Ekisodho 22:1-31
Ekisodho 22:1-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kana munhu akaba nzombe kana gwai uye akauraya kana kutengesa anofanira kuripa mombe shanu nokuda kwenzombe uye makwai mana pagwai rimwe chete. “Kana mbavha ikabatwa ichipaza uye ikarohwa ikafa, nyakudzivirira haana mhosva yokuteura ropa; asi kana zvikaitika shure kwokubuda kwezuva, anenge ane mhosva yokuteura ropa. “Mbavha inofanira kudzora zvayaba, asi kana isina chinhu, inofanira kutongeswa kuti iripe umbavha hwayo. “Kana chipfuwo chakabiwa chikawanikwa chichiri chipenyu muruoko rwake, ingava nzombe kana mbongoro kana gwai, iye anofanira kuripa zvava zviviri. “Kana munhu akafudza zvipfuwo zvake mumunda kana mumunda womuzambiringa uye akarega zvipfuwo zvake zvichidya mumunda womunhu, anofanira kudzorera zvakaisvonaka zvinobva mumunda wake kana mumunda wake womuzambiringa. “Kana moto ukapfuta uye ukapararira muzvikwenzi zveminzwa zvokuti unopisa mirwi yezviyo kana zviyo zvimire, kana munda wose, munhu abatidza moto anofanira kudzorera nomuripo. “Kana munhu akapa muvakidzani wake sirivha kana zvinhu kuti achengete zvichibva zvabiwa kubva mumba momuvakidzani, mbavha yacho, kana ikabatwa, inofanira kuripa zvakapetwa kaviri. Asi kana mbavha isina kuwanikwa, muridzi wemba anofanira kumira pamberi pavatongi kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake pazvinhu zvomumwe munhu. Panyaya dzose dzokuchengeta zvisiri pamutemo, nzombe, mbongoro, gwai, nguo kana chimwewo zvacho chakarasika chinonzi nomumwe munhu, ‘Ndechangu ichi’, vaviri ava vanofanira kuuya nenyaya dzavo pamberi pavatongi. Munhu uyo achanzi ane mhosva navatongi anofanira kuripira muvakidzani wake zvakapetwa kaviri. “Kana munhu akapa mbongoro, nzombe, gwai kana chipfuwo chipi zvacho kumuvakidzani wake kuti achengete chichibva chafa kana kukuvara kana kutorwa pasina anozviona, nyaya iri pakati pavo inofanira kugadziriswa nokuita mhiko pamberi paJehovha yokuti muvakidzani haana kuisa maoko ake pazvinhu zvomumwe munhu. Muridzi anofanira kugamuchira izvi, uye hapana muripo unodikanwa apa. Asi kana chipfuwo chakabiwa kubva kumuvakidzani, iye anofanira kudzorera kumuridzi nomuripo. Kana chakabvarurwa-bvarurwa nechikara chesango, iye achauyisa zvakasara zvacho zvive umboo uye haazosungirwi kuripa chipfuwo chakabvamburwa. “Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, anofanira kuripa. Asi kana muridzi ane chipfuwo chacho, akwereta haafaniri kuzoripa. Kana chipfuwo ichi changa chichiripirwa mari yokuchishandisa, mari yakaripwa yacho ndiyo inozozadzisa kurasikirwa kwake. “Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake. Kana baba vake vasingadi zvachose kuti vamupe kwaari, anofanira bedzi kubvisa roora rinobvisirwa mhandara. “Usatendera muroyikadzi kuti ararame. “Ani naani anoita chipfuwo mukadzi anofanira kuurayiwa. “Ani naani anobayira kuna mwari upi zvake kunze kwangu anofanira kuparadzwa. “Usabata mutorwa zvakaipa kana kumudzvinyirira, nokuti imi makanga muri vatorwa muIjipiti. “Musaitira zvakaipa chirikadzi nenherera. Kana mukaita izvozvo uye ivo vakachema kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kuchema kwavo. Kutsamwa kwangu kuchamuka, uye ndichakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi uye vana venyu vachava nherera. “Kana mukakweretesa mari kuno mumwe wavanhu vangu vari pakati penyu vanoshaya, musaita somunhu webasa rokukweretesa; musamuripisa yava nemhindu. Kana ukatora jasi romuvakidzani wako sechitsidzo, uridzorere kwaari zuva rodoka, nokuti jasi rake ndicho chifukidzo bedzi chaanacho chomuviri wake. Achavata akafukeiko? Paanochema kwandiri, ini ndichanzwa, nokuti ndine tsitsi. “Usamhura Mwari kana kutuka mutongi wavanhu vako. “Usarega kupa zvipiriso zvinobva mumatura ako kana muzvisviniro zvako. “Unofanira kundipa dangwe ravanakomana vako. Muite zvimwe chetezvo kumombe dzenyu nokumakwai enyu. Murege zvigare mazuva manomwe navanamai vazvo, asi muzvipe kwandiri pazuva rorusere. “Munofanira kuva vanhu vangu vatsvene. Saka musadya nyama yechipfuwo chakabvamburwa nezvikara zvesango, muikandire kumbwa.
