Ekisodho 26:1-37
Ekisodho 26:1-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uite tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, nowebhuruu, pepuru nomutsvuku, namakerubhi akasonerwa mairi nemhizha dzamabasa amaoko. Zvidzitiro zvose zvinofanira kuva zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namasere uye makubhiti mana paupamhi. Ubatanidze zvidzitiro zvishanu pamwe chete, ugoita zvimwe chetezvo nezvimwe zvishanu. Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wechidzitiro zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nechidzitiro chokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa. Uite zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chimwe chete uye makumi mashanu ezvishwe pamucheto wechidzitiro chezvimwe zvakabatanidzwa, zvishwe zvitarisane chimwe nechimwe. Ipapo ugoita zvikoreko zvegoridhe makumi mashanu uye uzvishandise kubatanidza zvidzitiro pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe. “Uite zvidzitiro zvamakushe embudzi zvetende riri pamusoro petabhenakeri, zvose zvive gumi nerimwe pamwe chete. Zvidzitiro zvose zviri gumi nerimwe zvinofanira kuenzana, makubhiti makumi matatu pakureba uye makubhiti mana paupamhi. Ubatanidze zvidzitiro zvishanu pamwe chete zviite chinhu chimwe chete uye zvimwe zvitanhatu zvivewo chinhu chimwe chete. Upete chidzitiro chechitanhatu kaviri pamberi petende. Uite zvishwe makumi mashanu pamupendero wechidzitiro chokumucheto zvakabatanidzwa uyewo pamupendero wechidzitiro chokumucheto kwezvimwe zvakabatanidzwa. Ipapo ugoita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu ugozviisa muzvishwe kuti zvibatanidze tende pamwe chete chigova chinhu chimwe chete. Kana zviri zvokuwedzera urefu hwezvidzitiro zvetende, hafu yechidzitiro inenge yasara inofanira kurembera necheshure kwetabhenakeri. Zvidzitiro zvetende zvinofanira kurebesa nekubhiti rimwe chete pamativi ose ari maviri; zvinenge zvasara zvinofanira kurembera pamativi etabhenakeri kuti zvigoifukidza. Uite chifukidzo chetende chamatehwe amakondobwe akapendwa nezvitsvuku, uye pamusoro paizvozvo chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa. “Uitire tabhenakeri mapuranga akati twi amatanda omuunga. Puranga rimwe nerimwe rinofanira kureba makubhiti gumi uye kubhiti nehafu paupamhi, nembambo mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Uite mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyoyi. Uite mapuranga makumi maviri okurutivi rwezasi rwetabhenakeri uye uite zvigadziko zvesirivha makumi mana kuti zvive pasi pawo, zvigadziko zviviri papuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe. Kuno rumwe rutivi, rwokumusoro kwetabhenakeri, uite mapuranga makumi maviri, uye zvigadziko zvesirivha makumi mana. Zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. Uite mapuranga matanhatu kurutivi rwokumucheto cheto, ndiko kumavirira etabhenakeri, uye uite mapuranga maviri amakona okumucheto cheto. Pamakona maviri aya, anofanira kuva maviri maviri kubva pasi kusvikira kumusoro, uye agadzikwe mumhete imwe chete; ose ari maviri ngaave saizvozvo. Saka pachava namapuranga masere uye zvigadziko zvesirivha gumi nezvitanhatu, zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. “Uyewo uite mbariro dzamatanda omuunga: shanu dzamapuranga okuno rumwe rutivi rwetabhenakeri, shanu dzaaya ari pano rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga okumavirira, kumucheto cheto kwetabhenakeri. Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga. Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe. “Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo. “Uite chidzitiro chebhuruu, nechepepuru nechitsvuku chomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, namakerubhi akasonerwapo nenyanzvi yokusona. Urirembedze nezvikorekedzo zvegoridhe pamatanda mana omuunga akafukidzwa negoridhe uye amire pamusoro pezvigadziko zvina zvesirivha. Urembedze chidzitiro pazvikorekedzo uye ugoisa areka yeChipupuriro shure kwechidzitiro. Chidzitiro ichi chichaparadzanisa NZVIMBO TSVENE NEVNZVIMBO TSVENE-TSVENE. Uise chifukidziro chokuyananisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri MUNZVIMBO TSVENE-TSVENE. Uise tafura kunze kwechidzitiro nechokumusoro kwetabhenakeri ugogadzika chigadziko chomwenje chakatarisana nayo nechezasi. “Pamukova wokupinda mutende uite chidzitiro chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romusoni anogona. Uite zvikorekedzo zvegoridhe zvechidzitiro ichi uye matanda mashanu omuunga akafukidzwa negoridhe. Uye uaumbire zvigadziko zvishanu zvendarira.
