Kubuda 22
22
Kuripa tsaona dzinoitika kuzvipfuwo
1“Kana munhu akaba mombe kana hwai akaiuraya, kana kuti akaitengesa, ngaaripiswe mombe shanu pamombe imwechete; pahwai imwechete ngaaripiswe hwai ina. 2Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa ikafa, munhu anenge aiuraya haapiwe mhosva yokuponda munhu. 3Asi kana zvikaitika ari masikati machena, ane mhosva yokuponda munhu.
“Mbavha ngairipiswe zvakakwana, kana isina chainacho, ngaitengeswe pawanikwe muripo wezvayakaba. 4Kana akanga aba mombe kana kuti dhongi kana hwai, akazowanikwa ainayo iri mhenyu, ngaaripe muripo wakapetwa kaviri.
5“Kana munhu achingunofudza zvipfuwo zvake mumunda wake wembesa kana kuti wemichero, akarega zvipfuwo zvake zvichindodya mumunda womumwe wembesa, ngaaripiswe mbesa nemichero yakanyatsosvika yomumunda make.
6“Kana moto ukabatidzwa ukaenderera nomuminzwa kumunda womumwe, ukandopisa mbesa dzake dzakaunganidzwa kana kuti dzimire, munhu anenge atungidza moto iwoyo ngaaripiswe chaizvo.
7“Kana munhu akachengeteswa mari kana kuti zvinhu zvinokosha, zvobva zvabirwa mumba make, kana mbavha ikazozikanwa, ngairipiswe kanopetwa kaviri. 8Kana mbavha ichinge isina kuzikanwa, muridzi wemba iyeyu nyakubirwa ngaaunzwe kuna Mwari kudare azopika mhiko yokuti haana kuba zvinhu zvaakanga akachengeteswa.
9“Ngatitii vanhu vaitirana nharo pamusoro pechinhu chisiri kuzikanwa kuti ndechaani, ingave mombe kana dhongi kana kuti hwai kana hanzu chero chinhu chipi zvacho chakarasika. Vanhu vanenge vachiitirana nharo ivavo ngavaunzwe kuna Mwari kudare. Anenge anzi ane mhosva naMwari, ngaaripe mumwe wake kakapetwa kaviri.
10“Kana munhu achinge achengetesa mumwe wake dhongi kana mombe, kana kuti hwai yake, kana chimwe zvacho chipfuwo chake, chikazofa, kana kukuvara, kana kupambwa, pasina mumwe akazviona, 11munhu iyeyo ngaapike nezita raTenzi kune muridzi wacho kuti haana kuchitsakatisa. Muridzi wacho ngaagamuchire zvinenge zvarehwa. Nyakuchengeteswa haazosungirwa kuripa. 12Asi kana zviri zvechokwadi kuti chakabiwa, nyakuchichengeteswa ngaaripe muridzi wacho. 13Kana chipfuwo chacho chichinge chakaparadzwa nechikara, ngaauye aratidze dare zvakasiyiwa nechikara, haazoripiswa.
14“Kana munhu achinge akumbira chipfuwo kuno mumwe, chikakuvara, kana kufa, muridzi wacho asipo, uya anga achikumbira anofanira kutoripa. 15Asi kana zvaitika muridzi wacho aripo, haaripiswe. Kana changa chichishandisirwa mari, chinongoripwa mari yebasa rachaita chete.
Mimwe mitemo yomugariro wakanaka neyemimwe mipiro
16“Kana murume akanyengetedza mhandara inenge isati yatumirwa mari yokuroora, akatadza naye, ngaabvise pfuma yose yokumuroora ave mukadzi wake. 17Kana baba vomusikana varambisisa kuti murume iyeyo amuroore, ngaangobvisiswa muripo unokwanirana neroora rinobvisirwa mhandara.
18“Usamborega zvako munhukadzi anenge ari muroyi ari mupenyu.
19“Munhu anenge aita chakaipa nemhuka ngaaurayiwe.
20“Munhu anopira chibayiro kuna vamwe vamwari, vasirini Tenzi ngaaurayiwe.
21“Usaitire mutorwa zvakaipa kana kumubata nenzira isina kunaka nokuti imi maivawo vatorwa munyika yeIjipiti. 22Musatambudze chirikadzi kana nherera. 23Kana ukavatambudza vakachema kwandiri, chokwadi ndichanzwa kuchema kwavo. 24Ndichaviruka nehasha ndigokuurayisai muhondo nebakatwa. Madzimai enyu achasara ava chirikadzi, vana venyu vachivawo nherera.
25“Kana ukakweretesa mari kune mumwe wavanhu vangu vaugere navo, anenge ari murombo usazoita zvinoitwa navanhu vane basa rokukweretesa mari, usaite chimbadzo. 26Kana ukabatira jasi romunhu anenge akakukwereta, mudzosere jasi rake zuva risati radoka 27nokuti ndiro chete raanaro rokufuka. Ko angavate akafukeiko kana asina jasi rake? Kana akazochema kwandiri ndichamunzwa nokuti ndine tsitsi.
28“Usashore Mwari, usamboti mutongi wako dai awana chinomuwana.
29“Usanonoke kupira kwandiri mipiro yako yezvinhu zvako zvose zvinoti mbesanwa newaini neyamafuta eorivhi. Unofanira kunditurira vanakomana vako vamatangwe. 30Itawo zvimwechetezvo nedangwe remombe yako kana rechimwe chipfuwo, ngariregwe riina amai varo kwamazuva manomwe mozoripira kwandiri pazuva rorusere.
31“Imi munofanira kuva vanhu vatsvene vakatsaurirweni, saka musadye nyama yechinhu chipi zvacho chinenge chaurayiwa nezvikara zvesango, asi ipai imbwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 22: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.