“Usafambise makuhwa. Usarangane nomunhu ane mhosva kuti uzomupupurira zvenhema. Usaite chinhu chakaipa pamusana pokuti chiri kuitwa navanhu vazhinji, kana kungotevera ruzhinji mukupupurira zvisiri zvechokwadi padare. Tonga mhosva yomurombo nomazvo usingamupembedzi nokuda kwokuti murombo.
“Kana ukaona mombe kana kuti dhongi romuvengi wako rarasika unofanira kuridzorera kwaari. Kana ukaona dhongi romuvengi wako rawira pasi rakatsitsirirwa nomutoro waro, mubatsire kurimutsa, usangosiya zvakadaro.
“Usaminamise mhosva yomurombo padare uchirega kuitonga nomazvo. Siyana nokupomera vanhu mhosva dzavasina, urege kuti munhu asina mhosva, mururami aurayiwe. Ndinodaro nokuti muipi handingati haana mhosva. Usagamuchire pfumbamuromo nokuti pfumbamuromo inopofomadza vari pazvigaro zvoukuru, ichitadzisawo mururami kutaura chokwadi.
“Usabate mutorwa zvakaipa. Imi munoziva wani upenyu hwomutorwa nokuti imi maivawo vatorwa kunyika yeIjipiti.
“Rima zvako munda wako kwamakore matanhatu, uchikohwa mbesa dzawo. Asi pagore rechinomwe, rega usaruke usina kuurima uchiuzorodza kuitira kuti varombo vokwenyu vadye zvavo mahoko acho. Uye mhuka dzesango dzidyewo zvaunosiya. Itai zvimwechetezvo neminda yenyu yemigirepisi neyemiorivhi.
“Kwamazuva matanhatu ita zvako basa rako rose, asi pazuva rechinomwe zorora kuitira kuti mombe namadhongi ako azorore, vana vavaranda vako navatorwa vambofurwawo nemhepo. Chenjererai kuita zvose zvandakuudzai, musambodoma zvenyu vamwe vamwari nezita, kunyange zvako kuvati muromo bufu.
“Munofanira kuchengeta mazuva makuru okundipemberera, katatu pagore. Munochengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso sezvandakakuudzai, mudye chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe panguva yawo yakatemwa mumwedzi waAbhibhi nokuti mumwedzi iwoyo makabuda muIjipiti. Hakufanire zvako kuva nomunhu anouya kwandiri akangobata maoko chete.
“Uyewo munochengeta zuva rokupemberera kukohwa muchipemberera zvirimwa zvokutanga kukohwa zvebasa ramunenge maita muminda yenyu.
“Pakupera kwegore, chengetai zuva rokupemberera kuunganidza mbesa, pamunenge maunganidza mbesa dzenyu nezvamaikohwa muminda. Vanhu venyu vose varume vanofanira kuuya kuneni Tenzi Mwari, katatu pagore.
“Musapire kwandiri ropa rechibayiro pamwechete nechingwa chine mbiriso. Mafuta ezvibayiro zvamunondibayira pamazuva makuru musaasiye kusvikira mangwana.
“Mbesanwa dzinotanga kuibva dzokutangatanga dzacho, uya nadzo kuimba yaTenzi, Mwari wako. Usabike hwayana kana mbudzana nomukaka wamai vayo.
“Chinzwai, ndava kutuma mutumwa wangu achakutungamirirai, achikuchengetai murwendo, anondokusvitsai kunyika yandakakugadzirirai. Muteererei muite zvaanoreva, regai kumupandukira, haazokuregererai zvamunenge makanganisa nokuti ndini ndamutuma muzita rangu. Asi imi mukanyatsoteerera zvaanoreva, muchiita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi wavavengi venyu, nemhandu yemhandu dzenyu. Ndinodaro nokuti mutumwa wangu achakutungamirirai, achikusvitsai kuvaAmori, navaHiti navaPerizi navaKanani navaHivhi navaJebhusi, vandichaparadza. Musapfugamire vamwari vavo, kana kuvanamata, kunyange kutevedzera zviito zvavanhu ivavo. Asi nyatsoputsai zvifananidzo zvavo zvokunamata, muparadze shongwe dzamabwe dzakamisirwa vamwari vavo. Namatai ini Tenzi, Mwari wenyu. Ini ndinozokukomborerai ndichikupai zvokudya nemvura, ndichibvisa zvirwere pakati penyu. Hapachazova nomukadzi anobva pamuviri, kana kushaya mbereko. Ndichakupai upenyu hurefu. Kwamunoenda kwose, ndichaita kuti vafanova mbwende nokukutyai, ndichadzungaidza ndudzi dzoko. Vavengi venyu vose ndichaita kuti vakufuratirei vati ware kutiza. Ndichatyisidzira vavengi vaHivhi navaKanani navaHiti vagoti ware kukutizai savanhu varumwa namago. Handizovadzinga vose negore rimwechete nokuti kana ndikadaro nyika ingasare isina vanhu, zvikara zvikakuwandirai. Kashoma nakashoma ndichafanokudzingirai vanhu ivava kudzamara imi mazova vazhinji, nyika maiita yenyu. Miganho yenyu ichatangira pagungwa Dzvuku kundosvika kugungwa ravaFirisitia, ichitangirawo murenje kundosvika muna Yufuratesi, nokuti ndichaisa vagari venyika iyoyo mumaoko enyu. Musaite chitenderano navo, kana navamwari vavo. Musarege vanhu ivavo vachigara munyika menyu, vangadaro vakazokufurirai mukazonditadzira nokuti kana mukanamata vamwari vavo kuteyiwa chaiko kwamatoitwa.”