Ekisodho 26:1-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Uite tabhenakeri namachira ane gumi, uaite nomucheka wakaisvonaka, wakarukwa, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvina makerubhi, rive basa romunhu anogona kuruka. Kureba kwejira rimwe nerimwe ngakuve makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi hwejira rimwe nerimwe makubhiti mana; machira ose aenzane. Machira mashanu ngaabatanidzwe pamwechete, namamwe machira mashanu ngaabatanidzwe pamwechetezve. Uite zvishwe zvitema pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete; ugoitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira panaakabatanidzwazve pamwechete. Uite zvishwe zvina makumi mashanu pajira rimwe, nokuitawo zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira ramamwe akabatanidzwa pamwechete, zvishwe zvitararisane. Uitewo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, ugobatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo, tabhenakeri chive chinhu chimwe chete. “Uite machira emvere dzembudzi rive tende pamusoro petabhenakeri; uiite namachira ane gumi nerimwe. Kureba kwejira rimwe ngakuve makubhiti ana makumi matatu, noupamhi hwejira rimwe makubhiti mana; machira ane gumi nerimwe aenzane. Ubatanidze machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechete, ugopeta jira rechitanhatu, riite mheto mbiri kumuromo kwetende. Uitewo zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete, nezvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rokupedzisira panamamwe akabatanidzwa pamwechete. Uitewo zvikorekedzo zvina makumi mashanu zvendarira, ugoisa zvikorekedzo muzvishwe, ubatanidze tende pamwechete chive chinhu chimwe chete. Rutivi rwakasara runorembera pamachira etende, hafu yejira rimwe rakasara, ngarirembere necheshure kwetabhenakeri. Uye kubhiti rimwe panorumwe rutivi, nekubhiti rimwe panorumwe rutivizve, zvakasara pakureba kwamachira etende, ngazvirembere panhivi dzetabhenakeri nechouno nechokoko, kuifukidza. “Uitirewo tende chifukidzo chamatehwe amakondohwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatehwe amatenhe pamusoro paizvozvo. “Uitirewo tabhenakeri mapuranga anomiswa omuakasia. Kureba kwepuranga rimwe nerimwe ngakuve makubhiti ane gumi, noupamhi hwepuranga rimwe nerimwe kubhiti rimwe nehafu. Puranga rimwe nerimwe ngariitirwe zvibato zviviri, zvakabatanidzwa; ndizvo zvaunofanira kuitira mapuranga ose etabhenakeri. Unofanira kuita mapuranga etabhenakeri, mapuranga ana makumi maviri kurutivi rwezasi, anotarira zasi. Itawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga pazvibato zvaro zviviri; uye mapuranga makumi maviri kurutivi rwechipiri rwetabhenakeri kurutivi rwokumusoro; nezvigadziko zvawo zvesirivha zvina makumi mana, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga. Itawo mapuranga matanhatu kurutivi rwemberi rwetabhenakeri kumavirazuva. Uitewo mapuranga maviri kumakona etabhenakeri kurutivi rwemberi. Ngaaite maviri nechenyasi; saizvozvo ngaave maviri akabatanidzwa kusvikira kumusoro kuchindori chokutanga; ngaaitwe saizvozvo ari maviri, avepo pamakona maviri. Ave mapuranga masere ane zvigadziko zvawo zvesirivha, zvive zvigadziko zvine gumi nezvitanhatu; zvigadziko zviviri zvive pasi pepuranga rimwe nezvigadziko zviri pasi perimwe puranga. “Uitewo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuranga orumwe rutivi rwetabhenakeri; nembariro