Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 23:1-33

Ekisodho 23:1-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Usaparadzira mashoko enhema. Usabatsira munhu akaipa nokuva chapupu chakaipa. “Usatevedzera vanhu vazhinji pakuita zvakaipa. Paunopa umboo mudare redzimhosva, usaminamisa kururamisira uchienda kurutivi rworuzhinji, uye usatsaura munhu murombo uchienda kudivi rake pamhaka yake. “Kana ukaona nzombe yomuvengi wako kana mbongoro yake yarasika, ona kuti waidzosera kwaari. Kana ukaona mbongoro yomunhu anokuvenga yawira pasi nokuda kwokuremerwa, usaisiya ipapo; iva nechokwadi kuti wamubatsira pairi. “Usaramba kururamisira varombo vavanhu vokwako pamatare edzimhosva. Usava nechokuita nokupomerwa kwemhosva yenhema uye usatongera rufu munhu asina mhosva, kana munhu akatendeka, nokuti ini handizopembedzi munhu ane mhosva. “Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vaya vanoona uye inomonyorora mashoko owakarurama. “Musadzvinyirira mutorwa; imi pachenyu munoziva kuti zvakaita sei kuva mutorwa, nokuti makanga muri vatorwa muIjipiti. “Makore matanhatu munofanira kudyara minda yenyu mugokohwa zvirimwa, asi pagore rechinomwe nyika ngairege kurimwa kana kushandiswa. Ipapo varombo vari pakati pavanhu venyu vangawanawo zvokudya kubva mairi, uye zvikara zvesango zvigodya zvavanenge vasiya. Muitewo zvimwe chetezvo kuminda yenyu yemizambiringa neyemiorivhi. “Muite basa renyu mazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe musashanda, kuitira kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore uye nhapwa yakaberekerwa mumba mako, nomutorwa, vazororewo. “Muchenjerere kuti muite zvose zvandakareva kwamuri. Musareva mazita avamwe vamwari; ngaarege kunzwikwa pamiromo yenyu. “Katatu pagore munofanira kupemberera mutambo kwandiri. “Mupemberere Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso; mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso, sezvandakakurayirai. Muite izvi panguva dzakatarwa mumwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi iwoyo ndipo pamakabuda kubva muIjipiti. “Hakuna munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu. “Mupemberere Mutambo woKukohwa nezvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvamakadyara muminda yenyu. “Mupemberere Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore, pamunounganidza zvirimwa zvenyu kubva mumunda. “Varume vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha katatu pagore. “Musapa ropa rechibayiro kwandiri pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso. “Mafuta ezvipiriso zvangu zvomutambo haafaniri kuchengetwa kusvikira mangwana mangwanani. “Muuye nezvakanakisisa zvezvibereko zvokutanga zvevhu renyu kuimba yaJehovha Mwari wenyu. “Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo. “Tarirai, ndiri kutumira mutumwa pamberi penyu kuti akuchengetei munzira uye kuti akusvitsei kunzvimbo yandakakugadzirirai. Murerekere nzeve dzenyu kwaari mugoteerera zvaanoreva. Musamumukira; iye haangazoregereri kumukira kwenyu, sezvo Zita rangu riri maari. Kana mukanyatsoteerera kune zvaanoreva nokuita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi kuvavengi venyu uye ndichapikisa avo vanokupikisai. Mutumwa wangu achakutungamirirai uye achakupinzai munyika yavaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaKenani, vaHivhi navaJebhusi, uye ndichavapedza chose. Musapfugamira vamwari vavo kana kuvanamata kana kuwadzana namabasa avo. Munofanira kuvaparadza uye mugoputsa matombo avo anoyera. Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye ipapo maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu, uye hakuna achabva pamuviri kana asingabereki munyika yenyu. Ndichakupai upenyu huzere. “Ndichatuma kuvhundutsa kwangu pamberi penyu uye ndichauyisa nyonganiso pamusoro pendudzi dzose dzamunosangana nadzo. Ndichaita kuti vavengi venyu vose vatendeuke vagotiza. Ndichatuma mago pamberi penyu kuti adzinge vaHivhi, vaKenani navaHiti kuti vabve munzira yenyu. Asi handizovadzingi mugore rimwe chete, nokuti nyika ingazoita sango uye mhuka dzesango dzikakuwandirai. Ndichavabvisa pamberi penyu zvishoma zvishoma, kusvikira manyatsowanda kuti mutore nyika. “Ndichasimbisa miganhu yenyu kubva kuGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFiristia, uye kubva kuRenje kusvikira kuRwizi. Ndichaisa mumaoko enyu vanhu vagere munyika iyi uye imi muchavadzinga pamberi penyu. Musaita sungano navo kana navamwari vavo. Musavatendera kuti vagare munyika yenyu kuti varege kukuitai kuti munditadzire, nokuti kunamata vamwari vavo kuchava musungo kwamuri zvirokwazvo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 23

Ekisodho 23:1-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Usapupurira mumwe nhema; usabatsirana nowakaipa pakuita chapupu chisakarurama. Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwechete navazhinji kuti irege kururamiswa; usatsaura murombo uchimuitira tsitsi pamhaka yake. Kana ukasangana nenzombe kana mbongoro yakarasika yomuvengi wako, zvirokwazvo unofanira kuidzosera kwaari. Kana ukaona mbongoro yomuvengi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumubatsira, zvirokwazvo umubatsire kuisunungura. Usatsautsa zvakarurama zvomurombo pamhaka yake. Unzvenge shoko renhema; usauraya munhu asina mhosva uye akarurama, nokuti handingaruramisiri akaipa. Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vanoona, nokukanganisa mashoko avakarurama. Usatambudza mutorwa, nokuti munoziva mwoyo womutorwa, zvamakanga muri vatorwa munyika yeIjipiti. Dyara munda wako makore matanhatu, uchikohwa zvibereko zvawo. Asi negore rechinomwe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti varombo vavanhu vako vadye, nemhuka dzesango dzidye zvavasiya. Saizvozvo uitewo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi. Ubate mabasa ako namazuva matanhatu, ugozorora nezuva rechinomwe; kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore, nomwanakomana womurandakadzi wako nomutorwa vambofema havo. Zvinhu zvose zvandakakuudzai muzviteerere; musareva zita ravamwe vamwari, ngarirege kunzwika pamiromo yenyu. Undiitire mutambo katatu pagore. Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi (nokuti wakabuda nawo Ijipiti); kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu; uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadyara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda. Varume venyu vose ngavauye pamberi paShe Mwari katatu pagore. Usandivigira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; namafuta omutambo wangu arege kuvata usiku hwose kusvikira mangwana. Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo. Tarira, ndinotuma mutumwa pamberi pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira. Munzwei, muteerere izwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari. Asi kana ukateerera izwi rake nomwoyo wake wose, ukaita izvozvo zvose zvandinotaura, ndichava muvengi wavavengi vako, nomudzivisi wavadzivisi vako. Nokuti mutumwa wangu achakutungamirira, akusvitse kuvaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaKenani, navaHivhi, navaJebhusi; ini ndichavaparadza. Usapfugamira vamwari vavo, kana kuvashumira, kana kutevera mabasa avo; asi unofanira kuvaparadza chose, nokuputsanya shongwe dzavo. Shumira Jehovha Mwari wako, kuti aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni ndichabvisa urwere pakati penyu. Hakungavi nechinhu chinosvodza, kana chisingabereki panyika yako; ndichazadzisa mazuva ako. Ndichatuma chityiso changu pamberi pako, nokukanganisa ndudzi dzose dzauchasvika kwadziri, ndichafuratidza vavengi vako vose. Ndichatuma mago pamberi pako, adzinge vaHivhi, navaKenani, navaHeti pamberi pako. Handingavadzingi pamberi pako negore rimwe, kuti nyika irege kuita renje, zvikara zvesango zvirege kukuwandira. Ndichanyatsovadzinga pamberi pako, kusvikira mava vazhinji, upiwe nyika ive nhaka yako. Ndichaisa miganhu yako kubva paGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFirisitia, nokubva kurenje kusvikira kuRwizi, nokuti ndichapa vagere munyika mumaoko enyu, uvadzinge pamberi pako. Rega kuita sungano navo, kana navamwari vavo. Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukutadzisa pamberi pangu, nokuti kana ukashumira vamwari vavo, zvirokwazvo izvo zvichava musungo kwauri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 23

Ekisodho 23:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Usafambise makuhwa. Usarangane nomunhu ane mhosva kuti uzomupupurira zvenhema. Usaite chinhu chakaipa pamusana pokuti chiri kuitwa navanhu vazhinji, kana kungotevera ruzhinji mukupupurira zvisiri zvechokwadi padare. Tonga mhosva yomurombo nomazvo usingamupembedzi nokuda kwokuti murombo. “Kana ukaona mombe kana kuti dhongi romuvengi wako rarasika unofanira kuridzorera kwaari. Kana ukaona dhongi romuvengi wako rawira pasi rakatsitsirirwa nomutoro waro, mubatsire kurimutsa, usangosiya zvakadaro. “Usaminamise mhosva yomurombo padare uchirega kuitonga nomazvo. Siyana nokupomera vanhu mhosva dzavasina, urege kuti munhu asina mhosva, mururami aurayiwe. Ndinodaro nokuti muipi handingati haana mhosva. Usagamuchire pfumbamuromo nokuti pfumbamuromo inopofomadza vari pazvigaro zvoukuru, ichitadzisawo mururami kutaura chokwadi. “Usabate mutorwa zvakaipa. Imi munoziva wani upenyu hwomutorwa nokuti imi maivawo vatorwa kunyika yeIjipiti. “Rima zvako munda wako kwamakore matanhatu, uchikohwa mbesa dzawo. Asi pagore rechinomwe, rega usaruke usina kuurima uchiuzorodza kuitira kuti varombo vokwenyu vadye zvavo mahoko acho. Uye mhuka dzesango dzidyewo zvaunosiya. Itai zvimwechetezvo neminda yenyu yemigirepisi neyemiorivhi. “Kwamazuva matanhatu ita zvako basa rako rose, asi pazuva rechinomwe zorora kuitira kuti mombe namadhongi ako azorore, vana vavaranda vako navatorwa vambofurwawo nemhepo. Chenjererai kuita zvose zvandakuudzai, musambodoma zvenyu vamwe vamwari nezita, kunyange zvako kuvati muromo bufu. “Munofanira kuchengeta mazuva makuru okundipemberera, katatu pagore. Munochengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso