Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 28:1-29

Ekisodho 28:1-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Uite kuti Aroni mukoma wako pamwe chete navanakomana vake vanoti Nadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari vauyiswe kwandiri kubva pakati pavaIsraeri kuti vandishumire savaprista. Uitire mukoma wako nguo tsvene, kuti apiwe ruremekedzo uye kukudzwa. Utaurire varume voumhizha vose vandakapa uchenjeri hwokuita zvakadaro kuti vanofanira kusonera Aroni nguo, dzokutsaurwa kwake, kuti agondishumira somuprista. Idzi ndidzo nguo dzavanofanira kuita: chidzitiro chapachipfuva, efodhi, jasi, nenguo yakarukwa, nguwani nendaza. Vanofanira kuitira mukoma wako Aroni navanakomana vake, nguo tsvene idzi. Uvaite kuti vashandise wuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakaisvonaka. “Vaite efodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romunhu ano umhizha. Ngaive namapenga maviri apamapfudzi akabatanidzwa pamakona ayo maviri, kuitira kuti igogona kubatanidzwa. Bhanhire rayo rakarukwa noumhizha rinofanira kufanana nayo, rive rebenga rimwe chete neefodhi uye rakagadzirwa newuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka. “Utore mabwe maviri eonikisi ugonyora runyoro rwakatemwa pamusoro pawo mazita avanakomana vaIsraeri zvichienderana nokuberekwa kwavo, mazita matanhatu padombo rimwe chete uye mamwe matanhatu asara anyorwe pane rimwe dombo. Nyora mazita avanakomana vaIsraeri pamatombo maviri nenzira inoitwa nomuvezi wamatombo achitema runyoro pachisimbiso. Ipapo ugoamisa muzvirukwa zvegoridhe uye ugoasungirira pamapenga apapfudzi eefodhi ave matombo echirangaridzo kuvana vaIsraeri. Aroni anofanira kutakura mazita aya pamapfudzi ake chive chirangaridzo pamberi paJehovha. Uite zvirukwa zvegoridhe uye nengetani mbiri dzakarukwa setambo negoridhe rakaisvonaka, ugobatanidza ngetani nezvirukwa. “Uite chidzitiro chapachipfuva chokutanga, basa romunhu woumhizha. Uchiite chifanane neefodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye mucheka wakarukwa zvakaisvonaka. Ngachienzane mativi ose ari mana, kureba kwacho sechanza choruoko uye upamhi hwakaita sechanza choruoko, uye chipetwe kaviri. Ipapo uronge mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga muchava nerubhi, netopazi uye bheriri; mumutsara wechipiri muchava neturikoisi, safire neemaradhi; mumutsara wechitatu muchava nejasindi, agati neametisiti; mumutsara wechina muchava nekirisoriti, onekisi uye nejasipa. Uaise muzvirukwa zvegoridhe. Panofanira kuva namatombo gumi namaviri, rimwe chete richimirira zita rimwe nerimwe ravanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakatemwa runyoro padombo sezvinoita chisimbiso chezita romumwe wavamarudzi gumi namaviri. “Uite ngetani dzechidzitiro chapachipfuva dzakarukwa negoridhe rakaisvonaka, uzvimone setambo. Uite mhete mbiri dzegoridhe ugodzisungirira pamakona maviri echidzitiro chapachipfuva. Usungirire ngetani mbiri dzegoridhe pamhete dziri pamakona echidzitiro chapachipfuva, nemimwe micheto yengetani inoenda kuzvirukwa zviviri uchizvibatanidza, kuzvipenga zvapamapfudzi zveefodhi nechokumberi. Uite mhete mbiri dzegoridhe ugodzibatanidza kuna mamwe makona echidzitiro chapachipfuva pamupendero wechomukati kunotevererana