shanu dzamapuranga orutivi rwechipiri rwetabhenakeri, nembariro shanu dzamapuranga orutivi rwetabhenakeri kurutivi rwemberi kumavirazuva. Rumbariro rwapakati ngaruve pakati pamapuranga, rubve kuno rumwe rutivi ruchindosvikira kuno rumwe rutivi. Ufukidze mapuranga nendarama; uitewo zvindori zvawo nendarama, pangagara mbariro: nembariro udzifukidze nendarama. Uvake tabhenakeri nomufananidzo wayo wawakaratidzwa mugomo. “Uitewo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; ngachiitwe chinamakerubhi, rive basa romunhu anogona kuruka. Uchirembedze pambiru ina, dzomuakasia dzakafukidzwa nendarama, uye dzinofanira kumira pazvigadziko zvadzo zvina zvesirivha. Urembedze chidzitiro pasi pezvikorekedzo, ugoisamo areka yechipupuriro mukati mechidzitiro; chidzitiro chigova kwamuri chinhu chinoparadzanisa pakati penzvimbo tsvene nenzvimbo tsvene-tsvene. Uisewo chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka yechipupuriro panzvimbo tsvene-tsvene. Tafura uiise kunze kwechidzitiro nechigadziko chemwenje chakatarisana netafura parutivi rwetabhenakeri kurutivi rwenyasi; tafura uiise kurutivi rwokumusoro. “Unofanira kuitirawo mukova wetende chidzitiro chezvakarukwa zvitema, nezvishava nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona. Uitire chidzitiro mbiru shanu dzomuakasia, uchidzifukidza nendarama; zvikorekedzo zvadzo zvive zvendarama, uye uzviumbire zvigadziko zvishanu zvendarira.
Ekisodho 26:1-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Unofanira kugadzira tendhe rinoera sezvizvi: unotora machira gumi makuru okudzikatirisa ugadzire tendhe rinoera. Machira ngaave erineni akanaka akarukirirwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku worukira mifananidzo yamakerubhu pamachira iwayo. Machira acho ose ngaave akaenzana, kureba kwejira rimwe nerimwe ngakuite mamita gumi namaviri, kufara kwaro kuite mamita maviri. Pamachira okudzikatirisa iwayo, mashanu acho ngaasonanidzwe pawo oga, mamwewo mashanu asonanidzwewo ari pawo oga. Usungewo zvishwe zvomucheka woruvara rwedenga pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye okutanga, uite saizvozvo pamupendero wejira rokunzekunze pamachira echipiri aya. Unosunga makumi mashanu ezvishwe pamupendero wejira rokunzekunze pamachira okutanga aya, wosungawo zvimwe zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aye echipiri, zvishwe izvozvo zvisungirirwe zvakatarisana. Unozogadzira zvokukochekeresa zvendarama makumi mashanu, ukochekedze machira maviri aya okudzikatirisa ave tendhe rimwechete. “Denga retendhe unorigadzirira machira makuru emvere dzembudzi okuisapo, unoagadzira ari machira okudzikatirisa gumi nerimwechete. Machira acho ose ari gumi nerimwechete, ngaave akaenzana. Kureba kwejira rimwe nerimwe ngakuite mamita gumi namatatu, kufara kwaro kuite mamita maviri. Pamachira iwayo, mashanu acho ngaasonanidzwe pawo oga, matanhatu acho asonanidzwewo ari pawo oga. Jira rechitanhatu rinopfuurira nechepamusuo petendhe ngaripeterwe padenga ruviri. Unosunga makumi mashanu ezvishwe pamupendero wejira rokunzekunze pamachira okutanga aya, usungewo zvimwe zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokunzekunze pamachira aya echipiri. Unozogadzira zvokukochekeresa nazvo makumi mashanu zvendarira, ukochekedze machira maviri aye muzvishwe ave rimwechete. Rimwe jira riya rinosara rakapfuurira mamwe ngarirembere necheseri kwetendhe. Jira rapadenga