Ekisodho 3:13-21
Ekisodho 3:13-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsraeri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?” Mwari akati kuna Mozisi, “NDIRI WANDIRI. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘NDIRI’ andituma kwamuri.” Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, zita randinofanira kurangarirwa naro kusvikira kuzvizvarwa zvose. “Enda undounganidza vakuru vavaIsraeri ugoti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwandiri uye akati, “Ndakatarira pamusoro penyu uye ndikaona zvakanga zvichiitwa kwamuri muIjipiti. Uye ndakavimbisa kukubudisai mukutambudzika kwenyu muIjipiti ndikuisei kunyika yavaKenani, navaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi, nyika inoyerera mukaka nouchi.” ’ “Vakuru vavaIsraeri vachakuteerera. Ipapo iwe navakuru vavaIsraeri munofanira kuenda kuna mambo weIjipiti munoti kwaari, ‘Jehovha Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Regai tifambe rwendo rwamazuva matatu tiende kurenje kuti tindobayira kuna Jehovha Mwari wedu.’ Asi ndinoziva kuti mambo weIjipiti haasi kuzokutenderai kunze kwokunge ruoko rune simba rwamumanikidza. Saka ndichatambanudza ruoko rwangu ndigorova vaIjipiti nezvishamiso zvose zvandichaita pakati pavo. Shure kwaizvozvo achakutenderai kuenda. “Uye ndichaita kuti vaIjipita vaitire vanhu ava nyasha, zvokuti pamunoenda hamuendi musina chinhu.
Ekisodho 3:13-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Mosesi akati kuna Mwari, “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?’ Ndichatiyi kwavari?” Mwari akati kuna Mosesi, “NDICHAVA IYE WANDICHAVA.” Akati, “Unoti kuvana vaIsiraeri, ‘NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.’ ” Mwari akatiwo kuna Mosesi, “Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose. Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri,’ akati, ‘Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;’ ndikati, ‘Ndichakubudisai pakunetswa kwenyu paIjipiti, ndimuise kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka nouchi.’ Vachateerera izwi rako; uende, iwe navakuru vaIsiraeri, kuna mambo weIjipiti, muti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu; zvino titendere kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha, Mwari wedu.’ Ndinoziva kuti mambo weIjipiti haangakutendereyi kuenda, kwete, kunyange noruoko rune simba. Ndichatambanudza ruoko rwangu, ndirove Ijipiti nezvishamiso zvangu zvose, zvandichaitamo; pashure achakutenderai kuenda. Ndichapa vanhu ava nyasha pamberi pavaIjipiti, kuti kana muchizoenda, murege kuenda musina chinhu.
Ekisodho 3:13-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?” Mwari akapindura Mosesi achiti, “Ndiri iye wandiri. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ndiri ndiye andituma kwamuri.” Mwari akataurirazve Mosesi achiti, “Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ‘Tenzi, Mwari wamadzitateguru enyu, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu narini narini. Zvizvarwa zvenyu zvose zvichandidaidza nezita irori. “Enda undokokorodza vakuru vakuru vevaIsiraeri uvati, ‘Tenzi Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho, akazviratidza kwandiri. Akati ndakakushanyirai ndikaongorora zvose zvamuri kuitwa navaIjipiti.’ Ndinotsidza kuti, ‘Ndichakuburitsai muIjipiti mamuri muuranda ndichikuendesai kunyika yakanaka inoerera mukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi.’ “VaIsiraeri vachateerera zvaunoreva. Iwe navakuru vakuru vevaIsiraeri mozoenda kuna mambo weIjipiti, mundoti, ‘Tenzi, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu. Saka tinokumbira kuti mutibvumirewo kufamba rwendo rwamazuva matatu murenje, kundopira Tenzi, Mwari wedu mupiro.’ Ndinoziva zvangu kuti mambo weIjipiti haakubvumirei kuti muende, kusatoti aita zvokumanikidzwa. Naizvozvo ini noruoko rwangu ndichatoita zvokushandisa simba ndichirova Ijipiti namanenji ose andichaita mukati mavo. Mambo ndopaachazobvuma kuti muende zvenyu. “Ndichaita kuti vaIjipiti vakuitirei zvakanaka, nokudaro pamunozoenda, hamuzoendi musina chamunacho.
Ekisodho 3:13-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mosesi akati kunaMŋari: Tarirai, kana ndikaȿika kuʋana ʋaIsraeri, ndikati kwaʋari: Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakandituma kwamuri, iʋo ʋakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndicatiyi kwaʋari? Mŋari akati kunaMosesi: NDICAƲA IYE WANDICAƲA. Akati: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: NDICAƲA ndiye wakandituma kwamuri. Mŋari akati ʋo kunaMosesi: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakandituma kwamuri; ndiro zita raŋgu nokusiŋgaperi, ndiro zita raʋacandiraŋgarira naro kuȿikira kumarudzi ose. Enda, undoʋuŋganidza ʋakuru ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo, wakaɀiratidza kwandiri, akati: Ndakakushanyirai ɀirokwaɀo, ndikaʋona iɀo ɀamakaitirwa Egipita; ndikati: Ndicakuɓuɗisai pakunetswa kwenyu paEgipita, ndimuise kunyika yaʋaKanani, neyaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaPerezi, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, kunyika inoyerera mukaka noʋuci. Ʋacaterera inzwi rako; uende, iwe naʋakuru ʋaIsraeri, kunamambo weEgipita, muti kwaari: Jehova, Mŋari waʋaHeberu, wakasoŋgana nesu; ɀino titendere kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova, Mŋari weɗu. Ndinoziʋa kuti mambo weEgipita haaŋgakutenderiyi kuenda, kwete, kunyaŋge noruʋoko runesimba. Ndicatambanudza ruʋoko rwaŋgu, ndiroʋe Egipita neɀishamiso ɀaŋgu ɀose, ɀandicaita’mo; pashure ucakutenderai kuenda. Ndicapa ʋanhu aʋa nyasha pamberi paʋaEgipita, kuti kana mucizoenda, murege kuenda musinecinhu.
Ekisodho 3:13-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)