neefodhi. Uitezve dzimwe mhete dzegoridhe ugodzibatanidza pasi pemapenga apamapfudzi nechokumberi kweefodhi, pedyo nomusono uri nechapamusoro pebhanhire romuchiuno reefodhi. Mhete dzepachidzitiro chechipfuva dzinofanira kusungirirwa pamhete dzeefodhi netambo yebhuruu, dzichibatanidzwa nebhanhire romuchiuno, kuitira kuti chidzitiro chapachipfuva chirege kubva paefodhi. “Nguva dzose Aroni paanenge achipinda muNzvimbo Tsvene, achange akatakura mazita avanakomana vaIsraeri pamwoyo wake pachidzitiro chechipfuva chokutonga sechirangaridzo chenguva dzose pamberi paJehovha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 28

Ekisodho 28:1-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Zvino uswededze kwauri Aroni, mukuru wako, navanakomana vake pamwechete naye, vabude pakati pavana vaIsiraeri, kuti andishumire pabasa roupristi, vanoti; Aroni, naNadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari, ivo vanakomana vaAroni. Uitire Aroni, mukuru wako, nguo tsvene, akudzwe nadzo, uye huve ukomba. Utaure navose vane mwoyo yakachenjera, vandakazadza nomweya wouchenjeri, kuti vaitire Aroni nguo dzokumuita mutsvene nadzo, kuti andishumire pabasa roupristi. Nguo dzaunofanira kuita ndidzo: Hombodo yechipfuva, neefodhi, nejasi, nenguo yakarukwa, nenguwani, nebhanhire; ngavaitire Aroni, mukoma wako, navanakomana vake nguo tsvene, kuti andishumire pabasa roupristi. Ngavatore ndarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka. “Efodhi ngavaiite nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romubati wakachenjera. Ngaive namabande maviri pamafudzi akabatanidzwa pamiromo yayo miviri; kuti ibatanidzwe saizvozvo. Nebhanhire rakarukwa nomubati wakachenjera, riri pamusoro payo, rokuisunga naro, ngariitwe saiyo, uye chive chinhu chimwe chete nayo, iitwe nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. Utorewo mabwe maviri eonikisi, ugonyora pamusoro pawo mazita avana vaIsiraeri, mazita matanhatu pabwe rimwe, namazita matanhatu akasara pane rimwe ibwezve, pakuzvarwa kwavo. Unyore pamabwe iwayo maviri, sebasa romuvezi wamabwe, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, mazita avana vaIsiraeri; uanyudze muzviruva zvendarama. Zvino uise mabwe iwayo maviri pamabande apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana vaIsiraeri; Aroni ngaatakure mazita awo pamberi paJehovha pamafudzi ake maviri, chive chokurangaridza. “Unofanira kuitawo zviruva zvendarama, nezviketani zviviri zvendarama yakaisvonaka; uzviite sorwonzi rwakakoswa, ugoisa zviketani izvo zvakamoniwa pazviruva izvozvo. “Unofanira kuitawo hombodo yechipfuva yokutonga, rive basa romubati wakachenjera; uiite ifanane neefodhi, uiite nendarama, nezvakarukwa, zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. Ngaive nenhivi ina dzakaenzana, dzakaita mheto mbiri; kureba kwayo kuite sapanosvika minwe, noupamhi hwayo sapanosvika minwewo. Uise mukati mayo zviruva zvinamabwe, misara mina yamabwe; mumwe musara uve nesadhio, netopasi, nekabhunakeri. Ndiwo musara wokutanga. Pamusara wechipiri samaragidhino, nesafiri, nedhaimani; pamusara wechitatu hiakindi, neagati, neametisi; pamusara wechina beriri neonikisi, nejasipiri; ngaapotedzwe nendarama muzviruva zvawo. Mabwe iwayo ngaave namazita avana vaIsiraeri ane gumi namaviri, sezvinoita