Ekisodho 22:1-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana munhu akaba nzombe kana gwai, akazviuraya, kana akazvitengesa, anofanira kuripa nzombe shanu panzombe imwe, namakwai mana pagwai rimwe. Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa, ikafa, wamuuraya haangavi nemhosva paropa rake. Asi kana zuva rakanga ramubudira, achava nemhosva paropa rake, anofanira kuripa; kana asina chinhu anofanira kutengeswa nokuda kwokuba kwake. Kana chaakanga aba chikawanikwa muruoko rwake chichiri chipenyu, kana iri nzombe, kana mbongoro, kana gwai, anofanira kuripa kaviri. Kana munhu akadyisa munda, kana munda wemizambiringa, akasundira chipfuwo chake, chikandodya munda womumwe, anofanira kuripa sezvakaisvonaka zvomunda wake, nezvakaisvonaka zvomunda wake wemizambiringa. Kana moto ukadarika, ukabata minzwa, ukapisa murwi wezviyo, kana zviyo zvichiri mumunda, kana munda umene, iye akatungidza moto anofanira kuripa. Kana munhu achinge apa wokwake mari kana nhumbi kuti azvichengete, zvikabiwa mumba momunhu uyo, mbavha, kana ikawanikwa, inofanira kuripa kaviri. Kana mbavha ikasawanikwa, muridzi weimba anofanira kuswedera kuna Mwari, kuti zvionekwe kana iye asina kuisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake, pamhaka dzose dzokudarika, kana iri yenzombe, kana yembongoro, kana yegwai, kana yechokufuka, kana yechinhu chipi nechipi chakarasika, kana zvikanzi, “Ndicho!” mhaka yavose vaviri inofanira kuuya pamberi paMwari; uyo anopiwa mhosva naMwari anofanira kuripira wokwake kaviri. Kana munhu akapa wokwake mbongoro, kana nzombe, kana gwai, kana chimwe chipfuwo, kuti achichengete, chikafa, kana kukuvara, kana kutinhwa asina kuzviona; ivo vaviri ngavapikirane pamberi paJehovha, kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake; muridzi wazvo ngaatende nazvo, iye arege kuripa. Asi kana zvikabiwa zviri kwaari, anofanira kuripira muridzi wazvo. Kana zvikabvamburwa nechikara, ngaauye nazvo chive chapupu; haafaniri kuripa zvabvamburwa. Kana munhu achinge akumbira chinhu kunowokwake, chakuvara, kana kufa, muridzi wacho asisipo, zvirokwazvo anofanira kuchiripa. Kana muridzi wacho aripo, haafaniri kuripa; kana chiri chinhu chairipirwa, muripo wacho wauya panzvimbo yacho. Kana munhu achinge anyengedzera musikana asina kunyengwa, akavata naye, zvirokwazvo anofanira kumuroora, ave mukadzi wake. Kana baba vake vakaramba chose kumupa iye, anofanira kuripa mari yakaenzana neroora yavasikana. Usarega muroyi ari mupenyu. Ani naani anovata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa. Anobayira mumwe mwari, asi Jehovha chete, anofanira kuparadzwa chose. Usaitira mutorwa zvakaipa, kana kumumanikidza, nokuti nemiwo maiva vatorwa munyika yeIjipiti. Usatambudza chirikadzi kana nherera. Kana ukatongovatambudza, vakadana kwandiri, ndichateerera kudana kwavo; kutsamwa kwangu kuchamuka, ndikakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi, navana