudisa muIjipiti nomurangariro wakaipa, kuti avauraye mumakomo uye nokuvaparadza panyika’? Dzokai henyu pakutsamwa kwenyu kunotyisa; dzokai murege kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu venyu. Rangarirai varanda venyu vanaAbhurahama, Isaka naIsraeri, vamakapika kwavari nemi pachenyu muchiti, ‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvenyu zviwande senyeredzi dzokudenga, uye ndichapa zvizvarwa zvenyu nyika iyi yose yandakavavimbisa, uye ichava nhaka yavo nokusingaperi.’ ” Ipapo Jehovha akazvidemba uye akarega kuuyisa njodzi yaakanga oda kuisa pamusoro pavanhu vake.
Ekisodho 32:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Mosesi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba. VaIjipiti vangazoreva seiko vachiti, ‘Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika?’ Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai. Rangarirai henyu Abhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, varanda venyu, vamakazvipikira mumene, mukati kwavari, ‘Ndichawanza vana venyu senyeredzi dzokudenga, nenyika yose iyi, yandakareva, ndichaipa vana venyu, vaigare nhaka nokusingaperi.’ ” Zvino Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga achifunga kuitira vanhu vake.
Ekisodho 32:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Mosesi akateterera kuna Tenzi, Mwari wake achiti, “Nhai Tenzi mungagodarireiko kuvirukira vanhu venyu nehasha? Vanhu vamakaburitsa muIjipiti nesimba renyu guru! Munodirei kuti vaIjipiti vazoti, ‘Tenzi akabvisa vaIsiraeri muIjipiti kuti andovaurayira mumakomo achivatsakatisa panyika zvachose?’ Ndapota zvangu, regai zvenyu kushatirwa. Dai mukarega kuita zvamareva. Musaitire vanhu venyu zvakaipa zvikadaro. Rangarirai varanda venyu Abhurahamu naIsaki naJakobho, vamakapikira mhiko nezita renyu pachenyu muchivati, ‘Ndichakupai vana vakawanda senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika yose yandakareva kuti ive nhaka yavo narini narini.’ ” Naizvozvo Tenzi akabva azorega kuita zviya zvaakanga ambofunga kuita kuvanhu vake.
Ekisodho 32:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mosesi akakumbira kunaJehova Mŋari wake, akati: Haiwa, Jehova, shuŋgu dzenyu dziŋgagomukireiko ʋanhu ʋenyu, ʋamakaɓuɗisa munyika yeEgipita nesimba guru ʋuye noruʋoko runesimba: ƲaEgipita ʋaŋgazoreʋa seiko ʋaciti: Wakaʋaɓuɗisira kuneɀakaipa, kuti aʋaʋuraye mumakomo, nokuʋaparadza panyika? Dzorai shuŋgu dzenyu huru, muɀiɗembe pamsoro pokuitira ʋanhu ʋenyu ɀakaipa ɀakaɗai. Raŋgarirai henyu Abrahama, naIsaka, naIsraeri, ʋaranda ʋenyu, ʋamakaɀipikira mumene, mukati kwaʋari: Ndicawanza ʋana ʋenyu senyeredzi dzokuɗeŋga, nenyika yose iyi, yandakareʋa, ndicaipa ʋana ʋenyu, ʋaigare nhaka nokusiŋgaperi. Ɀino Jehova akaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀaakaŋga acifuŋga kuitira ʋanhu ʋake.
Ekisodho 32:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)