mazita avo; ngaave namarudzi ane gumi namaviri, rimwe nerimwe rive nezita raro, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa. Napahombodo yechipfuva unofanira kuita zviketani zvakafanana norwonzi, zvendarama yakamoniwa yakaisvonaka. Uitewo pahombodo yechipfuva zvindori zviviri zvendarama, ugoisa zvindori izvo zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva. Zvino uise zviketani zviviri zvendarama yakamoniwa pazvindori zviviri zviri pamicheto yehombodo yechipfuva. Nemimwe miromo miviri yezviketani zviviri zvakamoniwa uzviise pazviruva zviviri, uzviise pamabande apamafudzi eefodhi nechemberi kwayo. Uitewo zvindori zviviri zvendarama, ugozviisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo uri kurutivi rweefodhi nechomukati. Unofanira kuitawo zvindori zviviri zvendarama, ugozviisa pamabande maviri apamafudzi eefodhi zasi nechemberi kwayo, pedyo payakabatanidzwa napo, pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri. Zvino ngavasunganidze hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi norwonzi rutema, kuti ruve pamusoro pebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri, kuti hombodo yechipfuva irege kusununguka paefodhi. “Naizvozvo Aroni anofanira kutakura mazita avana vaIsiraeri pahombodo yechipfuva yokutonga pamoyo wake, kana achipinda panzvimbo tsvene, kuti chive chirangaridzo pamberi paJehovha nguva dzose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 28

Ekisodho 28:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Unozofanira kuti mukoma wako Aroni navanakomana vake Nadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru vauye kwauri, unditsaurire ivavo pakati pavaIsiraeri vandishandire savapristi. Unogadzirira mukoma wako Aroni hanzu dzinoera dzakanaka dzinopa chiremera, utaurirewo vanhu vose vandakapa unyanzvi hwokuita mabasa, vasonere Aroni hanzu agadzwe basa rokundishandira roupristi. Hanzu dzavachagadzira ndedzidzi: nyembe yapadundundu nehanzu yeefodhi negemenzi nehanzu yakarukwa inenge yoda kusvika mumabvi, ina mavara mavara, nengundu nomundya. Ngavasonere mukoma wako Aroni, navana vake vakomana hanzu idzodzi dzinoera kuti vandishandire basa roupristi. Ngavashandise machira erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku pamwechete neyendarama. “Hanzu yeefodhi ngaigadzirwe namachira erineni akanakisisa akanyatsogadzirwa zvakanakisisa, irukirwe newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku neyendarama. Ngaive nezvipenga zviviri zvapamapfudzi zvakasonererwa pairi kuti ikwanise kukoperwa. Unofanira kuiitira mundya wakanyatsorukwa wejira rimwechetero rakagadzirwa zvimwechetezvo wakarukirirwa neshinda yendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku nerineni yakanakisisa. Uyewo unozotora mabwe anokosha maviri eonikisi, unyore paari mazita avana vavaIsiraeri vakomana gumi navaviri. Unonyora mazita matanhatu pane rimwe ibwe, wonyorawo mamwe mazita matanhatu pane rimwe racho. Mazita iwayo ngaanyorwe achitevedza mazero okuberekwa kwavo. Unonyora pamabwe iwayo sezvinoita nyanzvi inonyora pamabwe anokosha, unyore mazita avana vaIsiraeri vakomana, uise mabwe maviri iwayo patusefa twesimbi twendarama. Unoisa mabwe iwayo ari maviri pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi kuti ave