venyu nherera. Kana ukapa mumwe wavanhu vangu vaunavo chikwerete chemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wechikwerete; usareva mhindu kwaari. Kana ukatongotora nguo yowokwako ruve rubatso, unofanira kuidzosera kwaari zuva rovira; nokuti ndicho chokufuka chake choga, inguo yake yaanofukidza nayo ganda rake; achavata neiko? Kana iye akadana kwandiri, ndichamunzwa, nokuti ndine tsitsi. Usatuka Mwari, kana kushuridzira mubati pakati pavanhu vako. Usanonoka kupa Mwari zvimwe kune zvizhinji zvezviyo zvako nezvinonwiwa. Undipe dangwe ravana vako vavakomana. Uitewo saizvozvo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuva manomwe namai varo, ugondipa iro nezuva rorusere. Imi munofanira kuva vanhu vatsvene kwandiri; naizvozvo hamufaniri kudya nyama yakabvamburwa nezvikara kusango, muikandire imbwa.
Ekisodho 22:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana munhu akaba mombe kana hwai akaiuraya, kana kuti akaitengesa, ngaaripiswe mombe shanu pamombe imwechete; pahwai imwechete ngaaripiswe hwai ina. Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa ikafa, munhu anenge aiuraya haapiwe mhosva yokuponda munhu. Asi kana zvikaitika ari masikati machena, ane mhosva yokuponda munhu. “Mbavha ngairipiswe zvakakwana, kana isina chainacho, ngaitengeswe pawanikwe muripo wezvayakaba. Kana akanga aba mombe kana kuti dhongi kana hwai, akazowanikwa ainayo iri mhenyu, ngaaripe muripo wakapetwa kaviri. “Kana munhu achingunofudza zvipfuwo zvake mumunda wake wembesa kana kuti wemichero, akarega zvipfuwo zvake zvichindodya mumunda womumwe wembesa, ngaaripiswe mbesa nemichero yakanyatsosvika yomumunda make. “Kana moto ukabatidzwa ukaenderera nomuminzwa kumunda womumwe, ukandopisa mbesa dzake dzakaunganidzwa kana kuti dzimire, munhu anenge atungidza moto iwoyo ngaaripiswe chaizvo. “Kana munhu akachengeteswa mari kana kuti zvinhu zvinokosha, zvobva zvabirwa mumba make, kana mbavha ikazozikanwa, ngairipiswe kanopetwa kaviri. Kana mbavha ichinge isina kuzikanwa, muridzi wemba iyeyu nyakubirwa ngaaunzwe kuna Mwari kudare azopika mhiko yokuti haana kuba zvinhu zvaakanga akachengeteswa. “Ngatitii vanhu vaitirana nharo pamusoro pechinhu chisiri kuzikanwa kuti ndechaani, ingave mombe kana dhongi kana kuti hwai kana hanzu chero chinhu chipi zvacho chakarasika. Vanhu vanenge vachiitirana nharo ivavo ngavaunzwe kuna Mwari kudare. Anenge anzi ane mhosva naMwari, ngaaripe mumwe wake kakapetwa kaviri. “Kana munhu achinge achengetesa mumwe wake dhongi kana mombe, kana kuti hwai yake, kana chimwe zvacho chipfuwo chake, chikazofa, kana kukuvara, kana kupambwa, pasina mumwe akazviona, munhu iyeyo ngaapike nezita raTenzi kune muridzi wacho kuti haana kuchitsakatisa. Muridzi wacho ngaagamuchire zvinenge zvarehwa. Nyakuchengeteswa haazosungirwa kuripa. Asi kana zviri zvechokwadi kuti chakabiwa, nyakuchichengeteswa ngaaripe muridzi wacho. Kana