rinofanira kupfuurira hwasha hwedenga richiti uku ropfuurira namasendimita makumi mashanu, ukuwo ropfuurira namasendimita makumi mashanu rorembera kumativi maviri kuti rifukidze tendhe rinoera. “Uyewo wozoita madahunha maviri, rimwe racho riite ramatehwe ehwai akasukwa akatsvukiswa, rimwe riri ramatehwe etahashi. “Unofanira kuveza mapango omuunga okumisa chengo chetendhe rinoera. Mapango acho ngaave mamita mana kureba, aine upamhi makumi matanhatu amasendimita ane masendimita matanhatu. Unotema zviga zviviri pabango roga roga zvinobatsira kuti mapango anyatsoti gedye gedye kubatana. Ndizvo zvaunofanira kuita namapango ose etendhe rinoera. Unogadzirawo mapango makumi maviri okumisisa tendhe rinoera kumaodzanyemba, woita zvigadzikiro zvesirivha makumi mana zvokumisa mapango iwayo. Pabango rimwe nerimwe ngapave nezvigadzikiro zviviri. Zvigadzikiro izvozvo ngazvigumane musana pasi pezviga zviya zvamapango. Kudivi rechipiri, kuchamhembe kwetendhe rinoera, ngakumiswe mapango makumi maviri ane zvigadzikiro zvawo zvesirivha zvinokwana makumi mana, pabango roga roga zvigadzikiro zviviri. Kuseri kwetendhe rinoera nechokumadokero ngakuvezerwewo mapango matanhatu. Unofanira kuveza mapango maviri maviri okuisa pamakona maviri okuseri kwetendhe. Pamakona iwayo, mapango maviri epo, nechepasi, ngaarege kuti kwati kwati, kumusoro kwawo ngaabatane paringi rokutanga, ndozvaachange akaita ose ari maviri, ndiwo achave pamakona ose iwayo ari maviri. Saka kuseri kwetendhe kuchava namapango masere ane zvigadzikiro zvawo zvesirivha gumi nezvitanhatu akati, bango iri nezvigadzikiro zvaro zviviri, iriwo nezvigadzikiro zvaro zviviri. “Unofanira kugadzira mbariro dzomuunga, shanu ngadzive dzokubatanidza mapango orutivi rumwechete rwetendhe, dzimwe shanu dzive dzokubatanidza mapango orumwe rutivi, kwouyawo dzimwe shanu dzokubatanidza mapango okumadokero kuseri kwetendhe. Rumbariro rwapakati ngarutenderere namapango ose nechapakati napakati pawo, kusvika kunze nokunze. Mapango ose nembariro dzose ngazvinamirirwe nendarama. Maringi endarama anopfekerwa mbariro ngaaiswe pamapango iwayo. Saka unofanira kugadzira tendhe rinoera iroro usingasiyanise nezvandakuratidza mugomo muno. “Unofanira kutora machira erineni yakanakisisa ugadzire jira rechidzikatiro, urirukire uchirishongedza newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Ushongedze jira iroro uchirirukira zvakanakisisa makerubhu. Jira rechidzikatiro unoriturika pamapango mana omuunga akanamatidzwa ndarama, ane zvipikiri zvendarama nechokumusoro, dzinomiswa pazvigadzikiro zvina zvesirivha. Unorembedza jira rechidzikatiro pane zvokukochekera izvozvo, uise bhokisi rechitenderano mutendhe rinoera munzvimbo iri kuseri kwejira rechidzikatiro. Jira rechidzikatiro ndiro richakamuranisa tendhe kuita nzvimbo mbiri dzinoti: nzvimbo inoera nenzvimbo inoeresesa. Unozoisa hwidibiro pabhokisi rechitenderano riri munzvimbo inoeresesa, woisawo teburu munzvimbo inoera nechokuchamhembe. Chigadzikiro chomwenje uchiise pakatarisana neteburu iyoyo nechokumaodzanyemba. “Unofanira kugadzira jira rokudzikatirisa rokuisa pamusuo wetendhe. Ngarigadzirwe namachira erineni akanakisisa akarukirwa achishongedzwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Unogadzira mapango mashanu omuunga okubata jira iroro, wonamirira mapango acho ndarama. Ngaave nezvipikiri zvawo zvendarama nezvigadzikiro zvishanu zvendarira.
