Ekisodho 19:18-20
Ekisodho 19:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gomo reSinai rakanga rakafukidzwa noutsi, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakapfungaira huchikwira kumusoro soutsi hwakanga huchibva pavira romoto, gomo rose rakazungunuka nesimba guru, uye inzwi rehwamanda rakanyanya kurira nokurira kukuru. Ipapo Mozisi akataura uye inzwi raMwari rikamupindura. Jehovha akaburukira pamusoro peGomo reSinai uye akadana Mozisi kuti auye pamusoro pegomo. Saka Mozisi akakwirako
Ekisodho 19:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi hwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo. Zvino izwi rehwamanda rakati richirira nokurira kwazvo, Mosesi akataura, Mwari akamupindura nezwi. Ipapo Jehovha akaburukira pamusoro pegomo reSinai, Jehovha akadana Mosesi kuti akwire kumusoro wegomo, Mosesi akakwira.
Ekisodho 19:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gomo rose reSinai rakati gude gude kufukidzwa noutsi, nokuti Tenzi akanga aburukira pamusoro paro ari mumoto. Utsi hwakati togo-o sokunge huri kubva muvira romoto. Gomo rose rakandengendeka zvikuru. Kuzoti ruzha rwehwamanda rwanyanya kuramba ruchikura, Mosesi akataura. Tenzi akamupindura nezwi raiita zvokutinhira. Ipapo Tenzi akaburukira pamusoro peGomo reSinai, akadaidzira kuna Mosesi kuti akwire pamusoro pegomo, Mosesi ndokukwira.
Ekisodho 19:18-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Gomo rose reSinai rakaŋga ricipfuŋgaira, nokuti Jehova wakaŋga aɓurukira pamsoro paro mumŋoto; ʋutsi bgaro ʋukakwira soʋutsi bgeʋira; gomo rose rikazunuŋguka kwaɀo. Ɀino inzwi rehwamanda rakati ricirira nokurira kwaɀo, Mosesi akataura, Mŋari akamupindura nenzwi. Ipapo Jehova akaɓurukira pamsoro pegomo reSinai, Jehova akaɗana Mosesi kuti akwire kumusoro wegomo, Mosesi akakwira
Ekisodho 19:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)