mabwe anomirira marudzi ose avaIsiraeri. Naizvozvo Aroni achatakura mazita iwayo pamapfudzi ake, pana Tenzi kuti ave chiyeuchidzo. Uyewo unogadzira tusefa twesimbi tuviri twendarama twokunamatidzira mabwe, wozogadzira tucheni tuviri twakakoswa twendarama chaiyo yakanakisisa unamatidze tucheni twakakoswa itwotwo patusefa twesimbi twacho. “Unofanira kugadzira nyembe yepadundundu yokutonga nayo, yakanakisisa yakaitwa sezvakaitwa efodhi yakagadzirwa nejira rerineni rakanakisisa, rakarukirwa neshinda ine ruvara rwendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Ngaive yakapetwa ruviri iine mativi mana akaenzana. Kureba nokufara kwayo ngakuite masendimita makumi maviri ana maviri. Unoisa pairi mitsara mina yetumabwe tunokosha. Mutsara wokutanga ngauve nekatombo kerubhi netopazi neganeti. Mutsara wechipiri ngauve nekeemeradhi nesafaya nedhaimondi. Mutsara wechitatu ngauve neketekoizi, neagati, neamatesiti. Mutsara wechina ngauve nebherini neonikisi nejasipa. Tumabwe itwotwo ngatuiswe patusefa twesimbi twendarama twokuisa paturi mabwe. Panofanira kuva notumabwe gumi notuviri tune mazita atwo twakangoenzanirana namazita avana vaIsiraeri vakomana. Kamwe nekamwe kaine zita rako, twakamirira madzinza gumi namaviri avaIsiraeri twakanyorwa sechidhindo. Unozogadzira tucheni tuviri twakakoswa twendarama chaiyo yakanakisisa twokuisa panyembe yepadundundu, wozogadzirawo maringi maviri endarama anosonerwa pamakona maviri ekumusoro kwenyembe yepadundundu. Unofanira kusungirira tucheni tuviri twakakoswa twendarama itwotwo pamaringi maviri ekwokupedzesera kwenyembe yepadundundu. Unobatanidza mumwe muromo wetucheni tuviri twokumusoro itwotwo notusefa twesimbi twendarama tuya twepamapfudzi, mberi kweefodhi. Uyewo unozogadzira maringi maviri endarama, woasonerera nechomukati menyembe yapadundundu, pamakona ezasi, pedyo neefodhi. Unozogadzirawo mamwe maringi maviri endarama, woasonerera pamindya yeefodhi nechapamusoro pomundya uya wakanyatsorukwa womuchiuno nechapadumbu. Vanofanira kusungirira nyembe yepadundundu nomundya weruvara rwedenga vachisunganidza maringi ari panyembe yepadundundu namaringi ari paefodhi, kuitira kuti nyembe yepadundundu igare yakasimba iri pamusoro pomundya wakanyatsorukwa uya womuchiuno. “Saka Aroni paanozopinda munzvimbo inoera achapfeka padundundu nyembe yokutonga nayo iya ina mazita avanakomana vavaIsiraeri gumi navaviri sechiyeuchidzo pana Tenzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 28

Ekisodho 28:1-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino usweɗedze kwauri Aroni, mukuru wako, naʋanakomana ʋake pamŋe cete naye, ʋaɓuɗe pakati paʋana ʋaIsraeri, kuti andishumire paɓasa roʋuprista, ʋanoti, Aroni, naNadabi, naAbihu, naEreazari, naItamari, iʋo ʋanakomana ʋaAroni. Uitire Aroni, mukuru wako, ŋguʋo tȿene, akudzwe nadzo, ʋuye bguʋe ʋukomba. Utaure naʋose ʋanemŋoyo yakacenjera, ʋandakazadza nomŋeya woʋucenjeri, kuti ʋaitire Aroni ŋguʋo dzokumuita mutȿene nadzo, kuti andishumire paɓasa roʋuprista. Ŋguʋo dzaʋanofanira kuita ndidzo: Homboɗo yecifuʋa, neefodi, nejasi, neŋguʋo yakarukwa, neŋgoani, nebanhire; ŋgaʋaitire Aroni, mukoma wako, naʋanakomana ʋake ŋguʋo tȿene, kuti andishumire paɓasa roʋuprista. Ŋgaʋatore ndarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka. Efodi