chipfuwo chacho chichinge chakaparadzwa nechikara, ngaauye aratidze dare zvakasiyiwa nechikara, haazoripiswa. “Kana munhu achinge akumbira chipfuwo kuno mumwe, chikakuvara, kana kufa, muridzi wacho asipo, uya anga achikumbira anofanira kutoripa. Asi kana zvaitika muridzi wacho aripo, haaripiswe. Kana changa chichishandisirwa mari, chinongoripwa mari yebasa rachaita chete. “Kana murume akanyengetedza mhandara inenge isati yatumirwa mari yokuroora, akatadza naye, ngaabvise pfuma yose yokumuroora ave mukadzi wake. Kana baba vomusikana varambisisa kuti murume iyeyo amuroore, ngaangobvisiswa muripo unokwanirana neroora rinobvisirwa mhandara. “Usamborega zvako munhukadzi anenge ari muroyi ari mupenyu. “Munhu anenge aita chakaipa nemhuka ngaaurayiwe. “Munhu anopira chibayiro kuna vamwe vamwari, vasirini Tenzi ngaaurayiwe. “Usaitire mutorwa zvakaipa kana kumubata nenzira isina kunaka nokuti imi maivawo vatorwa munyika yeIjipiti. Musatambudze chirikadzi kana nherera. Kana ukavatambudza vakachema kwandiri, chokwadi ndichanzwa kuchema kwavo. Ndichaviruka nehasha ndigokuurayisai muhondo nebakatwa. Madzimai enyu achasara ava chirikadzi, vana venyu vachivawo nherera. “Kana ukakweretesa mari kune mumwe wavanhu vangu vaugere navo, anenge ari murombo usazoita zvinoitwa navanhu vane basa rokukweretesa mari, usaite chimbadzo. Kana ukabatira jasi romunhu anenge akakukwereta, mudzosere jasi rake zuva risati radoka nokuti ndiro chete raanaro rokufuka. Ko angavate akafukeiko kana asina jasi rake? Kana akazochema kwandiri ndichamunzwa nokuti ndine tsitsi. “Usashore Mwari, usamboti mutongi wako dai awana chinomuwana. “Usanonoke kupira kwandiri mipiro yako yezvinhu zvako zvose zvinoti mbesanwa newaini neyamafuta eorivhi. Unofanira kunditurira vanakomana vako vamatangwe. Itawo zvimwechetezvo nedangwe remombe yako kana rechimwe chipfuwo, ngariregwe riina amai varo kwamazuva manomwe mozoripira kwandiri pazuva rorusere. “Imi munofanira kuva vanhu vatsvene vakatsaurirweni, saka musadye nyama yechinhu chipi zvacho chinenge chaurayiwa nezvikara zvesango, asi ipai imbwa.
Ekisodho 22:1-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana munhu akaɓa nzombe kana gwai, akaɀiʋuraya, kana akaɀiteŋgesa, unofanira kuripa nenzombe shanu panzombe imŋe, namakwai manna pagwai rimŋe. Kana mbava ikaɓatwa icipaza, ikarobga, ikafa, wamuʋuraya haaŋgaʋi nemhoȿa paropa rake. Asi kana zuʋa rakaŋga ramuɓuɗira, ucaʋa nemhoȿa paropa rake, unofanira kuripa; kana asinecinhu unofanira kuteŋgeswa nokuɗa kwokuɓa kwake. Kana caakaŋga aɓa cikawanikwa muruʋoko rwake ciciri cipenyu, kana iri nzombe, kana mboŋgoro, kana gwai, unofanira kuripa kaʋiri. Kana munhu akadyisa munda, kana munda wemizambiriŋga, akasundira cipfuwo cake, cikandodya munda womumŋe, unofanira kuripa neɀakaiȿo‐naka ɀomunda wake, neɀakaiȿo‐naka ɀomunda wake wemizambiriŋga. Kana mŋoto ukaɗarikira, ukaɓata minzwa, ukapisa murwi weɀiyo, kana