Ekisodho 3:12-15
Ekisodho 3:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye Mwari akati, “Ndichava newe. Uye ichi chichava chiratidzo kwauri chokuti ndini ndakutuma: Paunenge wabudisa vanhu kubva muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.” Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsraeri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?” Mwari akati kuna Mozisi, “NDIRI WANDIRI. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘NDIRI’ andituma kwamuri.” Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, zita randinofanira kurangarirwa naro kusvikira kuzvizvarwa zvose.
Ekisodho 3:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati, “Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.” Ipapo Mosesi akati kuna Mwari, “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?’ Ndichatiyi kwavari?” Mwari akati kuna Mosesi, “NDICHAVA IYE WANDICHAVA.” Akati, “Unoti kuvana vaIsiraeri, ‘NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.’ ” Mwari akatiwo kuna Mosesi, “Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.
Ekisodho 3:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akati, “Ini ndichava newe. Hechino chiratidzo chinoratidza kuti ndini ndakutuma. Kana wandoburitsa vanhu vangu muIjipiti, muchauya monamateni Mwari pano pagomo rino irori.” Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?” Mwari akapindura Mosesi achiti, “Ndiri iye wandiri. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ndiri ndiye andituma kwamuri.” Mwari akataurirazve Mosesi achiti, “Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ‘Tenzi, Mwari wamadzitateguru enyu, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu narini narini. Zvizvarwa zvenyu zvose zvichandidaidza nezita irori.
Ekisodho 3:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati: Ɀirokwaɀo ndicaʋa newe; heci ciratidzo cokuti ndakutuma: Kana maɓuɗisa ʋanhu ʋaŋgu muEgipita, mucanamata Mŋari pagomo rino. Ipapo Mosesi akati kunaMŋari: Tarirai, kana ndikaȿika kuʋana ʋaIsraeri, ndikati kwaʋari: Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakandituma kwamuri, iʋo ʋakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndicatiyi kwaʋari? Mŋari akati kunaMosesi: NDICAƲA IYE WANDICAƲA. Akati: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: NDICAƲA ndiye wakandituma kwamuri. Mŋari akati ʋo kunaMosesi: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakandituma kwamuri; ndiro zita raŋgu nokusiŋgaperi, ndiro zita raʋacandiraŋgarira naro kuȿikira kumarudzi ose.
Ekisodho 3:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)