Ekisodho 26:1-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Uite tabernakeri namacira anegumi, uaite nomuceka wakaiȿo‐naka, wakarukwa, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, ɀinamakerubi, riʋe ɓasa romunhu unogona kuruka. Kureɓa kwejira rimŋe nerimŋe ŋgakuʋe makubiti makumi maʋiri namasere, noʋupamhi bgejira rimŋe nerimŋe makubiti manna; macira ose aenzane. Macira mashanu ŋgaaɓatanidzwe pamŋe cete, namamŋe macira mashanu ŋgaaɓatanidzwe pamŋe cete ɀe. Uite ɀiswe ɀitema pamupendero wejira rimŋe rokupedzisira panaakaɓatanidzwa pamŋe cete; ugoita ʋo saiɀoɀo pamupendero wejira rokupedzisira panaakaɓatanidzwa ɀe pamŋe cete. Uite ɀiswe ɀinamakumi mashanu pajira rimŋe, nokuita ʋo ɀiswe ɀinamakumi mashanu pamupendero wejira ramamŋe akaɓatanidzwa pamŋe cete, ɀiswe ɀitarisane. Uite ʋo ɀikorekedzo ɀendarama ɀinamakumi mashanu, ugoɓatanidza macira neɀikorekedzo iɀoɀo, tabernakeri ciʋe cinhu cimŋe cete. Uite macira emvere dzembudzi riʋe tente pamsoro petabernakeri; uiite namacira anegumi nerimŋe. Kureɓa kwejira rimŋe ŋgakuʋe makubiti anamakumi matatu, noʋupamhi bgejira rimŋe makubiti manna; macira anegumi nerimŋe aenzane. Uɓatanidze macira mashanu pamŋe cete, namacira matanhatu pamŋe cete, ugopeta jira recitanhatu, riite mheto mbiri kumuromo kwetente. Uite ʋo ɀiswe ɀinamakumi mashanu pamupendero wejira rimŋe rokupedzisira panaakaɓatanidzwa pamŋe cete, neɀiswe ɀinamakumi mashanu pamupendero wejira rokupedzisira panamamŋe akaɓatanidzwa pamŋe cete. Uite ʋo ɀikorekedzo ɀinamakumi mashanu ɀendarira, ugoisa ɀikorekedzo muɀiswe, uɓatanidze tente pamŋe cete, ciʋe cinhu cimŋe cete. Rutiʋi rwakasara runorembera pamacira etente, hafu yejira rimŋe rakasara, ŋgarirembere neceshure kwetabernakeri. Ʋuye kubiti rimŋe panorumŋe rutiʋi, nekubiti rimŋe panorumŋe rutiʋi ɀe, ɀakasara pakureɓa kwamacira etente, ŋgaɀirembere panhiʋi dzetabernakeri necoʋuno necokoko, kuifukidza. Uitire ʋo tente cifukidzo camatebge amakondobge akazodzwa muti mutȿuku, necifukidzo camatebge amatenhe pamsoro paiɀoɀo. Uitire ʋo tabernakeri mapuraŋga anomiswa omuakasia. Kureɓa kwepuraŋga rimŋe nerimŋe ŋgakuʋe makubiti anegumi, noʋupamhi bgepuraŋga rimŋe nerimŋe kubiti rimŋe nehafu. Puraŋga rimŋe nerimŋe ŋgariitirwe ɀiɓato ɀiʋiri, ɀakaɓatanidzwa; ndiɀo ɀaunofanira kuitira mapuraŋga ose etabernakeri. Unofanira kuita mapuraŋga etabernakeri, mapuraŋga anamakumi maʋiri okurutiʋi rwezasi, anotarira zasi. Ita ʋo ɀigadziko