ɀiyo ɀiciri mumunda, kana munda umene, iye wakatuŋgidza mŋoto unofanira kuripa. Kana munhu aciŋge apa wokwake mari kana nhumbi kuti aɀiceŋgete, ɀikaɓiwa mumba momunhu uyo, mbava, kana ikawanikwa, inofanira kuripa kaʋiri. Kana mbava ikasawanikwa, muridzi weimba unofanira kusweɗera kunaMŋari, kuti ɀiʋonekwe kana iye asina‐kuisa ruʋoko rwake panhumbi dzowokwake, pamhaka dzose dzokuɗarika, kana iri yenzombe, kana yemboŋgoro, kana yegwai, kana yecokufuka, kana yecinhu cipi necipi cakarashika, kana ɀikanzi, Ndico! mhaka yaʋose ʋaʋiri inofanira kuʋuya pamberi paMŋari; uyo unopiwa mhoȿa naMŋari unofanira kuripira wokwake kaʋiri. Kana munhu akapa wokwake mboŋgoro, kana nzombe, kana gwai, kana cimŋe cipfuwo, kuti aciceŋgete, cikafa, kana kukuʋara, kana kutinhwa asinakuɀiʋona; iʋo ʋaʋiri ŋgaʋapikirane pamberi paJehova, kuti ɀiʋonekwe kana akaisa ruʋoko rwake panhumbi dzowokwake; muridzi waɀo ŋgaatende naɀo, iye arege kuripa. Asi kana ɀikaɓiwa ɀiri kwaari, unofanira kuripira muridzi waɀo Kana ɀikabvamburwa necikara, ŋgaaʋuye naɀo ciʋe capupu; haafaniri kuripa ɀabvamburwa. Kana munhu aciŋge akumbira cinhu kunowokwake, cikakuʋara, kana kufa, muridzi waco asisi’po, ɀirokwaɀo unofanira kuciripa. Kana muridzi waco ari’po, haafaniri kuripa; kana ciri cinhu cairipirwa, muripo waco waʋuya panɀimbo yaco. Kana munhu aciŋge anyeŋgedzera musikana usina‐kunyeŋgwa, akaʋata naye, ɀirokwaɀo unofanira kumuroʋora, aʋe mukadzi wake. Kana ɓaɓa ʋake ʋakaramba cose kumupa iye, unofanira kuripa mari yakaenzana neroʋoro yaʋasikana. Usarega muroyi ari mupenyu. Aninani unoʋata necipfuwo, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa. Unoɓayira mumŋe mŋari, asi Jehova cete, unofanira kuparadzwa cose. Usaitira mutorwa ɀakaipa, kana kumumanikidza, nokuti nemi ʋo maiʋa ʋatorwa munyika yeEgipita. Usatambudza cirikadzi kana nherera. Kana ukatoŋgoʋatambudza, ʋakaɗana kwandiri, ndicaterera kuɗana kwaʋo; kutsamŋa kwaŋgu kucamuka, ndikakuʋurayai nomunondo: ʋakadzi ʋenyu ʋacaʋa cirikadzi, naʋana ʋenyu nherera. Kana ukapa mumŋe waʋanhu ʋaŋgu ʋaunaʋo cikwerete cemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wecikwerete; usareʋa mhindu kwaari. Kana ukatoŋgotora ŋguʋo yowokwako ruʋe ruɓatso, unofanira kuidzosera kwaari zuʋa roʋira; nokuti ndico cokufuka cake coga, iŋguʋo yake yaanofukidza nayo ganda rake; ucaʋata neiko? Kana iye akaɗana kwandiri, ndicamunzwa, nokuti ndinetsitsi. Usatuka Mŋari, kana kushuridzira muɓati pakati paʋanhu ʋako. Usanonoka kupa Mŋari ɀimŋe kuneɀizhinji ɀeɀiyo ɀako neɀinonwiwa. Undipe ɗaŋgwe raʋana ʋako ʋaʋakomana. Uite ʋo saiɀoɀo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuʋa manomŋe namai ʋaro, ugondipa iro nezuʋa rorusere. Imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋatȿene kwandiri; naiɀoɀo hamufaniri kudya nyama yakabvamburwa neɀikara kusaŋgo, muikandire imbga.
Ekisodho 22:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)