sezvandakakuudzai, mudye chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe panguva yawo yakatemwa mumwedzi waAbhibhi nokuti mumwedzi iwoyo makabuda muIjipiti. Hakufanire zvako kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata maoko chete. “Uyewo munochengeta zuva rokupemberera kukohwa muchipemberera zvirimwa zvokutanga kukohwa zvebasa ramunenge maita muminda yenyu. “Pakupera kwegore, chengetai zuva rokupemberera kuunganidza mbesa, pamunenge maunganidza mbesa dzenyu nezvamaikohwa muminda. Vanhu venyu vose varume vanofanira kuuya kuneni Tenzi Mwari, katatu pagore. “Musapire kwandiri ropa rechibayiro pamwechete nechingwa chine mbiriso. Mafuta ezvibayiro zvamunondibayira pamazuva makuru musaasiye kusvikira mangwana. “Mbesanwa dzinotanga kuibva dzokutangatanga dzacho, uya nadzo kuimba yaTenzi, Mwari wako. Usabike hwayana kana mbudzana nomukaka wamai vayo. “Chinzwai, ndava kutuma mutumwa wangu achakutungamirirai, achikuchengetai murwendo, anondokusvitsai kunyika yandakakugadzirirai. Muteererei muite zvaanoreva, regai kumupandukira, haazokuregererai zvamunenge makanganisa nokuti ndini ndamutuma muzita rangu. Asi imi mukanyatsoteerera zvaanoreva, muchiita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi wavavengi venyu, nemhandu yemhandu dzenyu. Ndinodaro nokuti mutumwa wangu achakutungamirirai, achikusvitsai kuvaAmori, navaHiti navaPerizi navaKanani navaHivhi navaJebhusi, vandichaparadza. Musapfugamire vamwari vavo, kana kuvanamata, kunyange kutevedzera zviito zvavanhu ivavo. Asi nyatsoputsai zvifananidzo zvavo zvokunamata, muparadze shongwe dzamabwe dzakamisirwa vamwari vavo. Namatai ini Tenzi, Mwari wenyu. Ini ndinozokukomborerai ndichikupai zvokudya nemvura, ndichibvisa zvirwere pakati penyu. Hapachazova nomukadzi anobva pamuviri, kana kushaya mbereko. Ndichakupai upenyu hurefu. Kwamunoenda kwose, ndichaita kuti vafanova mbwende nokukutyai, ndichadzungaidza ndudzi dzoko. Vavengi venyu vose ndichaita kuti vakufuratirei vati ware kutiza. Ndichatyisidzira vavengi vaHivhi navaKanani navaHiti vagoti ware kukutizai savanhu varumwa namago. Handizovadzinga vose negore rimwechete nokuti kana ndikadaro nyika ingasare isina vanhu, zvikara zvikakuwandirai. Kashoma nakashoma ndichafanokudzingirai vanhu ivava kudzamara imi mazova vazhinji, nyika maiita yenyu. Miganho yenyu ichatangira pagungwa Dzvuku kundosvika kugungwa ravaFirisitia, ichitangirawo murenje kundosvika muna Yufuratesi, nokuti ndichaisa vagari venyika iyoyo mumaoko enyu. Musaite chitenderano navo, kana navamwari vavo. Musarege vanhu ivavo vachigara munyika menyu, vangadaro vakazokufurirai mukazonditadzira nokuti kana mukanamata vamwari vavo kuteyiwa chaiko kwamatoitwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 23

Ekisodho 23:1-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Usaita makuhwa; usaɓatsirana nowakaipa pakuita capupu cisakarurama. Usateʋera ʋazhinji pakuita ɀakaipa; usapupura pamhoȿa pamŋe cete naʋazhinji kuti irege kururamiswa; usatsaura murombo ucimuitira tsitsi pamhaka yake. Kana ukasoŋgana nenzombe kana mboŋgoro yakarashika yomuʋeŋgi wako, ɀirokwaɀo unofanira kuidzosera kwaari. Kana ukaʋona mboŋgoro yomuʋeŋgi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumuɓatsira, ɀirokwaɀo umuɓatsire kuisunuŋgura. Usatsausa ɀakarurama ɀomurombo pamhaka yake. Unɀeŋge shoko renhema; usaʋuraya