ŋgaʋaiite nendarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romuɓati wakacenjera. Ŋgaiʋe namabande maʋiri pamafudzi akaɓatanidzwa pamiromo yayo miʋiri; kuti iɓatanidzwe saiɀoɀo. Nebanhire rakarukwa nomuɓati wakacenjera, riri pamsoro payo, rokuisuŋga naro, ŋgariitwe saiyo, ʋuye ciʋe cinhu cimŋe cete nayo, iitwe nendarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa. Utore ʋo mabge maʋiri eoniksi, ugonyora pamsoro pawo mazita aʋana ʋaIsraeri, mazita matanhatu pabge rimŋe, namazita matanhatu akasara panerimŋe ibge ɀe, pakuɀarwa kwaʋo. Unyore pamabge iwayo maʋiri, seɓasa romuʋezi wamabge, seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, mazita aʋana ʋaIsraeri; uanyudze muɀiruʋa ɀendarama. Ɀino uise mabge iwayo maʋiri pamabande apamafudzi eefodi, kuti aʋe mabge okuraŋgaridza ʋana ʋaIsraeri; Aroni ŋgaatakure mazita awo pamberi paJehova pamafudzi ake maʋiri, ciʋe cokuraŋgaridza. Unofanira kuita ʋo ɀiruʋa ɀendarama, neɀiketani ɀiʋiri ɀendarama yakaiȿo‐naka; uɀiite sorwonzi rwakakoshwa, ugoisa ɀiketani iɀo ɀakamoniwa paɀiruʋa iɀoɀo. Unofanira kuita ʋo homboɗo yecifuʋa yokutoŋga, riʋe ɓasa romuɓati wakacenjera; uiite ifanane neefodi, uiite nendarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa. Ŋgaiʋe nenhiʋi inna dzakaenzana, dzakaita mheto mbiri; kureɓa kwayo kuite sapanoȿika minwe, noʋupamhi bgayo sapanoȿika minwe ʋo. Uise mukati mayo ɀiruʋa ɀinamabge, misara minna yamabge; mumŋe musara uʋe nesardio, netopasi, nekarbunkeri. Ndiwo musara wokutaŋga. Pamusara wecipiri smaragdino, nesafiri, nedaimani; pamusara wecitatu hiakinti, neagati, neametisi; pamusara wecinna beriri neoniksi, nejaspiri; ŋgaapotedzwe nendarama muɀiruʋa ɀawo. Mabge iwayo ŋgaaʋe namazita aʋana ʋaIsraeri anegumi namaʋiri, seɀinoita mazita aʋo; ŋgaaʋe namarudzi anegumi namaʋiri, rimŋe nerimŋe riʋe nezita raro, seɀinonyorwa ibge rokusimbisa. Napahomboɗo yecifuʋa unofanira kuita ɀiketani ɀakafanana norwonzi, ɀendarama yakamoniwa yakaiȿo‐naka. Uite ʋo pahomboɗo yecifuʋa ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoisa ɀindori iɀo ɀiʋiri pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa. Ɀino uise ɀiketani ɀiʋiri ɀendarama yakamoniwa paɀindori ɀiʋiri ɀiri pamiceto yehomboɗo yecifuʋa. Nemimŋe miromo miʋiri yeɀiketani ɀiʋiri ɀakamoniwa uɀiise paɀiruʋa ɀiʋiri; uɀiise pamabande apamafudzi eefodi necemberi kwayo. Uite ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoɀiisa pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa pamupendero wayo uri kurutiʋi rweefodi necomukati. Unofanira kuita ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoɀiisa pamabande maʋiri apamafudzi eefodi zasi necemberi kwayo, pedyo payakaɓatanidzwa napo, pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri. Ɀino ŋgaʋasuŋganidze homboɗo yecifuʋa neɀindori ɀayo paɀindori ɀeefodi norwonzi rutema, kuti ruʋe pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri, kuti homboɗo yecifuʋa irege kusunuŋguka paefodi. Naiɀoɀo Aroni unofanira kutakura mazita aʋana ʋaIsraeri pahomboɗo yecifuʋa yokutoŋga pamŋoyo wake, kana acipinda panɀimbo tȿene, kuti ciʋe ciraŋgaridzo pamberi paJehova ŋguʋa dzose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 28

Ekisodho 28:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)