ɀesirveri ɀinamakumi manna pasi pamapuraŋga anamakumi maʋiri, ɀigadziko ɀiʋiri pasi pepuraŋga rimŋe paɀiɓato ɀaro ɀiʋiri, neɀigadziko ɀiʋiri pasi perimŋe puraŋga paɀiɓato ɀaro ɀiʋiri; ʋuye mapuraŋga makumi maʋiri kurutiʋi rwecipiri rwetabernakeri kurutiʋi rwokumsoro; neɀigadziko ɀawo ɀesirveri ɀinamakumi manna, ɀigadziko ɀiʋiri pasi pepuraŋga rimŋe, neɀigadziko ɀiʋiri pasi perimŋe puraŋga. Ita ʋo mapuraŋga matanhatu kurutiʋi rwemberi rwetabernakeri kumaʋirazuʋa. Uite ʋo mapuraŋga maʋiri kumakona etabernakeri kurutiʋi rwemberi. Ŋgaaite maʋiri necenyasi; saiɀoɀo ŋgaaʋe maʋiri akaɓatanidzwa kuȿikira kumsoro kucindori cokutaŋga; ŋgaaitwe saiɀoɀo ari maʋiri, aʋe’po pamakona maʋiri. Aʋe mapuraŋga masere aneɀigadziko ɀawo ɀesirveri, ɀiʋe ɀigadziko ɀinegumi neɀitanhatu; ɀigadziko ɀiʋiri ɀiʋe pasi pepuraŋga rimŋe, neɀigadziko ɀiʋiri pasi perimŋe puraŋga. Uite ʋo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuraŋga orumŋe rutiʋi rwetabernakeri; nembariro shanu dzamapuraŋga orutiʋi rwecipiri rwetabernakeri, nembariro shanu dzamapuraŋga orutiʋi rwetabernakeri kurutiʋi rwemberi kumaʋirazuʋa. Rumbariro rwapakati ŋgaruʋe pakati pamapuraŋga, rubve kunorumŋe rutiʋi rucindoȿikira kunorumŋe rutiʋi. Ufukidze mapuraŋga nendarama; uite ʋo ɀindori ɀawo nendarama, paŋgagara mbariro: nembariro udzifukidze nendarama. Uʋake tabernakeri nomufananidzo wayo wawakaratidzwa mugomo. Uite ʋo cidzitiro neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa; ŋgaciitwe cinamakerubi, riʋe ɓasa romunhu unogona kuruka. Ucirembedze pambiru inna dzomuakasia dzakafukidzwa nendarama; ɀikorekedzo ɀadzo ɀiʋe ɀendarama, ʋuye dzinofanira kumira paɀigadziko ɀadzo ɀinna ɀesirveri. Urembedze cidzitiro pasi peɀikorekedzo, ugoisa’mo areka yecipupuriro mukati mecidzitiro; cidzitiro cigoʋa kwamuri cinhu cinoparadzanisa pakati penɀimbo tȿene nenɀimbo tȿene‐tȿene. Uise ʋo cifunhiro cokuyananisa pamsoro peareka yecipupuriro panɀimbo tȿene‐tȿene. Tafura uiise kunze kwecidzitiro necigadziko cemŋenje cakatarisana netafura parutiʋi rwetabernakeri kurutiʋi rwenyasi; tafura uiise kurutiʋi rwokumsoro. Unofanira kuitira ʋo mukoʋa wetente cidzitiro ceɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romusoni unogona. Uitire cidzitiro mbiru shanu dzomuakasia, ucidzifukidza nendarama; ɀikorekedzo ɀadzo ɀiʋe ɀendarama, ʋuye uɀiʋumbire ɀigadziko ɀishanu ɀendarira.
Ekisodho 26:1-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)