munhu usinemhoȿa ʋuye wakarurama, nokuti handiŋgaruramisiri wakaipa. Usagamucira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza ʋanoʋona, nokukaŋganisa mashoko aʋakarurama. Usatambudza mutorwa, nokuti munoziʋa mŋoyo womutorwa, ɀamakaŋga muri ʋatorwa munyika yeEgipita. Dɀara munda wako makore matanhatu, ucikohwa ɀiɓereko ɀawo. Asi negore recinomŋe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti ʋarombo ʋaʋanhu ʋako ʋadye, nemhuka dzesaŋgo dzidye ɀaʋasiya. Saiɀoɀo uite ʋo nomunda wako wemizambiriŋga nomunda wako wemiorivi. Uɓate maɓasa ako namazuʋa matanhatu, ugozorora nezuʋa recinomŋe; kuti nzombe yako nemboŋgoro yako ɀizorore, nomŋanakomana womurandakadzi wako nomutorwa ʋambofema haʋo. Ɀinhu ɀose ɀandakakuʋudzai muɀiterere; musareʋa zita raʋamŋe ʋamŋari, ŋgarirege kunzwika pamiromo yenyu. Undiitire mutambo katatu pagore. Uite mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa; udye ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe, seɀandakakuraira, paŋguʋa yakatarwa pamŋedzi weAbibi (nokuti wakaɓuɗa nawo Egipita); kurege kuʋa nomunhu unoʋuya pamberi paŋgu asinecinhu; ʋuye mutambo wokuceka, weɀitȿa ɀamaɓasa ako, ɀawakadɀara mumunda mako; ʋuye mutambo wokuʋuŋganidza pakupera kwegore, kana woʋuŋganidza ɀamaɓasa ako pamunda. Ʋarume ʋenyu ʋose ŋgaʋaʋuye pamberi paShe Mŋari katatu negore. Usandiʋigira ropa reciɓayiro caŋgu pamŋe cete neciŋgwa cakaʋiriswa; namafuta omutambo waŋgu arege kuʋata ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana. Ɀokutaŋga ɀeɀitȿa ɀomunda wako unofanira kuʋuya naɀo kumba kwaJehova Mŋari wako. Usaɓika mbudzana mumukaka wamai ʋayo. Tarira, ndinotuma mutumŋa pamberi pako, akuceŋgete panzira, akuise panɀimbo yandakakugadzirira. Mumunzwei, muterere inzwi rake, musamutsamŋisa, nokuti haaŋgakukaŋganwiriyi kuɗarika kwenyu, nokuti zita raŋgu riri maari. Asi kana ukaterera inzwi rake kwaɀo, ukaita iɀoɀo ɀose ɀandinotaura, ndicaʋa muʋeŋgi waʋaʋeŋgi ʋako, nomudziʋisi waʋadziʋisi ʋako. Nokuti mutumŋa waŋgu ucakutuŋgamirira, akuȿitse kuʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaKanani, naʋaHivi, naʋaJebusi; ini ndicaʋaparadza. Usafugamira ʋamŋari ʋaʋo, kana kuʋashumira, kana kuteʋera maɓasa aʋo; asi unofanira kuʋaparadza cose, nokuputsanya shoŋgwe dzaʋo. Shumira Jehova Mŋari wako, kuti aropafadze ciŋgwa cako nemvura yako; neni ndicabvisa ʋurwere pakati penyu. Hakuŋgaʋi necinhu cinoȿodza, kana cisiŋgaɓereki panyika yako; ndicazadzisa mazuʋa ako. Ndicatuma cityiso caŋgu pamberi pako, nokukaŋganisa ndudzi dzose dzaucaȿika kwadziri, ndicafuratidza ʋaʋeŋgi ʋako ʋose. Ndicatuma mago pamberi pako, adziŋge ʋaHivi, naʋaKanani, naʋaHeti pamberi pako. Handiŋgaʋadziŋgi pamberi pako negore rimŋe, kuti nyika irege kuita renje, ɀikara ɀesaŋgo ɀirege kukuwandira. Ndicanatsoʋadziŋga pamberi pako, kuȿikira maʋa ʋazhinji, upiwe nyika iʋe nhaka yako. Ndicaisa miganhu yako kubva paGuŋgwa Dɀuku kuȿikira kuGuŋgwa raʋaFiristia, nokubva kurenje kuȿikira kuRwizi, nokuti ndicapa ʋagere munyika mumaʋoko enyu, uʋadziŋge pamberi pako. Rega kuita suŋgano naʋo, kana naʋamŋari ʋaʋo. Haʋafaniri kugara munyika yako, kuti ʋarege kukutadzisa pamberi paŋgu, nokuti kana ukashumira ʋamŋari ʋaʋo, ɀirokwaɀo iɀo ɀicaʋa musuŋgo kwauri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 23

Ekisodho 23:1-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)